|
| 1 |
|
| Jesu, azere noMweya Mutsvene, akadzoka kubva paJorodhani akatungamirirwa noMweya mugwenga, |
|
| 2 |
|
| umo maakaedzwa naSatani kwamazuva makumi mana. Haana chaakadya pamazuva iwayo, uye pakupera kwamazuva iwayo akanzwa nzara. |
|
| 3 |
|
| Satani akati kwaari, “Kana iwe uri mwanakomana waMwari, rayira dombo iri kuti rive chingwa.” |
|
| 4 |
|
| Jesu akapindura akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Munhu haararami nechingwa bedzi, asi neshoko rimwe nerimwe rinobuda mumuromo maMwari.’ ” |
|
| 5 |
|
| Satani akamutungamirira kunzvimbo yakakwirira uye akamuratidza pakarepo umambo hwose hwenyika. |
|
| 6 |
|
| Akati kwaari, “Ndichakupa simba rahwo rose nokubwinya kwahwo, nokuti ndakahupiwa, uye ini ndinogona kuhupa kuna ani zvake wandinoda. |
|
| 7 |
|
| Saka kana ukandinamata, huchava hwako hwose.” |
|
| 8 |
|
| Jesu akapindura akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Namata Ishe Mwari wako umushumire iye oga.’ ” |
|
| 9 |
|
| Satani akamutungamirira kuJerusarema akamuita kuti amire pachiruvi chetemberi. Akati kwaari, “Kana uri mwanakomana waMwari, zviwisire pasi uchibva pano. |
|
| 10 |
|
| Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “ ‘Iye acharayira vatumwa vake pamusoro pako kuti vakuchengete kwazvo; |
|
| 11 |
|
| vachakusimudza mumaoko avo, kuti rutsoka rwako rurege kugumburwa padombo.’ ” |
|
| 12 |
|
| Jesu akati, “Zvinonzi, ‘Usaedza Ishe Mwari wako.’ ” |
|
| 13 |
|
| Satani akati apedza kuedza kwake kwose uku, akabva paari kusvikira pane imwe nguva. |
|
| 14 |
|
| Jesu akadzokera kuGarirea musimba roMweya, uye shoko pamusoro pake rakapararira kumativi ose enyika. |
|
| 15 |
|
| Akadzidzisa mumasinagoge avo, uye munhu wose akamurumbidza. |
|
| 16 |
|
| Akaenda kuNazareta, kwaakanga arerwa, uye nomusi weSabata akapinda musinagoge, setsika yake. Akasimuka kuti averenge. |
|
| 17 |
|
| Rugwaro rwakapetwa rwaIsaya rwakapiwa kwaari. Pakurubhedhenura, akawana pakanga pakanyorwa kuti: |
|
| 18 |
|
| “Mweya waShe uri pamusoro pangu, nokuti akandizodza kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo. Akandituma kuti ndiparidze rusununguko kuna vakasungwa uye kuti vasingaoni vaone, kuti ndisunungure vakamanikidzwa, |
|
| 19 |
|
| kuti ndiparidze gore rakanaka raShe.” |
|
| 20 |
|
| Ipapo akapeta rugwaro, akarudzosera kumubati akagara pasi. Meso avanhu vose vakanga vari musinagoge akanga akati ndee kwaari, |
|
| 21 |
|
| uye akatanga nokuti kwavari, “Nhasi rugwaro urwu rwazadziswa munzeve dzenyu.” |
|
| 22 |
|
| Vose vakataura zvakanaka pamusoro pake uye vakashamiswa namashoko akanaka akanga achibuda mumuromo make. Vakati, “Ko, uyu haazi mwanakomana waJosefa here?” |
|
| 23 |
|
| Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo muchataura tsumo iyi kwandiri muchiti: ‘Murapi, chizvirapa! Itawo muguta rako rino zvatakanzwa kuti wakaita muKapenaume.’ ” |
