|
| 1 |
|
| Zvino mutambo wepaseka usati wasvika, Jesu woziva kuti nguva yake yasvika, kuti abve munyika ino, aende kunaBaba, ada vake vaiva munyika, wakavada kusvikira pakuguma. |
|
| 2 |
|
| Zvino kuraira kwakati kwapera, Dhiabhorosi atoisa mumoyo maJudhasi Isikariyoti, waSimoni, kuti amupandukire, |
|
| 3 |
|
| Jesu achiziva kuti Baba vakapa zvinhu zvose mumavoko ake, uye kuti wakabva kuna Mwari uye kuti anoenda kunaMwari, |
|
| 4 |
|
| akasimuka pakurayira, akabvisa nguvo \add dzake\add*, akatora tauro akazvisunga chivuno. |
|
| 5 |
|
| Zvino akadira mvura mubhavhu, akatanga kushambidza tsoka dzavadzidzi, akadzipusika netauro, raakanga akazvisunga naro. |
|
| 6 |
|
| Akasvika kunaSimoni Petro, iye akati kwaari: Ishe, imwi moshambidza tsoka dzangu here? |
|
| 7 |
|
| Jesu akapindura akati kwaari: Chandinoita ini hauzivi ikozvino; asi uchaziva pashure. |
|
| 8 |
|
| Petro akati kwaari: Hamungatongoshambidzi tsoka dzangu nokusingaperi. Jesu akamupindura \add akati\add*: Kana ndisingakushambidzi, haunomugove neni. |
|
| 9 |
|
| Simoni Petro akati kwaari: Dzirege kuva tsoka dzangu dzoga, asi mavoko nomusorovo. |
|
| 10 |
|
| Jesu akati kwaari: Wakashambidzwa haashaiwi chinhu asi kushamba tsoka chete, asi wakachena iye wose; imwi makachena asi kwete mose. |
|
| 11 |
|
| Nokuti wakanga achiziva uyo waizomutengesa, naizvozvo wakati: Hamuna kuchena mose. |
|
| 12 |
|
| Zvino wakati ashambidza tsoka dzavo, akatora nguvo dzake, agarazve pasi, akati kwavari: Munoziva zvandakuitirai here? |
|
| 13 |
|
| Munondiidza Mudzidzisi, uye Ishe; munoreva zvakanaka, nokuti \add ndizvo\add* zvandiri. |
|
| 14 |
|
| Zvino kana ini, Ishe noMudzidzisi, ndashambidza tsoka dzenyu, nemwivo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu. |
|
| 15 |
|
| Nokuti ndakuratidzai muenzaniso kuti muite imwi sezvandaita kwamuri. |
|
| 16 |
|
| Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Muranda haazi mukuru kuna She wake, uye wakatumwa \add haazi\add* mukuru kuno wakamutuma. |
|
| 17 |
|
| Kana muchiziva zvinhu izvi, makaropafadzwa kana muchizviita. |
|
| 18 |
|
| Handirevi imwi mose; ini ndinoziva avo vandakasanagura; asi kuti rugwaro ruzadzisike, \add runoti\add*: Uyo unodya chingwa neni, wakandisimudzira chitsitsinho chake. |
|
| 19 |
|
| Kubva zvino ndinokuvudzai zvisati zvaitika, kuti kana zvichiitika, mugotenda kuti ndini. |
|
| 20 |
|
| Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Unogamuchira aninani wandinotuma, unogamuchireni, nounondigamuchira ini, unogamuchira wakandituma. |
|
| 21 |
|
| Zvino Jesu wakati areva kudaro akatambudzika mumweya, akapupura akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Mumwe wenyu uchanditengesa. |
|
| 22 |
|
| Naizvozvo vadzidzi vakatarirana, vachikahadzika kuti wareva ani. |
|
| 23 |
|
| Zvino kwakanga kwakasendama pachifuva chaJesu mumwe wavadzidzi vake waidikamwa naJesu. |
|
| 24 |
|
| Simoni Petro akamuninira, kuti abvunze kuti ndianiko waanoreva. |
|
| 25 |
|
| Iye akasendama pachifuva chaJesu, akati kwaari: Ishe, ndianiko? |
|
| 26 |
|
| Ipapo Jesu akapindura akati: Ndiye wandichapa chimedu kana ndachiseva. Zvino wakati aseva chimedu, akapa Judhasi Isikariyoti waSimoni. |
|
| 27 |
|
| Zvino shure kwechimedu, Satani akapinda maari. Ipapo Jesu akati kwaari: Zvaunoita, ita uchikurumidza. |
|
| 28 |
|
| Asi hakuna kuna vakanga vagere pakudya, wakaziva kuti wakareverei izvozvi kwaari. |
|
| 29 |
|
| Nokuti vamwe vakafunga \add kuti\add*, sezvo Judhasi aigara anechikwama, Jesu wakati kwaari: Tenga zvatinoshandisa pamutambo; kana kuti ape varombo chimwe chinhu. |
|
| 30 |
|
| Iye akati agamuchira chimedu, akabuda pakarepo; bwakanga bwuri vusiku. |
|
| 31 |
|
| Zvino wakati abuda Jesu akati: Zvino Mwanakomana womunhu wakudzwa, naMwari wakudzwa maari. |
|
| 32 |
|
| kana Mwari akudzwa maari, Mwari uchamukudzavo maari, uchamukudza pakarepo. |
|
| 33 |
|
| Vana vaduku, ndichiri nemwi chinguva chiduku. Muchanditsvaka, asi sezvandakareva kuvaJudha, \add ndichiti\add*: kwandinoenda, imwi hamungagoni kuvuyako, zvino ndinoreva saizvozvovo kwamuri. |
|
| 34 |
|
| Murairo mutsva ndinokupai, kuti mudanane; sezvandakakudai, nemwi mudanevo. |
|
| 35 |
|
| Nokuda kwaizvozvo vachaziva kuti muri vadzidzi vangu, kana munorudo mumwe kunomumwe. |
|
| 36 |
|
| Simoni Petro akati kwaari: Ishe, munoendepiko? Jesu akamupindura, \add akati\add*: Kwandinoenda, haunganditeveri ikozvino; asi uchanditevera pashure. |
|
| 37 |
|
| Petro akati kwaari: Ishe, handingagoni kukuteverai zvino neiko? Ndicharadzika upenyu bwangu pasi nokuda kwako. |
|
| 38 |
|
| Jesu akamupindura, \add akati\add*: ucharadzikira upenyu bwako ini here? Zvirokwazvo, zvirokwazvo ndinoti kwauri: Jongwe haringariri usati wandiramba katatu. |
|
|
|
|