|
| 1 |
|
| Jesu paakapedza kutaura izvi akatarisa kudenga akati, “Baba nguva iya yazosvika. Chipai Mwanakomana mukurumbira kuti iyewo Mwanakomana akuwanisei mukurumbira |
|
| 2 |
|
| nokuti makamupa simba pamusoro pavanhu vose kuti ape upenyu husingaperi kuna vose vamakamupa. |
|
| 3 |
|
| Uhu ndihwo upenyu husingaperi: kuziva imi Mwari mumwechete wechokwadi naJesu Kristu wamakatuma. |
|
| 4 |
|
| Ndakakuwanisai mukurumbira panyika nokupedza kwandakaita basa ramakandipa kuti ndiite. |
|
| 5 |
|
| “Zvino Baba chindipaiwo mbiri mberi kwenyu mbiri iya yandaiva nayo ndiinemi pasi pasati pavapo. |
|
| 6 |
|
| “Ndakakuzivisai kuvanhu vamakandipa panyika; vakanga vari venyu mukavapa kwandiri uye vakachengeta izwi renyu. |
|
| 7 |
|
| Zvino vavakuziva kuti zvose zvamakandipa zvakabva kwamuri. |
|
| 8 |
|
| Nokuti ndakavapa mazwi amakandipa uye vakaagamuchira, vakaziva kuti zvechokwadi ndakabva kwamuri uye vakadavira kuti ndimi makandituma. |
|
| 9 |
|
| Ndiri kuvanamatira, handisi kunamatira pasi asi avo vamakandipa nokuti ndevenyu. |
|
| 10 |
|
| Zvose zvangu ndezvenyu uye zvenyu ndezvangu uyezve ndinowana mbiri mavari. |
|
| 11 |
|
| Zvino handichisiri pasi pano asi ivo vari pasi pano ini ndavakuuya kwamuri. Baba vatsvene, vanhu vamakandipa vachengetei muzita renyu. |
|
| 12 |
|
| Pandakanga ndiinavo vanhu vamakandipa ndakavachengeta muzita renyu. Ndakavachengetedza zvokuti hapana akarasika kusiya uya wekashambwa kokuraswa kuti Magwaro Matsvene azadzikiswe. |
|
| 13 |
|
| Asi zvino ndavakuuya kwamuri ndiri kutaura zvinhu izvi ndichiri pasi pano kuti kufara kwangu kunyatsozara chaizvo mavari. |
|
| 14 |
|
| Inini ndakavapa shoko renyu, pasi pakavavenga nokuti havasi vapasi pano sezvandisiriwo wapasi pano. |
|
| 15 |
|
| Handisi kunamatira kuti muvabvise pasi pano asi kuti muvadzivirire kune wakaipa uya. |
|
| 16 |
|
| Havasi vapasi pano sezvandisiriwo wapasi pano. |
|
| 17 |
|
| Vaitei kuti vave vatsvene muchokwadi izwi renyu ichokwadi. |
|
| 18 |
|
| Sokundituma kwamakaita pasi pano neniwo ndavakuvatuma kupasi pose. |
|
| 19 |
|
| Nokuda kwavo ndinozvipira kuti ivo vazvipirewo kuchokwadi. |
|
| 20 |
|
| “Handinamatire ava bedzi asi ndinonamatira avo vachatenda mandiri pamusana pezwi ravo. |
|
| 21 |
|
| Kuti vose zvavo vave vamwechete sezvakangoita kuti imi Baba muri mandiri ini ndiri mamuri ivowo ngavave matiri kuti pasi padavire kuti imi ndimi makandituma. |
|
| 22 |
|
| Mbiri yamakandipa ndakavapawo kuti vave vamwechete sesu tiri vamwechete. |
|
| 23 |
|
| Ini ndiri mavari imi muri mandiri vanyatsova vamwechete, kuti pasi pazive kuti imi ndimi makandituma mukavada sokundida kwamakaita. |
|
| 24 |
|
| “Baba ndinodawo kuti avo vamakandipa vave kwandinenge ndiri vaonewo mbiri yangu yamakandipa pamusana porudo rwenyu kwandiri pasi pasati pavapo. |
|
| 25 |
|
| Baba makarurama, pasi hapana kukuzivai asi ini ndakakuzivai uye ava vanoziva kuti makandituma. |
|
| 26 |
|
| Ndakaita kuti vazive zita renyu uye ndichaita kuti rizivikanwe kuti rudo rwamakandida narwo ruvewo mavari uyewo kuti iniwo ndive mavari.” |
|
|
: |
| 1 | | 2 | | 3 | | 4 | | 5 | | 6 | | 7 | | 8 | | 9 | | 10 | | 11 | | 12 | | 13 | | 14 | | 15 | | 16 | | 17 | | 18 | | 19 | | 20 | | 21 | | 22 | | 23 | | 24 | | 25 | | 26 | 1
1
1 |
|
|---|
|
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasclb/john/017.mp3
21
17