|
| 1 |
|
| Zvino Pirato wakatora Jesu, akamurova netyava. |
|
| 2 |
|
| Varwi vakaruka korona yemhinzwa, vakaisa pamusoro wake, vakamupfekedza nguvo shava. |
|
| 3 |
|
| Vakati: Hekanhi, Mambo wavaJudha! Vakamurova nembama. |
|
| 4 |
|
| Ipapo Pirato akabudazve panze, akati kwavari: Tarirai, ndinomubudisira kwamuri, kuti muzive kuti handiwani mhosva kwaari. |
|
| 5 |
|
| Jesu akabuda panze, akadzika korona yemhinzwa, anenguvo shava. \add Pirato\add* akati kwavari: Tarirai munhu uyu! |
|
| 6 |
|
| Zvino vaprista vakuru navatariri vakati vachimuvona, vakadanidzira, vachiti: Rovera, rovera! Pirato akati kwavari: Chimutorai imwi, murovere; nokuti ini handiwani mhosva kwaari. |
|
| 7 |
|
| VaJudha vakamupindura, \add vakati\add*: Isu tinomurairo, zvino nomurairo wedu unofanira kufa, nokuti wakazviita Mwanakomana waMwari. |
|
| 8 |
|
| Zvino Pirato wakati anzwa shoko iri, akanyanya kutya. |
|
| 9 |
|
| Akapindazve mumba momutongi, akati kuna Jesu Unobvepiko iwe? Asi Jesu haana kumupa mhinduro. |
|
| 10 |
|
| Ipapo Pirato akati kwaari: Hautauri neni here? Hauzivi here kuti ndine simba rokukurovera uye ndine simba rokukusunungura? |
|
| 11 |
|
| Jesu akapindura, \add akati\add*: Haungatongovi nesimba pamusoro pangu, kana usina kuripiwa richibva kumusoro; naizvozvo wakandikumikidza kwauri, unezvivi zvinokunda zvako. |
|
| 12 |
|
| Zvino kubva ipapo Pirato akatsvaka kumusunungura; asi vaJudha vakadanidzira, vachiti: Kana mukasunungura munhu uyu, hamuzi shamwari yaKesari; mumwe nomumwe unozviita mambo, unoramba Kesari. |
|
| 13 |
|
| Zvino Pirato wakati anzwa shoko iroro, akabudisa Jesu, akagara pachigaro chokutonga, panzvimbo inonzi Pakarongwa naMambwe, asi nechiHebheru Gabhata. |
|
| 14 |
|
| Zvino raiva \add zuva re\add*gadziriro yepaseka; yaiva nguva inenge yechitanhatu. Akati kuvaJudha: Tarirai Mambo wenyu! |
|
| 15 |
|
| Asi vakadanidzira, \add vachiti\add*: Bvisa, bvisa, umurovere! Pirato akati kwavari: Ndorovera Mambo wenyu here? Vaprista vakuru vakapindura vachiti: Hatina mambo, asi Kesari chete. |
|
| 16 |
|
| Naizvozvo akamukumikidza kwavari, kuti aroverwe. Zvino vakatora Jesu vakaenda naye. |
|
| 17 |
|
| Akabuda akatakura muchinjikwa wake, akaenda kunzvimbo yainzi yeDehenya, nechiHebheru ichinzi Gorogota; |
|
| 18 |
|
| apo pavakamurovera navamwe vaviri naye, mumwe parutivi, mumwe parutivi, Jesu pakati. |
|
| 19 |
|
| Pirato akanyoravo chiziviso akachiisa pamuchinjikwa; chakanga chakanyorwa \add kuti\add*: JESU MUNAZARETA MAMBO WAVAJUDHA. |
|
| 20 |
|
| Zvino vazhinji vavaJudha vakarava chiziviso ichi; nokuti nzvimbo iyo pakanga pakaroverwa Jesu yaiva pedo neguta; rwakanyorwa nechiHebheru, nechiRoma, nechiGiriki. |
|
| 21 |
|
| Ipapo vaprista vakuru vavaJudha vakati kuna Pirato: Musanyora \add muchiti\add*: Mambo wavaJudha, asi kuti uye wakati: Ndiri mambo wavaJudha. |
|
| 22 |
|
| Pirato akapindura \add akati\add*: Zvandanyora, ndanyora. |
|
| 23 |
|
