|
| 1 |
|
| Jesu wakati areva izvozvo akabuda navadzidzi vake, akaenda mhiri kkwerukova rweKedhironi paiva nomunda, akapinda mauri iye navadzidzi vake. |
|
| 2 |
|
| NaJudhasivo, wakamutengesa, wakanga achizivavo nzvimbo iyo; nokuti Jesu kazhinji waivunganapo navadzidzi vake. |
|
| 3 |
|
| Naizvozvo Judhasi, atora boka ravarwi, navatariri vaibva kuvaprista vakuru navaFarisi, akasvikapo nematochi nemarambi, nezvombo zvokurwa nazvo. |
|
| 4 |
|
| Zvino Jesu, zvaakanga achiziva zvose zvaifanira kumuwira, akabuda, akati kwavari: Munotsvaka aniko? |
|
| 5 |
|
| Vakamupindura, \add vakati\add*: Jesu weNazareta. Jesu akati kwavari: Ndini, naJudhasivo wakamutengesa, wakanga amirevo navo. |
|
| 6 |
|
| Zvino wakati achiti kwavari: Ndini, vakasudurukira shure, vakawira pasi. |
|
| 7 |
|
| Zvino akavabvunzazve \add achiti\add*: Munotsvaka aniko? Vakati: Jesu weNazareta. |
|
| 8 |
|
| Jesu akapindura \add akati\add*: Ndakuvudzai kuti ndini; naizvozvo kana muchitsvaka ini, regai ava vaende; |
|
| 9 |
|
| kuti shoko raakareva riitike rokuti: Kunaivavo vamakandipa, handina kurashikirwa nomumwe. |
|
| 10 |
|
| Zvino Simoni Petro wakanga anomunondo, akauvhomora akatema muranda womuprista mukuru, akagura nzeve yake yorudyi. Zita romuranda uyo rainzi Marikosi. |
|
| 11 |
|
| Zvino Jesu akati kunaPetro: Isa munondo wako mumuhara; mukombe wandakapiwa naBaba, handingaumwi here? |
|
| 12 |
|
| Zvino boka ravarwi nomukuru wechuru navatariri vavaJudha vakabata Jesu, vakamusunga, |
|
| 13 |
|
| vakatanga kumuisa kunaAnasi; nokuti wakanga ari mukarabwa waKayafasi, waiva muprista mukuru gore iro. |
|
| 14 |
|
| Zvino Kayafasi ndiye wakanga apa vaJudha zano, kuti zvakanaka kuti munhu mumwe afire vanhu. |
|
| 15 |
|
| Zvino Simoni Petro wakatevera Jesu, nomumwe mudzidzi. Mudzidzi uyu waizikamwa nomuprista mukuru, akapinda naJesu muruvazhe rwomuprista mukuru; |
|
| 16 |
|
| asi Petro wakanga amire panze pamukova. Zvino uya mumwe mudzidzi, waizikamwa nomuprista mukuru, akataura nomukadzi wairinda mukova, akapinza Petro. |
|
| 17 |
|
| Zvino musikana wairinda mukova akati kunaPetro: Newevo hausi mumwe wavadzidzi vomunhu uyu here? Akati: Handizi. |
|
| 18 |
|
| Zvino varanda navatariri vakanga vamirepo, vavesa moto wamazimbe, nokuti kwaitonhora, vakadziya \add moto\add*. NaPetro akamiravo navo achidziya \add moto\add*. |
|
| 19 |
|
| Zvino muprista mukuru akabvunza Jesu zvavadzidzi vake, nedzidziso yake. |
|
| 20 |
|
| Jesu akamupindura \add akati\add*: Ndaitaura pachena kunyika; ndaidzidzisa nguva dzose mumasinangoge nomutembere, panovungana vaJudha nguva dzose; handina kureva chinhu pakavanda. |
|
| 21 |
|