|
| 24 |
|
| Akaenderera mberi achiti, “Ndinokuudzai chokwadi kuti hakuna muprofita anogamuchirwa muguta rake. |
|
| 25 |
|
| Ndinokuudzai chokwadi kuti kwakanga kune chirikadzi zhinji muIsraeri panguva yaEria, panguva yakadzivirwa denga kwamakore matatu nehafu uye nzara huru ikavapo panyika yose. |
|
| 26 |
|
| Asi Eria haana kutumwa kuno mumwe wavo, asi kuchirikadzi yeZerafati munyika yeSidhoni. |
|
| 27 |
|
| Uye kwaiva navazhinji vaiva namaperembudzi panguva yaEria muprofita, asi hapana mumwe chete pakati pavo akanatswa kunze kwaNaamani muSiria.” |
|
| 28 |
|
| Vanhu vose vakanga vari musinagoge vakatsamwa kwazvo pavakanzwa izvi. |
|
| 29 |
|
| Vakasimuka, vakamubudisa muguta, vakamutora vakaenda naye kumucheto cheto kwechikomo chakanga chakavakirwa guta ravo, kuti vamusundidzire kumawere. |
|
| 30 |
|
| Asi akafamba napakati peungano akaenda zvake. |
|
| 31 |
|
| Ipapo akaburuka zasi kweKapenaume, guta riri muGarirea, akatanga kudzidzisa vanhu nomusi weSabata. |
|
| 32 |
|
| Vakashamiswa nokudzidzisa kwake, nokuti shoko rake raiva nesimba. |
|
| 33 |
|
| Musinagoge makanga muno murume akanga akabatwa nedhimoni, mweya wakaipa, uye akadanidzira nenzwi guru achiti, |
|
| 34 |
|
| “A! Munodeiko kwatiri imi Jesu weNazareta? Ko, mauya kuzotiparadza kanhi? Ndinoziva kuti muri ani, muri Mutsvene waMwari!” |
|
| 35 |
|
| Jesu akaurayira achiti, “Nyarara! Buda maari!” Ipapo dhimoni rakaputsira murume uyu pasi pamberi pavo vose rikabuda risina kumukuvadza. |
|
| 36 |
|
| Vanhu vose vakashamiswa vakataurirana vachiti, “Kudzidzisa uku ndokupi? Anorayira mweya yakaipa nechikuriri uye nesimba uye ichibuda!” |
|
| 37 |
|
| Mukurumbira wake wakapararira munzvimbo dzose dzakapoteredza. |
|
| 38 |
|
| Jesu akabva pasinagoge akaenda kumba kwaSimoni. Zvino mai vomukadzi waSimoni vairwara nefivha, uye vakakumbira Jesu kuti avabatsire. |
|
| 39 |
|
| Saka akakotamira kwavari akarayira fivha, ikabva pavari. Vakasimuka pakarepo uye vakatanga kuvashandira. |
|
| 40 |
|
| Zuva rakati rodoka, vanhu vakauya kuna Jesu navose vakanga vana marudzi akasiyana-siyana ezvirwere, akaisa maoko ake pamusoro pomumwe nomumwe wavo akavaporesa. |
|
| 41 |
|
| Pamusoro paizvozvo, madhimoni akabuda muvanhu vazhinji, achidanidzira achiti, “Ndiwe mwanakomana waMwari!” Asi iye akaatsiura akasaatendera kuti ataure, nokuti iwo aiziva kuti ndiye Kristu. |
|
| 42 |
|
| Mangwanani-ngwanani, Jesu akaenda kunzvimbo yakanyarara ari oga. Vanhu vakanga vachimutsvaka uye vakati vamuwana paakanga ari, vakaedza kumudzivisa kuti asabva kwavari. |
|
| 43 |
|
| Asi iye akati, “Ndinofanira kuparidza vhangeri roumambo hwaMwari kuna mamwewo maguta, nokuti ndizvo zvandakatumirwa.” |
|
| 44 |
|
| Uye akaramba achiparidza mumasinagoge eJudhea. |
|
|
|
|