Bhaibhiri Idzva 2008
|
| 1 |
| Mazuva matanhatu ePasika asati asvika Jesu akaenda kuBhetania kwaiva naRazaro waakanga amutsa muvafi. |
| 2 |
| Vakamuitira mabiko ikoko Marita ndiye aivashandira. Razaro ainge ari mumwe wavaidya naye pateburu. |
| 3 |
| Maria akatora hafu yerita yamafuta anokosha enadi chaiyoiyo akazora nawo tsoka dzaJesu akapukuta tsoka dzake nevhudzi rake. Imba yakazara nokunhuwirira kwamafuta iwayo. |
| 4 |
| Asi Judhasi mumwe wavadzidzi vake, uya akanga achazomupandukira akati: |
| 5 |
| “Mafuta aya aregerereiko kutengeswa nemari yesirivha yedhenariusi inoita mazana matatu yapihwa kuvarombo?” |
| 6 |
| Akataura izvi kwete pamusana pokuti aiva nehanya navarombo asi pamusana pokuti aiva mbavha. Sezvaakanga ari iye sahomwe aipota achitorawo imwe. |
| 7 |
| Jesu akati, “Muregei henyu, dai anga atoachengetera zvake zuva rokuvigwa kwangu. |
| 8 |
| Varombo munavo nguva dzose asi ini hamuneni nguva dzose.” |
| 9 |
| Gungano guru ravaJudha parakanzwa kuti Jesu akanga ariko rakauya kwete pamusana paJesu chete asi kuzoonawo Razaro waakanga amutsa kuvafi. |
| 10 |
| Naizvozvo vapristi vakuru vakarangana kuurayawo Razaro. |
| 11 |
| Chikonzero chacho chiri chokuti nokuda kwake vaJudha vazhinji vakanga vavakubva vachinotenda muna Jesu. |
| 12 |
| Zuva ramangwana racho gungano guru ravanhu rakanga rauya kuzuva guru rakanzwa kuti Jesu ari kuuya kuJerusaremu. |
| 13 |
| Nokudaro vakakwanhura mapazi omurara vakaenda kundomugamuchira vachidaidzira vachiti, “Hosana, ngaarumbidzwe iye anouya muzita raTenzi ndiye mambo weIsiraeri.” |
| 14 |
| Jesu akawona chigondora chedhongi akachitasva sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, |
| 15 |
| “Usatye zvako iwe mukunda weZioni, tarisa uone mambo wako ari kuuya akatasva pachigondora chedhongi.” |
| 16 |
| Pakutanga vadzidzi vake, izvi havana kuzvinzwisisa. Asi Jesu paakawana mukurumbira wake ndopavakayeuka kuti izvi zvakambenge zvakanyorwa nezvake uye kuti ndizvo zvakanga zvaitika kwaari. |
| 17 |
| Chikwata chavanhu chakanga chinaye paakadaidza Razaro muguva akamumutsa muvafi, chakamupupurira. |
| 18 |
| Chakaendera chikwata ichocho kundomuchingura, ndechokuti vakanga vanzwa kuti akanga aita chiratidzo ichocho. |
| 19 |
| VaFarisei vakataurirana kuti, “Chitarisaika muone. Hapana chamunombogona kuita. Onai nyika yotomutevera.” |
| 20 |
| Pakati pevanhu vakaenda kundonamata kuzuva guru paiva navamwe vaGiriki. |
| 21 |
| Ivava vakaenda kuna Firipi aibva kuBhetisaidha muGarirea vakati kwaari, “Changamire tinodawo kuona Jesu.” |
| 22 |
| Firipi akaenda akandotaurira Andireya. Andireya akaenda naFiripi vakandoudza Jesu. |
| 23 |
| Jesu akavapindura achiti, “Nguva yasvika yokuti Mwanakomana womunhu zvino achiwana mukurumbira. |
| 24 |
| Zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri kusatoti tsanga yekoroni yawira muvhu ikafa inoramba ichingova yoga asi ikafa inobereka muchero wakawanda. |
| 25 |
| Anoda upenyu hwake anorasikirwa naho, asi uyo anovenga upenyu hwake pasi pano anohuchengeta kusvikira kuhupenyu husingaperi. |
| 26 |
