|
| 1 |
|
| Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Usingapindi napamukova mudanga ramakwai, asi unokwira nokumwe, ndiye mbavha negororo. |
|
| 2 |
|
| Asi unopinda napamukova, mufudzi wamakwai. |
|
| 3 |
|
| Murindi womukova unomuzarurira iye, namakwai anonzwa inzwi rake, uye unodana makwai ake nezita rawo, nokuakokera kunze. |
|
| 4 |
|
| Kana abudisa makwai ake, unoatungamirira; namakwai anomutevera, nokuti anoziva inzwi rake. |
|
| 5 |
|
| Asi mweni haangatongomuteveri, asi anomutiza; nokuti haazivi inzwi ravaeni. |
|
| 6 |
|
| Jesu akareva mufananidzo uyu kwavari; asi ivo havana kunzwisisa, kuti zvinhu zvei zvaakavataurira. |
|
| 7 |
|
| Zvino Jesu akati kwavarizve: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Ndini mukova wamakwai. |
|
| 8 |
|
| Vose vakanditangira kuvuya imbavha namakororo, asi makwai haana kuvanzwa. |
|
| 9 |
|
| Ndini mukova; kana munhu apinda neni, uchaponeswa, uchapinda, nokubuda, uchawana mafuro. |
|
| 10 |
|
| Mbavha haivuyi asi kungozoba nokuvuraya nokuparadza. Ini ndakavuya, kuti ave noupenyu, uye ave nobwakawanda. |
|
| 11 |
|
| Ndini mufudzi wakanaka. Mufudzi wakanaka unoradzikira pasi makwai ake upenyu bwake. |
|
| 12 |
|
| Asi muranda, usati ari mufudzi, makwai asati ari ake, unovona bere richivuya, akasiya makwai, ndokutiza; bere rinoabata, nokuparadzira makwai; |
|
| 13 |
|
| Muranda unotiza nokuti muranda, uye haanehanya namakwai. |
|
| 14 |
|
| Ini ndini mufudzi wakanaka, ndinoziva angu, ndinozikamwa neangu, |
|
| 15 |
|
| Baba sezvavanondiziva, saizvozvo nenivo ndinoziva Baba; ndinoradzikira pasi makwai angu upenyu bwangu. |
|
| 16 |
|
| Namamwe makwai ndinawo, asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuvuya nawovo, achanzwa inzwi rangu; richava boka rimwe, nomufudzi mumwe. |
|
| 17 |
|
| Naizvozvo Baba vanondida, nokuti ndinoradzika upenyu bwangu pasi, kuti ndigobwutorazve. |
|
| 18 |
|
| Hakuna munhu ungabwutora kubva kwandiri; asi ndinobwuradzika pasi pachangu. Simba ndinaro rokubwuradzika pasi, uye ndine simba rokubwutorazve. Uyu murairo ndakaugamuchira kunababa vangu. |
|
| 19 |
|
| Ipapo kukavapo kupesana pakati pavaJudha nokuda kwamashoko iwawo. |
|
| 20 |
|
| Vazhinji vavo vakati: Unomweya wakaipa uye unopenga; munomuteerereiko? |
|
| 21 |
|
| Vamwe vakati: Mashoko awa haasati ari owakabatwa nomweya wakaipa; ko mweya wakaipa ungagona kusvinudza meso amapofu here? |
|
| 22 |
|
| Yaiva nguva yomutambo wokuvandudza paJerusarema, chaiva chando. |
|
| 23 |
|
| Jesu akafamba mutembere mubiravira raSoromoni. |
|
| 24 |
|
| Zvino vaJudha vakavuya vakamukomba, vakati kwaari: Uchatikahadzikisa kusvikira riniko? Kana uri Kristu iwe, tivudze pachena. |
|
| 25 |
|
| Jesu akavapindura akati: Ndakakuvudzai, mukasatenda; mabasa andinoita nezita rababa, ndiwo anondipupurira ini; |
|
| 26 |
|
| asi imwi hamutendi; nokuti hamuzi vamakwai angu sezvandakareva kwamuri. |
|
| 27 |
|
| Makwai angu anonzwa inzwi rangu, neni ndinoaziva, uye anonditevera; |
|
| 28 |
|
| ndinopa kwaari upenyu bwusingaperi; uye haangafi nokusingaperi, uye hakunomunhu ungaabvuta muruvoko rwangu. |
|
| 29 |
|
| Baba vangu vakandipa \add iwo\add* vakuru kunavose; hakuna unogona kuabvuta muruvoko rwaBaba vangu. |
|
| 30 |
|
| Ini naBaba tiri mumwe. |
|
| 31 |
|
| Zvino vaJudha vakanongazve mabwe, kuti vamutake. |
|
| 32 |
|
| Jesu akavapindura \add akati\add*: Ndakakuratidzai mabasa mazhinji akanaka kubva kunaBaba vangu; nderipiko ramabasa awa ramunonditakira? |
|
| 33 |
|
| VaJudha vakamupindura vakati: Hatikutakiri basa rakanaka; asi kumhura Mwari; uye nokuti iwe uri munhu unozviita Mwari. |
|
| 34 |
|
| Jesu akavapindura \add akati\add*; Hazvina kunyorwa here mumurairo wenyu, \add zvichinzi\add*: Ini ndakati: Muri vamwari? |
|
| 35 |
|
| Zvino kana akavaidza vamwari, ivo shoko raMwari rakasvika kwavari, (Rugwaro harungaputswi); |
|
| 36 |
|
| uyo wakatsaurwa naBaba, nokutumwa panyika, asi imwi munoti: Unomhura Mwari, nokuti ndati: Ndiri Mwanakomana waMwari? |
|
| 37 |
|
| Asi kana ndisingaiti mabasa aBaba vangu, regai kunditenda. |
|
| 38 |
|
| Asi kana ndichi\add a\add*ita, kunyange musinganditendi ini, tendai mabasa; kuti mugoziva nokutenda kuti Baba \add vari\add* mandiri, neni mavari. |
|
| 39 |
|
| Zvino vakatsvakazve kumubata, asi iye wakapukunyuka pamavoko avo. |
|
| 40 |
|
| Zvino akaendazve mhiri kwaJoridhani, panzvimbo paibhabhatidza Johwani pakutanga; akagarapo, |
|
| 41 |
|
| Zvino vazhinji vakavuya kwaari, vakati: Johwani haana kuita chiratidzo, asi zvose zvakareva Johwani pamusoro pomunhu uyu zvaiva zvechokwadi. |
|
| 42 |
|
| Vazhinji vakatenda kwaari ipapo. |
|
|
|
|