Shona Bible 2009?
|
| 1 |
| Kwaiva noumwe wakanga achirwara, \add wainzi\add* Razaro weBhetaniya, musha waMaria nomukoma wake Marita. |
| 2 |
| Ndiye Maria wakazodza Ishe namafuta, akapusika tsoka dzake nevhudzi rake; hanzvadzi yake Razaro wakanga achirwara. |
| 3 |
| Naizvozvo hanzvadzi dzake dzakatumira \add shoko\add* kwaari, dzichiti: Ishe, tarirai uyo wamunoda unorwara. |
| 4 |
| Jesu wakati anzwa akati: Kurwara uku hakusviki murufu, asi ndokwembiri yaMwari, kuti noMwanakomana waMwari arumbidzwe nazvo. |
| 5 |
| Zvino Jesu wakanga achida Marita nomunun'una wake naRazaro. |
| 6 |
| Naizvozvo wakati anzwa kuti unorwara, akambogara mazuva maviri panzvimbo paakanga ari. |
| 7 |
| Shure kwaizvozvo akati kuvadzidzi: Hendeizve Judhiya. |
| 8 |
| Vadzidzi vakati kwaari: Mudzidzisi, vaJudha vakanga vachitsvaka kukutakai namabwe ikozvinozvino; zvino moendazve ikoko here? |
| 9 |
| Jesu akapindura \add akati\add*: Hapana maora gumi nemaviri pazuva here? Kana munhu achifamba masikati, haagumburwi, nokuti unovona chiedza chenyika ino. |
| 10 |
| Asi kana munhu achifamba vusiku, unogumburwa, nokuti hakuna chiedza maari. |
| 11 |
| Wakataura zvinhu izvi, shure kwaizvozvo akazoti kwavari: Shamwari yedu Razaro wavata; asi ndinoenda kuti ndimumutse pahope. |
| 12 |
| Zvino vadzidzi vake vakati: Ishe, kana avete uchanaya. |
| 13 |
| Asi Jesu wakareva kufa kwake; asi ivo vakafunga kuti unoreva kuzorora kwehope. |
| 14 |
| Ipapo Jesu akavavudza pachena: Razaro wafa. |
| 15 |
| Zvino Ndinofara nokuda kwenyu, kuti ndakanga ndisipo, kuti mugotenda; asi zvino hendei kwaari. |
| 16 |
| Ipapo Tomasi, wainzi Batya, akati kuna vamwe vadzidzi pamwe naye: Hendei nesuvo kuti tindofa naye. |
| 17 |
| Zvino Jesu wakati achisvika, akawana kuti wakanga atova mubwiro mazuva mana. |
| 18 |
| Zvino Bhetaniya rakanga riri pedo neJerusarema, masitadhiya* anenge gumi namashanu kubva \add ipapo\add*; |
| 19 |
| navazhinji vavaJudha vakanga vavuya kunaMarita naMaria, kuti vavanyaradze pamusoro pehanzvadzi yavo. |
| 20 |
| Zvino Marita wakati achingonzwa kuti Jesu wovuya, akaenda kundomuchingamidza; asi Maria wakagara mumba. |
| 21 |
| Ipapo Marita akati kuna Jesu: Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa. |
| 22 |
| Kunyange zvino ndinoziva kuti zvipi zvazvo zvamunokumbira kunaMwari, Mwari uchakupai. |
| 23 |
| Jesu akati kwaari: Hanzvadzi yako ichamukazve. |
| 24 |
| Marita akati kwaari: Ndinoziva kuti uchamukazve pakumuka nezuva rokupedzisira. |
| 25 |
| Jesu akati kwaari: Ndini kumuka noupenyu; unotenda kwandiri, kunyange akafa, uchararama; |
| 26 |
| uye mumwe nomumwe mupenyu unotenda kwandiri, haangatongofi nokusingaperi. Unotenda izvozvi here? |
| 27 |
| Akati kwaari: Hongu, Ishe; ndinotenda kuti ndimwi Kristu, Mwanakomana waMwari, unofanira kuvuya panyika. |
| 28 |
| Wakati areva izvozvo akabuda akandodana Maria, munun'una wake pchivande, akati: Mudzidzisi wasvika, unokudana. |
| 29 |
| Iye wakati achi\add zvi\add*nzwa, akakurumidza kusimuka akaenda kwaari. |
| 30 |
| Zvino Jesu wakanga asati asvika pamusha, asi wakanga achiri panzvimbo iya paakachingamidzwa naMarita. |
| 31 |
