|
| 1 |
|
| Shure kwaizvozvo, Jesu akakwira kuJerusarema kumutambo wavaJudha. |
|
| 2 |
|
| Zvino muJerusarema mune dziva riri pedyo neSuo raMakwai, rinonzi Bhetesdha nechiHebheru, uye rakapoteredzwa namabiravira mashanu. |
|
| 3 |
|
| Imomo vanhu vazhinji vakaremara vaisivatamo, mapofu, zvirema navakafa mitezo. |
|
| 4 |
|
| Nguva nenguva mutumwa waShe aiburukiramo achibvongodza mvura. Munhu aitanga kupinda mudziva shure kwenguva ipi zvayo yainge yabvongodzwa mvura aiporeswa pachirwere chipi zvacho chaainge anacho. |
|
| 5 |
|
| Mumwe murume akanga arimo akanga arwara kwamakore makumi matatu namasere. |
|
| 6 |
|
| Jesu akati amuona avete imomo, uye aiziva kuti akanga aita mararamiro iwayo kwenguva refu, akamubvunza akati, “Unoda kuporeswa here?” |
|
| 7 |
|
| Murwere akati, “Ishe, handina munhu anondibatsira kuti ndipinde mudziva mvura painenge yabvongodzwa. Ndichiri kuedza kupinda, mumwe anonditangira.” |
|
| 8 |
|
| Ipapo Jesu akati kwaari, “Simuka! Tora rukukwe rwako ufambe.” |
|
| 9 |
|
| Pakarepo murume uyu akaporeswa; akatora rukukwe rwake akafamba. Zuva rakaitika izvi raiva reSabata. |
|
| 10 |
|
| Naizvozvo vaJudha vakati kumunhu uya akanga aporeswa, “Nhasi iSabata; murayiro unokurambidza kuti utakure rukukwe rwako.” |
|
| 11 |
|
| Asi iye akapindura akati, “Munhu andiporesa ati kwandiri, ‘Takura rukukwe rwako ufambe.’ ” |
|
| 12 |
|
| Saka vakamubvunza vakati, “Ndianiko munhu uyu akutaurira kuti urutakure ufambe?” |
|
| 13 |
|
| Munhu uya akanga aporeswa akanga asingazivi kuti ainge ari ani, nokuti Jesu akanga apinda mukati meungano yakanga iripo. |
|
| 14 |
|
| Shure kwaizvozvo, Jesu akamuwana ari mutemberi uye akati kwaari, “Tarira, wapora; Usatadzazve kuti urege kuwirwa nechimwe chinhu chakaipisisa.” |
|
| 15 |
|
| Murume akabva akaenda akandoudza vaJudha kuti ndiJesu akanga amuporesa. |
|
| 16 |
|
| Saka nokuda kwokuti Jesu akanga achiita zvinhu izvi nomusi weSabata, vaJudha vakamutambudza. |
|
| 17 |
|
| Jesu akati kwavari, “Baba vangu vanoramba vari pabasa ravo kusvikira nhasi chaiye, uye neniwo, ndiri kushanda.” |
|
| 18 |
|
| Nokuda kwaizvozvi, vaJudha vakaedza zvakanyanya kwazvo kuti vamuuraye; nokuti akanga asingaputsi Sabata chete, asi akanga achitiwo Mwari ndiBaba vake, achizvienzanisa naMwari. |
|
| 19 |
|
| Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi, Mwanakomana haagoni kuita chinhu ari oga; anongogona kuita zvaanoona Baba vake vachiita, nokuti zvose zvinoitwa naBaba, Mwanakomana anozviitawo. |
|
| 20 |
|
| Nokuti Baba vanoda Mwanakomana uye vanomuratidza zvose zvavanoita ivo. Hongu, kuti imi mushamiswe, vachamuratidza kunyange zvinhu zvikuru kwazvo kupfuura izvi. |
|
| 21 |
|
| Nokuti sezvo Baba vachimutsa vakafa uye vachivapa upenyu, saizvozvo Mwanakomana anopa upenyu kuno uyo waanofarira kuti ape. |
|
| 22 |
|
| Pamusoro paizvozvo, Baba havatongi munhu, asi vakapa mwanakomana kutonga kwose, |