| Zvino varwi vakati varovera Jesu, vakatora nguvo dzake, vakaita migove mina, murwi mumwe nomumwe mugove; nenguvo yapasivo. Zvino nguvo iyi yakanga isina pakasonwa, asi yakanga yakarukwa yose kubva kumusoro kwayo. |
|
| 24 |
|
| Naizvozvo vakataurirana, vachiti: Ngatirege kuibvarura, asi tikande mijenya pamusoro payo, kuti ichava yaani; kuti rugwaro ruzadzisike runoti: Vakagovana nguvo dzangu pakati pavo. Vakakanda mijenya pamusoro pechokufuka changu. Ndizvo zvakaitwa navarwi. |
|
| 25 |
|
| Zvino pamuchinjikwa waJesu pakanga pamire mai vake, nomunin'ina wamai vake, Maria, \add mukadzi\add* waKiropasi, naMaria Magadharini. |
|
| 26 |
|
| Zvino Jesu wakati achivona mai vake, nomudzidzi waaida, amirepo, akati kunamai vake: Mukadzi, tarira, mwanakomana wako. |
|
| 27 |
|
| Shure kwaizvozvo akati kumudzidzi: Tarira mai vako. Kubva panguva iyo mudzidzi akavatora, akavaisa \add kumba\add* kwake. |
|
| 28 |
|
| Shure kwaizvozvi, Jesu wakati achiziva kuti zvinhu zvose zvapera, kuti rugwaro ruzadzisike, akati: Ndinenyota. |
|
| 29 |
|
| Zvino pakanga pakagadzikwapo hari izere nevhiniga; zvino vakazadza chipanje nevhiniga vakaisa parutanda rwehisopi, vakaisa kumuromo wake. |
|
| 30 |
|
| Zvino Jesu wakati agamuchira vhiniga, akati: Zvapera! Akakotamisa musoro wake, akapa Mweya \add wake\add*. |
|
| 31 |
|
| Naizvozvo vaJudha nokuti wakanga uri musi wokugadzirira, kuti mitumbi isagara pamuchinjikwa nezuva resabata (nokuti zuva resabata raiva zuva guru), vakakumbira Pirato kuti makumbo avo avhuniwe, kuti vabviswe. |
|
| 32 |
|
| Naizvozvo varwi vakavuya, vakavhuna makumbo owokutanga, noomumwe wakanga aroverwa pamuchinjikwa pamwe chete naye; |
|
| 33 |
|
| asi vakati vachisvika kunaJesu, vakavona kuti watofa hake, havana kuvhuna makumbo ake, |
|
| 34 |
|
| asi mumwe murwi wakabaya rutivi rwake nepfumo, pakarepo ropa nemvura zvikabuda. |
|
| 35 |
|
| Uyo wakavona, ndiye wakapupura, uye kupupura kwake ndokwechokwadi; iye unoziva kuti unoreva zvirokwazvo, kuti imwi mutende. |
|
| 36 |
|
| Nokuti zvinhu izvi zvakaitwa kuti rugwaro ruzadzisike runoti: Fupa rake haringavhunwi. |
|
| 37 |
|
| Norumwe Rugwarozve runoti: Vachatarira uyo wavakabvovora. |
|
| 38 |
|
| Shure kwaizvozvi Josefa weArimatia, waiva mudzidzi waJesu, asi pakavanda nokutya vaJudha, wakakumbira kuna Pirato kuti abvise mutumbi waJesu; Pirato akamutendera. Naizvozvo akavuya akabvisa mutumbi waJesu. |
|
| 39 |
|
| Kwakavuyavo naNikodhimo, iye pakutanga wakambovuya kuna Jesu vusiku, anemura* nearosi* zvakavhenganiswa, mapaundi anenge zana. |
|
| 40 |
|
| Ipapo vakatora mutumbi waJesu, vakamuputira nemicheka yerineni pamwe chete nezvinonhuhwira, setsika yavaJudha yokuviga. |
|
| 41 |
|
| Zvino panzvimbo iyo paakaroverwa pakanga pane bindu, mubindu imomo maiva nebwiro vutsva, makanga musina kumboiswa munhu. |
|
| 42 |
|
| Zvino vakaisa Jesu ipapo nokuda kwegadziriro yavaJudha, nokuti bwiro bwakanga bwuri pedo. |
|
|
|
|