| Unondibvunzireiko ini? Bvunza ava vainzwa zvandaitaura kwavari; tarirai ava vanoziva zvandaireva. |
|
| 22 |
|
| Wakati areva zvinhu izvozvo, mumwe wavatariri wakanga amirepo, akarova Jesu nembama, achiti: Unopindura muprista mukuru uchidaro nhai? |
|
| 23 |
|
| Jesu akamupindura \add akati\add*: Kana ndareva zvakaipa, pupura zvakaipa zvacho; asi kana zvakanaka wagondirovereiko? |
|
| 24 |
|
| Zvino Anasi akamutumira akasungwa kunaKayafasi, muprista mukuru. |
|
| 25 |
|
| Zvino Simoni Petro wakanga amirepo, achidziya \add moto\add*; vakati kwaari: Hausivo mumwe wavadzidzi vake here? Akaramba, akati: Handizati. |
|
| 26 |
|
| Mumwe wavaranda vomuprista mukuru, ari hama \add yo\add*wakanga agurwa nzeve naPetro akati: Ini handina kukuvona unaye mubindu here? |
|
| 27 |
|
| Petro akarambazve; pakarepo jongwe rikarira. |
|
| 28 |
|
| Zvino vakabvisa Jesu kuna Kayafasi vakaenda kuimba yomutongi; aiva mangwanani, asi ivo havana kupinda mumba momubati, kuti varege kusvibiswa, vagodya paseka. |
|
| 29 |
|
| Ipapo Pirato akabudira kwavari, akati: Munomupa mhosva yeiko munhu uyu? |
|
| 30 |
|
| Vakapindura, vakati kwaari: Dai munhu uyu asaiva muiti wezvivi, tingadai tisina kumukumikidza kwamuri. |
|
| 31 |
|
| Zvino Pirato akati kwavari: Chimutorai imwi, mumutonge nomurairo wenyu. Naizvozvo vaJudha vakati kwaari: Hatina kutenderwa isu kuti tivuraye munhu; |
|
| 32 |
|
| kuti shoko raJesu raakareva riitike, achidudzira kufa kwaaifanira kufa nako. |
|
| 33 |
|
| Zvino Pirato akapindazve mumba momubati, akadana Jesu, akati kwaari: Ndiwe mambo wavaJudha here? |
|
| 34 |
|
| Jesu akapindura, \add akati\add*: Unozvireva izvi pachako here, kana wazvivudzwa navamwe pamusoro pangu? |
|
| 35 |
|
| Pirato akapindura, \add akati\add*: Ini ndiri muJudha here? Rudzi rwako navaprista vakuru vakakukumikidza kwandiri; waiteiko? |
|
| 36 |
|
| Jesu akapindura, \add akati\add*: Ushe bwangu habwuzi bwenyika ino; dai ushe bwangu bwaiva bwenyika ino, varanda vangu vangadai vairwa, kuti ndirege kukumikidzwa kuvaJudha; asi zvino ushe bwangu habwuzi bwapano. |
|
| 37 |
|
| Ipapo Pirato akati kwaari: Saka iwe uri mambo here? Jesu akapindura akati: Unoreva iwe kuti ndiri mambo. Ndakaberekerwa izvozvo, ndakavuyira izvozvo munyika kuti ndipupurire chokwadi. Mumwe nomumwe wechokwadi unonzwa inzwi rangu. |
|
| 38 |
|
| Pirato akati kwaari: chokwadi chinyiko? Akati areva izvozvi, akabudirazve kuvaJudha, akati kwavari: Ini handiwani mhosva kwaari. |
|
| 39 |
|
| Asi imwi munetsika kuti ndikusunungurirei mumwe papaseka; zvino munoda kuti ndikusunungurirei mambo wavaJudha here? |
|
| 40 |
|
| Ipapo vakadanidzirazve vose, vachiti: kwete munhu uyu, asi Bharabhasi! Zvino Bharabhasi wakanga ari gororo. |
|
|
|
|