Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| Jesu akati areva izvozvi, akabuda navadzidzi vake, akaenda mhiri kworukova runonzi Kedhironi, paiva nomunda, akapinda mauri, iye navadzidzi vake. |
| 2 |
| Zvino Judhasi, akamupandukira, akanga achizivawo nzvimbo iyo; nokuti Jesu kazhinji waiunganapo navadzidzi vake. |
| 3 |
| Naizvozvo Judhasi akatora boka ravarwi, navatariri, vaibva kuvapristi vakuru navaFarisi, akaendapo nemwenje namazhenje, nezvokurwa nazvo. |
| 4 |
| Zvino Jesu, zvaakanga achiziva zvose zvaifanira kumuwira, akabuda, akati kwavari, “Munotsvaka aniko?” |
| 5 |
| Vakamupindura, vakati, “Jesu weNazareta.” Jesu akati kwavari, “Ndini.” NaJudhasi, akamupandukira, akanga amirewo navo. |
| 6 |
| Zvino akati areva kwavari, achiti, “Ndini,” vakasudurukira shure vakawira pasi. |
| 7 |
| Zvino akavabvunzazve, achiti, “Munotsvaka aniko?” Vakati, “Jesu weNazareta.” |
| 8 |
| Jesu akapindura, akati, “Ndakuudzai, kuti ndini. Kana muchinditsvaka ini, regai ava vaende;” |
| 9 |
| kuti shoko, raakareva, riitike, rokuti, “Handina kurasikirwa nomumwe kuna ivavo vamakandipa.” |
| 10 |
| Zvino Simoni Petirosi, akanga ano munondo, akauvhomora, akatema muranda womupristi mukuru, akamugura nzeve yorudyi. Zita romuranda uyo rainzi Marikosi. |
| 11 |
| Zvino Jesu akati kuna Petirosi, “Dzorera munondo wako mumuhara; mukombe wandakapiwa naBaba, handingaunwi here?” |
| 12 |
| Zvino boka ravarwi, nomukuru wechiuru chezana, navatariri vavaJudha vakabata Jesu, vakamusunga |
| 13 |
| vakatanga kumuisa kuna Anasi; nokuti akanga ari tezvara waKaifasi, aiva mupristi mukuru gore iro. |
| 14 |
| Zvino Kaifasi ndiye akanga apa vaJudha zano, kuti zviri nani kuti munhu mumwe afire vanhu vose. |
| 15 |
| Zvino Simoni Petirosi akanga achitevera Jesu, nomumwe mudzidziwo. Mudzidzi uyu aizikanwa nomupristi mukuru, akapinda naJesu muruvazhe rwomupristi mukuru. |
| 16 |
| Asi Petirosi akanga amire panze pamusuwo. Zvino uya mumwe mudzidzi, aizikanwa nomupristi mukuru, akabuda, akataura nomurindi womusuwo, akapinza Petirosi. |
| 17 |
| Zvino musikana, wairinda musuwo, akati kuna Petirosi, “Newewo uri mumwe wavadzidzi vomunhu uyu here?” Akati, “Handisati.” |
| 18 |
| Zvino varanda navatariri vakanga vamirepo, vambovesa moto wamazimbe, nokuti kwaitonhora; vakadziya moto. NaPetirosi akamirawo navo achidziya moto. |
| 19 |
| Zvino mupristi mukuru akabvunza Jesu zvavadzidzi vake, nezvokudzidzisa kwake. |
| 20 |
| Jesu akamupindura, akati, “Ndaitaura pachena kunyika; ndaidzidzisa nguva dzose mumasinagoge nomutemberi, panoungana vaJudha vose; handina kureva chinhu pakavanda. |
| 21 |
| “Munondibvunzireiko ini? Bvunzai ava vainzwa zvandaitaura kwavari; tarirai, ava vanoziva zvandaireva.” |
| 22 |
| Akati areva izvozvo, mumwe wavatariri, akanga amirepo, akarova Jesu noruoko, achiti, “Unopindura mupristi mukuru uchidaro nhai?” |
| 23 |
| Jesu akamupindura, akati, “Kana ndareva zvakaipa, pupura kuti zvakaipa ndezvipi; kana ndareva zvakanaka, wagondirovereiko?” |
| 24 |
| Zvino Anasi akamutumira akasungwa kuna Kaifasi, Mupristi Mukuru. |
| 25 |
| Zvino Simoni Petirosi akanga amirepo, achidziya moto. Vakati kwaari, “Newewo uri mumwe wavadzidzi vake here?” Akaramba, akati, “Handisati.” |
| 26 |
| Mumwe muranda woMupristi Mukuru, hama yowakanga agurwa nzeve naPetirosi, akati, “Ini handina kukuona unaye mumunda here?” |
| 27 |
| Petirosi akarambazve. Pakarepo jongwe rikarira. |
| 28 |
| Zvino vakabva kuna Kaifasi, vakaenda naJesu kuimba yomubati; aiva mangwanani. Asi ivo havana kupinda mumba momubati, kuti varege kusvibiswa, kuti vagodya Pasika. |
| 29 |
| Ipapo Pirato akabudira kwavari, akati, “Munoti, munhu uyu ane mhosva yeiko?” |
| 30 |
| Vakapindura, vakati kwaari, “Dai munhu uyu asaiva mutadzi, tingadai tisina kumuisa kwamuri.” |
| 31 |
| Zvino Pirato akati kwavari, “Chimutorai imi, mumutonge nomurairo wenyu.” VaJudha vakati kwaari, “Hatina kutenderwa isu kuti tiuraye munhu;” |
| 32 |
| kuti shoko raJesu raakareva riitike, achidudzira kufa kwaaifanira kufa nako. |
| 33 |
| Zvino Pirato akapindazve mumba momubati, akadana Jesu, akati kwaari, “Ndiwe mambo wavaJudha here?” |
| 34 |
| Jesu akapindura, akati, “Unozvireva izvi pachako here, kana wazviudzwa navamwe pamusoro pangu?” |
| 35 |
| Pirato akapindura, akati, “Ini ndiri muJudha su? Rudzi rwako navapristi vakuru vakakuisa kwandiri; waiteiko?” |
| 36 |
| Jesu akapindura akati, “Ushe hwangu hahusi hwenyika ino; dai ushe hwangu hwaiva hwenyika ino, varanda vangu vangadai vairwa, kuti ndirege kuiswa kuvaJudha; asi zvino ushe hwangu hahusi hwapano.” |
| 37 |
| Ipapo Pirato akati kwaari, “Iwe uri mambo su?” Jesu akapindura akati, “Unoreva iwe kuti ndiri mambo. Ndakaberekerwa izvo, ndakauyira izvozvo panyika, kuti ndipupure chokwadi. Mumwe nomumwe wechokwadi anonzwa izwi rangu.” |
| 38 |
| Pirato akati kwaari, “Chokwadi Chiiko?” Akati areva izvozvi, akabudirazve kuvaJudha, akati kwavari, “Ini handiwani mhosva kwaari. |
| 39 |
| Asi imi mune tsika kuti ndikusunungurirei mumwe nePasika; zvino munoda kuti ndikusunungurirei mambo wavaJudha here?” |
| 40 |
| Ipapo vakadanidzira vose, vachiti, “Munhu uyu kwete, asi Bharabhasi!” Zvino Bharabhasi akanga ari gororo. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/john/018.mp3
21
18