|
| 1 |
|
| Moyo yenyu irege kutambudzika; imwi munotenda kunaMwari, mutendevo kwandiri. |
|
| 2 |
|
| Mumusha maBaba vangu mune dzimba zhinji; dai kusaiva kudaro, ndingadai ndaikuvudzai; ndinoenda kundokugadzirirai nzvimbo. |
|
| 3 |
|
| Kana ndikaenda kundokugadzirirai nzvimbo, ndichavuyazve ndikugamuchirei kwandiri; kuti apo pandiri, nemwi muvepovo. |
|
| 4 |
|
| Uye pandinoenda munopaziva, nenzira munoiziva. |
|
| 5 |
|
| Tomasi akati kwaari: Ishe, hatizivi pamunoenda; ko nzira tingaiziva seiko? |
|
| 6 |
|
| Jesu akati kwaari: Ndini nzira, nechokwadi, noupenyu; hapana unovuya kuna Baba, asi nokwandiri. |
|
| 7 |
|
| Dai makanga mandiziva ini, mungadai maizivavo Baba vangu; kubva zvino munovaziva, makavaona. |
|
| 8 |
|
| Firipi akati kwaari: Ishe, tiratidzei Baba, zvigotiringana. |
|
| 9 |
|
| Jesu akati kwaari: Ndakava nemwi nguva refu yakadai, ko hauzati wandiziva here, Firipi? Wandivona ini, wavona Baba; zvino unoreva seiko, \add uchiti\add*: Tiratidzei Baba? |
|
| 10 |
|
| Hautendi here kuti ndiri munaBaba, naBaba vari mandiri? Mashoko andinoreva kwamuri, handiarevi pachangu; asi Baba, vanogara mandiri, ndivo vanoita mabasa. |
|
| 11 |
|
| Nditendei kuti ini \add ndiri\add* munaBaba, naBaba \add vari\add* mandiri; kana zvimwe nditendei nokuda kwamabasa amene. |
|
| 12 |
|
| Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Unotenda kwandiri mabasa andinoita, iye uchaaitavo, uchaita makuru kunawawa; nokuti ndinoenda kunaBaba vangu. |
|
| 13 |
|
| Uye chipi nechipi chamunokumbira muzita rangu, ndichachiita, kuti Baba varumbidzwe muMwanakomana. |
|
| 14 |
|
| Kana muchikumbira chinhu chipi kwandiri muzita rangu, ndicha\add chi\add*ita. |
|
| 15 |
|
| Kana muchindida, chengetai mirairo yangu. |
|
| 16 |
|
| Neni ndichakumbira Baba, naivovo vachakupai mumwe Munyaradzi, kuti agare nemwi nokusingaperi, |
|
| 17 |
|
| Mweya wechokwadi, haugoni kugamuchirwa nenyika, nokuti haimuvoni, kana kumuziva; asi imwi munomuziva, nokuti ugere nemwi, uchava mukati menyu. |
|
| 18 |
|
| Handingakusiyiyi muri nherera; ndichavuya kwamuri. |
|
| 19 |
|
| Asi kwechinguvana, nyika haichazondivoni; asi imwi munondivona, nokuti ini ndiri mupenyu, nemwivo muchava vapenyu. |
|
| 20 |
|
| Nezuva iro muchandiziva kuti ndiri muna baba, nemwi mandiri, neni mamuri. |
|
| 21 |
|
| Unemirairo yangu, achiichengeta, ndiye unondida; unondida uchadikamwa naBaba vangu; neni ndichamuda, ndichazviratidza kwaari. |
|
| 22 |
|
| Judhasi usati ari iye Isikariyoti) akati kwaari: Ishe, munodireiko kuzviratidza kwatiri, musingazviratidzi kunyika? |
|
| 23 |
|
| Jesu akapindura akati kwaari: Kana munhu achindida, uchachengeta shoko rangu, naBaba vangu vachamuda, tichavuya kwaari, tikaita vugaro bwedu maari. |
|
| 24 |
|
| Usingandidi, haachengeti mashoko angu; neshoko ramunonzwa, harizi rangu, asi nderababa vakandituma. |
|
| 25 |
|
| Zvinhu izvozvi ndakuvudzai ndichigere nemwi. |
|
| 26 |
|
| Asi Munyaradzi, Mweya Mutsvene, uchatumwa naBaba muzita rangu, iye uchakudzidzisai zvinhu zvose, uye akuyevudzirei zvinhu zvose, zvandakareva kwamuri. |
|
| 27 |
|
| Ndinokusiyirai rugare; rugare rwangu ndinokupai kwete sokupa kwenyika ini ndinopa kwamuri. Moyo yenyu irege kutambudzika, irege kutya. |
|
| 28 |
|
| Makanzwa kuti ini ndakati kwamuri: Ndinoenda, ndigovuyazve kwamuri. Kana maindida, maifara, nokuti ndati ndinoenda kunaBaba; nokuti Baba vangu vakuru kwandiri. |
|
| 29 |
|
| Zvino ndakuvudzai zvisati zvaitika, kuti musi wazvinoitika mugotenda. |
|
| 30 |
|
| Kubva zvino handichazotauri zvizhinji nemwi, nokuti muchinda wenyika ino unovuya; asi haanechinhu kwandiri; |
|
| 31 |
|
| asi kuti nyika izive kuti ndinoda Baba, uye kuti Baba sezvavakandiraira, ndizvo zvandinoita. Simukai, ngatibve pano. |
|
|
|
|