| Naizvozvo vaJudha vakanga vari mumba naye vachimunyaradza, vakati vachivona Maria achikurumidza kusimuka achibuda, vakamutevera, vachiti unoenda kubwiro kundochemako. |
| 32 |
| Zvino Maria wakati achisvika pakanga panaJesu, achimuvona, akawira pasi patsoka dzake, achiti kwaari: Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa. |
| 33 |
| Zvino Jesu wakati achimuvona achichema, navaJudha vachichemavo vakanga vavuya naye, akagomera \add neshungu\add* mumweya, akatambudzika, |
| 34 |
| akati: Mamuradzikepiko? Vakati kwaari: Ishe, vuyai muvone. |
| 35 |
| Jesu akachema. |
| 36 |
| Ipapo vaJudha vakati: Tarirai kuti waimuda sei. |
| 37 |
| Asi vamwe vavo vakati: Uyu wakasvinudza meso ebofu, haazaiita here kuti uyu asafa? |
| 38 |
| Ipapo Jesu akagomerazve \add neshungu \add*mukati make asvika pabwiro. Iro raiva bako, nebwe rakanga riri pamusoro paro. |
| 39 |
| Jesu akati: Bvisai ibwe. Marita hanzvadzi yowakafa akati kwaari: Ishe, ikozvino wotonhuhwa, nokuti unamazuva mana. |
| 40 |
| Jesu akati kwaari: Handina kutaura here kwauri, kuti kana ukatenda, uchavona kubwinya kwaMwari? |
| 41 |
| Ipapo vakabvisa ibwe, apo pakanga paradzikwa wakafa. Zvino Jesu akasimudza meso, akati: Baba, ndinokuvongai, nokuti imwi mandinzwa. |
| 42 |
| Asi ndanga ndichiziva kuti munogara muchindinzwa; asi nokuda kwavazhinji vakandikomba ndareva kuti vatende kuti makandituma. |
| 43 |
| Wakati areva izvozvi, akadanidzira nenzwi guru, \add akati\add*: Razaro, buda! |
| 44 |
| Zvino uyo wakanga afa akabuda, akapombwa mavoko namakumbo nemicheka yebwiro, nechiso chake chakapombwa netauro, Jesu akati kwavari: Musunungurei, aende. |
| 45 |
| Naizvozvo vazhinji vavaJudha, vakanga vavuya kunaMaria vakati vavona zvakaitwa naJesu, vakatenda kwaari. |
| 46 |
| Asi vamwe vavo vakaenda kuvaFarisi, vakandovavudza zvinhu zvakanga zvaitwa naJesu. |
| 47 |
| Naizvozvo vaprista vakuru navaFarisi vakavunganidza dare, vakati: Todiniko? Nokuti uyu munhu unoita zviratidzo zvizhinji. |
| 48 |
| Kana tikamurega akadaro, vose vachatenda kwaari; navaRoma vachavuya vakatitorera nzvimbo yedu norudzi rwedu. |
| 49 |
| Asi mumwe wavo, Kayafasi, wakanga ari muprista mukuru gore iroro, akati kwavari: Hamuzivi chinhu imwi, |
| 50 |
| uye hamurangariri kuti zvakatinakira, kuti munhu mumwe afire vanhu, rudzi rwose rurege kufa. |
| 51 |
| Asi haana kureva zvomusoro wake, asi zvaakanga ari muprista mukuru gore iro, wakaporofita kuti Jesu waifanira kufira rudzi urwo; |
| 52 |
| rusati ruri rudzi rwoga, asi kutivo avunganidze pamwe chete vana vaMwari vakapararira vave mumwe. |
| 53 |
| Zvino kubva pazuva iro vakarangana pamwechete kuti vamuvuraye. |
| 54 |
| Naizvozvo Jesu haana kuzofamba pachena pakati pavaJudha, asi wakabvapo akaenda kunyika iri pedo nerenje, kuguta rainzi Efuremu, akagarako navadzidzi vake. |
| 55 |
| Zvino paseka yavaJudha yakanga yava pedo; vanhu vazhinji vakabuda munyika iyo vakakwira Jerusarema paseka isati yasvika, kuti vazvinatse. |
| 56 |
| Naizvozvo vakatsvaka Jesu, vakataurirana vamire mutembere, \add vachiti\add*: Munofungeiko? Kuti haangavuyi kumutambo here? |
| 57 |
| Zvino vose vaprista vakuru navaFarisi vakanga varaira, kuti, kana aninani achiziva kwaari, azivise, kuti vamubate. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/john/011.mp3
21
11