|
| 1 |
|
| Kwaivapo mumwe wavaFarisi, ainzi Nikodhimo, mukuru wavaJudha. |
|
| 2 |
|
| Iye akauya kwaari usiku, akati kwaari, “Rabhi, tinoziva kuti muri Mudzidzisi akabva kuna Mwari; nokuti hakuna munhu anogona kuita zviratidzo izvozvo zvamunoita, kana Mwari asiri naye.” |
|
| 3 |
|
| Jesu akapindura, akati kwaari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, kana munhu asingaberekwi kutsva, haangaoni ushe hwaMwari.” |
|
| 4 |
|
| Nikodhimo akati kwaari, “Munhu angagoberekwa seiko ava mukuru? Angapindazve mudumbu ramai vake rwechipiri, akaberekwa here?” |
|
| 5 |
|
| Jesu akapindura, akati, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, kana munhu asingaberekwi nemvura noMweya, haangagoni kupinda muushe hwaMwari. |
|
| 6 |
|
| Chakaberekwa nenyama inyama, chakaberekwa noMweya, mweya. |
|
| 7 |
|
| Usashamiswa, nokuti ndakati kwauri, munofanira kuberekwa kutsva. |
|
| 8 |
|
| Mhepo inovhuvhuta painoda napo, unonzwa izwi rayo, asi hauzivi painobva napainoenda; mumwe nomumwe akaberekwa naMweya akadaro.” |
|
| 9 |
|
| Nikodhimo akapindura, akati kwaari, “Zvinhu izvi zvingagoitwa seiko?” |
|
| 10 |
|
| Jesu akapindura, akati kwaari, “Iwe uri mudzidzisi waVaIsiraeri, haunzwisisi zvinhu izvozvi here? |
|
| 11 |
|
| Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, tinotaura zvatinoziva, tinopupura zvatakaona; asi imi hamugamuchiri kupupura kwedu. |
|
| 12 |
|
| “Kana ndakakuudzai zvinhu zvenyika, mukasatenda, mungagotenda seiko, kana ndichikuudzai zvinhu zvokudenga? |
|
| 13 |
|
| “Hakuna munhu akakwira kudenga, asi iye akaburuka kudenga, iye Mwanakomana womunhu.” |
|
| 14 |
|
| Mosesi sezvaakasimudza nyoka murenje, saizvozvo Mwanakomana womunhu anofanira kusimudzwawo, |
|
| 15 |
|
| kuti ani naani anotenda kwaari, ave noupenyu husingaperi. |
|
| 16 |
|
| Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa mumwe woga, kuti ani naani anotenda kwaari, arege kufa, asi ave noupenyu husingaperi. |
|
| 17 |
|
| Nokuti Mwari haana kutumira Mwanakomana wake panyika, kuti atonge nyika, asi kuti nyika iponeswe naye. |
|
| 18 |
|
| Anotenda kwaari, haatongwi; asi asingatendi kwaari, atotongwa, nokuti haana kutenda kuzita roMwanakomana waMwari akaberekwa mumwe woga. |
|
| 19 |
|
| Kutongwa ndokuku, kuti chiedza chakasvika panyika, asi vanhu vakada rima kupfuura chiedza, nokuti mabasa avo akanga akaipa. |
|
| 20 |
|
| Nokuti mumwe nomumwe, anoita zvakaipa, anovenga chiedza, haauyi pachiedza, kuti mabasa ake arege kubudiswa pachena. |
|
| 21 |
|
| Asi anoita chokwadi, anouya kuchiedza, kuti mabasa ake aonekwe, kuti akaitwa muna Mwari. |
|
| 22 |
|
| Shure kwaizvozvo Jesu akasvika munyika yeJudhiya, navadzidzi vake, akagarako navo achibhabhatidza. |
|
| 23 |
|
| NaJohani akanga achibhabhatidzawo paAinoni, pedyo neSarimu, nokuti kwaiva nemvura zhinji ipapo; vakauya, vakabhabhatidzwa. |
|
| 24 |
|
| Nokuti Johani akanga achigere kuiswa mutorongo. |
|
| 25 |
|
| Zvino nharo dzikamuka pamusoro pokuzvinatsa pakati pavadzidzi vaJohani nomumwe muJudha. |
|
| 26 |
|
| Vakauya kuna Johani, vakati kwaari, “Rabhi, uya aiva nemi mhiri kwaJodhani, wamaimbopupurira, tarirai, iye anobhabhatidza, uye vose vanouya kwaari.” |
|
| 27 |
|
| Johani akapindura, akati, “Munhu haangagamuchiri chinhu, kana asina kuchipiwa chichibva kudenga. |
|
| 28 |
|
| Imi mumene mungandipupurira, kuti ndakati, ‘Handisi Kristu ini, asi kuti ndakatumwa pamberi pake.’ |
|
| 29 |
|
| Ano mwenga ndiye muwani; asi shamwari yemuwani inomira ichimunzwa, inofara zvikuru nezwi romuwani. Naizvozvo kufara kwangu uku kwazadzika. |
|
| 30 |
|
| Iye anofanira kukura, asi ini ndinofanira kudukupiswa.” |
|
| 31 |
|
| Anobva kumusoro ndiye uri pamusoro pavose; noanobva panyika ndowenyika, anotaura zvenyika; anobva kudenga ndiye ari pamusoro pavose. |
|
| 32 |
|
| Zvaakaona nezvaakanzwa, ndizvo zvaanopupura; asi hakuna munhu anogamuchira kupupura kwake. |
|
| 33 |
|
| Uyo akagamuchira kupupura kwake, akasimbisa kuti Mwari ndowechokwadi. |
|
| 34 |
|
| Nokuti akatumwa naMwari, ndiye anotaura mashoko aMwari; nokuti haapi Mweya asina mwero. |
|
| 35 |
|
| Baba vanoda Mwanakomana, vakamupa zvose muruoko rwake. |
|
| 36 |
|
| Anotenda Mwanakomana, ano upenyu husingaperi; asi asingatereri Mwanakomana, haangaoni upenyu, asi kutsamwa kwaMwari kunogara pamusoro pake. |
|
|
|
|