|
| 23 |
|
| kuti vose vakudze Mwanakomana sokukudza kwavanoita Baba. Uyo asingakudzi Mwanakomana, haakudzi Baba vakamutuma. |
|
| 24 |
|
| “Ndinokuudzai chokwadi kuti, ani naani anonzwa shoko rangu uye achitenda uyo akandituma, ano upenyu husingaperi uye haachazotongwi, abva murufu uye aenda kuupenyu. |
|
| 25 |
|
| Ndinokuudzai chokwadi kuti, nguva inouya uye yatosvika zvino yokuti vakafa vachanzwa inzwi roMwanakomana waMwari uye avo vanonzwa vachararama. |
|
| 26 |
|
| Nokuti sezvo Baba vano upenyu mavari, saizvozvowo vakapa Mwanakomana kuti ave noupenyu maari. |
|
| 27 |
|
| Uye vakamupa simba rokuti atonge nokuti ndiye Mwanakomana woMunhu. |
|
| 28 |
|
| “Musashamiswa pane izvi, kuti nguva inouya apo vose vari mumakuva avo vachanzwa inzwi rake |
|
| 29 |
|
| uye vachamuka; vose vakaita zvakanaka vachamuka vachienda kuupenyu, uye avo vakaita zvakaipa vachamuka vachienda kukutongwa. |
|
| 30 |
|
| Ini ndoga handigoni kuita chinhu; ndinongotonga sezvandinenge ndanzwa, uye kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handitsvaki kuzvifadza asi iye akandituma. |
|
| 31 |
|
| “Kana ndichizvipupurira, uchapupu hwangu hahuna maturo. |
|
| 32 |
|
| Pano mumwe anondipupurira, uye ndinoziva kuti uchapupu hwake pamusoro pangu ndohwechokwadi. |
|
| 33 |
|
| “Makatuma nhume kuna Johani naiye akapupurira chokwadi. |
|
| 34 |
|
| Hazvirevi kuti ndinogamuchira kupupura kwavanhu; asi ndareva izvi kuti muponeswe. |
|
| 35 |
|
| Johani akanga ari mwenje unopfuta nokuvhenekera, uye imi makasarudza kufara kwenguva duku muchiedza chake. |
|
| 36 |
|
| “Ndino uchapupu hukuru kupfuura hwaJohani. Nokuti iro basa chairo randakapiwa naBaba kuti ndiripedze, uye randiri kuita, rinondipupurira kuti Baba vakandituma. |
|
| 37 |
|
| Uye ivo Baba vakandituma vakapupura pachavo pamusoro pangu. Hamuna kutombonzwa inzwi ravo kana kuona chimiro chavo, |
|
| 38 |
|
| uye shoko ravo harigari mukati menyu, nokuti hamutendi iye waakatuma. |
|
| 39 |
|
| Munoshingaira kunzvera magwaro nokuti munofunga kuti mune upenyu husingaperi maari. Magwaro iwaya anopupura pamusoro pangu, |
|
| 40 |
|
| asi imi munoramba kuuya kwandiri kuti muve noupenyu. |
|
| 41 |
|
| “Handigamuchiri kurumbidza kunobva kuvanhu, |
|
| 42 |
|
| asi ndinokuzivai. Ndinoziva kuti hamuna rudo rwaMwari mumwoyo yenyu. |
|
| 43 |
|
| Ndakauya muzita raBaba vangu, asi hamundigamuchiri; asi kana mumwewo zvake akauya muzita rake, muchamugamuchira. |
|
| 44 |
|
| Mungatenda seiko kana muchikudzana pachenyu asi musingashingairiri kuwana kurumbidzwa kunobva kuna Mwari oga? |
|
| 45 |
|
| “Asi musafunga kuti ndichakupomerai mhosva pamberi paBaba. Mupomeri wenyu ndiMozisi, wamunoisa tariro yenyu maari. |
|
| 46 |
|
| Dai maitenda Mozisi, mungadai maitendawo ini, nokuti akanyora nezvangu. |
|
| 47 |
|
| Asi sezvo musingatendi zvaakanyora, muchatenda seiko zvandinoreva?” |
|
|
|
|