| Anoda kundishandira, anofanira kunditevera, kwandinenge ndiri, mushandi wangu ndokwaanofanirawo kuva. Munhu akandishandira, Baba vachamukudza. |
| 27 |
| “Iye zvino ndiri kushushikana mumwoyo Ndoti kudiiko? Baba ndipunyutseiwo kunguva iyi asi aiwa, inga zvenguva iyi ndizvo zvandakavinga wani. |
| 28 |
| Baba rumbidzai zita renyu.” Ipapo izwi rakabva kudenga richiti, “Ndakarirumbidza uye ndicharirumbidzazve.” |
| 29 |
| Chikwata chavanhu chakanga chiripo chakazvinzwa. Vakati, “Kwatinhira,” vamwewo vakati, “Mutumwa waMwari ataura kwaari.” |
| 30 |
| Jesu akapindura achiti, “Izwi iri rauyira imi kwete ini.” |
| 31 |
| Zvino kutongwa kwapasi pano kwasvika. Zvino mutongi wapasi pano ava kudzingirwa kunze. |
| 32 |
| Iniwo kana ndarembedzwa pamusoro payo nyika, ndichakwezvera vanhu vose kwandiri. |
| 33 |
| Akataura izvi achiratidza rufu rwaaizofa narwo. |
| 34 |
| Gungano rakamupindura richiti, “Isu takanzwa muMutemo kuti Mesia achagara nokusingaperi. Ko zvino ungati sei Mwanakomana womunhu anofanira kuti asimudzwe. Ndianiko Mwanakomana womunhu iyeyo?” |
| 35 |
| Jesu akavati, “Mwenje uchinemi kwechinguvana fambai muchine mwenje iwoyo kudai, mungadaro mukawirwa nerima. Anofamba murima haazivi kwaanoenda. |
| 36 |
| Muchine mwenje kudai tendai mumwenje kuti muve vana vechiedza.” Jesu paakapedza kutaura izvi akabva akandozvivanza kwavari. |
| 37 |
| Kunyange zvazvo akaita zviratidzo zvizhinji pamberi pavo asi havana kutenda maari. |
| 38 |
| Zvakaitika kuti zvakataurwa nomuporofita Isaya zvizadziswe zvokuti, “Tenzi ndiani akatenda zvatakataura simba raMwari rakaratidzwa kunaani?” |
| 39 |
| Naizvozvo havana kugona kutenda nokuti Isaya anotizve, |
| 40 |
| “Akavapofomadza maziso akavagomadza mwoyo kuti zvimwe vangadaro vakaona namaziso avo vakanzwisisa nemwoyo yavo vakapindukira kwandiri ndikavaporesa.” |
| 41 |
| Isaya akataura izvi nokuti akaona mbiri yake akataura nezvake. |
| 42 |
| Zvakadaro zvazvo vanhu vazhinji, kunyange vakuru vakuru vakadavira maari. Asi pamusana pokutya vaFarisei havana kugona kuzvidura pachena kuri kutya kuti vangadzingwe muSinagogu. |
| 43 |
| Chikonzero chacho chaiva chokuti vaida kurumbidzwa navanhu kupinda kurumbidzwa naMwari. |
| 44 |
| Jesu akadaidzira achiti, “Anodavira mandiri haadaviri mandiri asi muna iye akandituma. |
| 45 |
| Uyo anondiona anoona iye akandituma. |
| 46 |
| Ndakauya sechiedza pasi pano kuti ani naani anotenda mandiri arege kugara murima. |
| 47 |
| Ani naaniwo anonzwa zvandinotaura asingazvichengete handimupi mhosva nokuti handina kuuya kuzopa pasi mhosva asi kuzoponesa pasi. |
| 48 |
| Anondiramba uye asingagamuchiri zvandinotaura ane anomutonga. Zvandakataura izvozvo ndizvo zvichamutonga pazuva remhedziso. |
| 49 |
| Nokuti handina kutaura zvomusoro wangu. Baba vakandituma ndivo vakanditemera zvandinofanira kutaura nezvandinofanira kureva. |
| 50 |
| Ndinozivawo kuti mutemo wavo ndiwo upenyu husingaperi, saka zvandinotaura, ndinotaura sokuudzwa kwandakaitwa naBaba.” |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasclb/john/012.mp3
21
12