|
| 1 |
|
| Mushure maizvozvi, Jesu aingotenderera ari muGarirea asingadi kuenda kuJudhea nokuti vaJudha vaida kumuuraya. |
|
| 2 |
|
| Izvozvo, mazuva makuru avaJudha amatumba akanga ava pedyo. |
|
| 3 |
|
| Naizvozvo vakomanavanun'una vake vakati kwaari, “Dai mabva kuno muende kuJudhea kuti vadzidzi venyu vaone mabasa amuri kuita. |
|
| 4 |
|
| Nokuti hapana munhu anoita zvomuchivande kana achida kunyatsozivikanwa. Kana muchitoita mabasa akadai zviratidzei kunyika. |
|
| 5 |
|
| Asi ivowo, vakoma navanun'una vake vakanga vasingatendi maari.” |
|
| 6 |
|
| Jesu akavati, “Nguva yangu haisati yasvika asi kwamuri chero nguva inguva kwayo. |
|
| 7 |
|
| Imi nyika haikuvengei asi ini inondivenga nokuti ndinoidurira kuti zvainoita zvakaipa. |
|
| 8 |
|
| Imimi endai zvenyu kumazuva makuru iwayo ini handisati ndoenda kumazuva makuru iwaya nokuti nguva yangu haisati yanyatsokwana.” |
|
| 9 |
|
| Akataura izvi ndokubva asara zvake kuGarirea. |
|
| 10 |
|
| Vakoma navanun'una vake pavakaenda kumazuva makuru aya iye akazoenda zvechiverevere, zvisingaonekwi navanhu. |
|
| 11 |
|
| VaJudha vakanga vachimutsvaka pamazuva makuru iwayo vachiti, “Ko ari kupiko?” |
|
| 12 |
|
| Pakanga pachiitwa chizevezeve kwazvo nezvake mukati mavanhu. Vamwe vaiti, “Munhu wakanaka;” vamwewo vachiti, “Kwete, ari kurasisa vanhu kusiri iko.” |
|
| 13 |
|
| Asi pamusana pokutya vaJudha hapana aitaura pachena nezvake. |
|
| 14 |
|
| Pava pakati pamazuva makuru iwayo Jesu akaenda muTemberi akatangisa kudzidzisa. |
|
| 15 |
|
| VaJudha vakashamiswa nazvo vachiti, “Ko munhu uyu akawanepiko ruzivo rwaanarwo iye asina kudzidza?” |
|
| 16 |
|
| Jesu akapindura achiti, “Zvandinokudzidzisai hazvisi zvomusoro wangu asi zvinobva kunaiye akandituma. |
|
| 17 |
|
| Kana munhu ane chido chokuita zvinoda Mwari anobva aziva kuti rudzidziso urwu runobva kuna Mwari here, kana kuti ndiri kutaura zvomusoro wangu. |
|
| 18 |
|
| Kana munhu achitaura zvomusoro wake anotsvaka mbiri yake asi munhu anotsvaka mbiri youyo anenge amutuma ari pachokwadi uye maari hamuna unyengedzi. |
|
| 19 |
|
| Mosesi akakupai Mutemo handiti? Asi hapana kana mumwe anochengeta mutemo iwoyo. Munoda kundiurairei?” |
|
| 20 |
|
| Vanhu vakamupindura vachiti, “Une mweya wakaipa iwe! Ndiani arikuda kukuuraya?” |
|
| 21 |
|
| Jesu akavapindurawo achiti, “Ndakangoita chiitiko chimwechete mose mukabva mashamiswa. |
|
| 22 |
|
| Mosesi akakutii muite dzingiso (zvisingarevi zvazvo kuti zvakabva kuna Mosesi asi kumadzitateguru enyu) asi imi munodzingisa munhu nezuva resabata. |
|
| 23 |
|
| Kana muchidzingisa munhu nezuva reSabata muchiitira kuti mutemo waMosesi urege kutyorwa. Ko zvino munoshatirirwei kana ndakaporesa munhu zvokupedzeredza pamusi weSabata? |
|
| 24 |
|
| Musatonge chinhu nezvamunoona kunze kwacho tongai nemwero kwawo wokutonga.” |
|
| 25 |
|
| Nezvo vamwe vanhu vokuJerusaremu vakati, “Haasi iye munhu wavari kuda kuuraya here uyu. Hoyu ari kutaura pachena chena; |
|
| 26 |
|
| asi hapana chavari kutaura kwaari, zvinoreva here kuti vakuru vakuru vava kunyatsoziva kuti uyu ndiye Mesia. |
|
| 27 |
|
| Kunobva munhu uyu tinokuzivaka isu asi kana Mesia ouya hapana anoziva kwaanobva.” |
|
| 28 |
|
| Naizvozvo Jesu akadaidzira achidzidzisa muTemberi achiti, “Heya munotondiziva nokwandinobva kwose nhai? Asi ini handina kungouya zvomusoro wangu ndakatotumwa nouyo ari pachokwadi wamusingazivi imi. |
|
| 29 |
|
| Ini ndinomuziva nokuti ndinobva kwaari, uyewo ndiye akandituma.” |
|
| 30 |
|
| Naizvozvo vakada kumusunga. Asi hapana akambomubata nokuti nguva yake yakanga isati yasvika. |
|
| 31 |
|
| Zvakadaro zvazvo vanhu vazhinji vakatenda maari vachiti, “Ko iye Kristu kana azouya, achaita zviratidzo zvakawanda kupfuura zvakaitwa nomunhu uyu here?” |
|
| 32 |
|
| VaFarisei vakanzwa zevezeve raiitwa navanhu nezvake. Naizvozvo vapristi vakuru navaFarisei, vakatuma mapurisa apaTemberi kundomusunga. |
|
| 33 |
|
| Jesu akati, “Ndichangova nemi kwekanguva kadiki; ndozodzokera kune wakandituma. |
|
| 34 |
|
| Muchanditsvaka asi hamundiwani uye kwandinenge ndiri hamukwanisi kuuyako.” |
|
| 35 |
|
| VaJudha vakataurirana vachiti, “Ko munhu uyu ari kuda kuenda kupiko, kwatisingakwanisi kumuwana? Arikuda kuenda kuvaJudha vakapararira kuvaGiriki achindodzidzisa vaGiriki here? |
|
| 36 |
|
| Ko anoreveiko kana achiti, “ ‘Muchanditsvaka asi hamundiwani uye kwandinenge ndaenda imi hamukwanisi kuuyako.’ ” |
|
| 37 |
|
| Pazuva rokupedzisa ramazuva makuru aya zuva racho rakanga riri guru kupinda ose zvawo Jesu akasimuka akaparidza achiti, “Aninani ane nyota ngaauye kwandiri anwe. |
|
| 38 |
|
| Aninani anodavira mandiri, sokutaura kunoita Magwaro Matsvene mumwoyo make muchaerera nzizi dzemvura youpenyu.” |
|
| 39 |
|
| Izvozvo aitaura nezvaMweya aizogamuchirwa navanotenda maari nokuti Mweya akanga asati apiwa kuvanhu nokuti Jesu akanga asati awaniswa mbiri yake. |
|
| 40 |
|
| Vamwe vanhu vaiva mugungano iroro, pavakanzwa mazwi aya vakati, “Uyu ndiye chaiye muporofita uya.” |
|
| 41 |
|
| Vamwewo vakati, “Uyu ndiye Mesia uyu.” Vamwe vakatiwo, “Mesia anofanira kubva kuGarirea here? |
|
| 42 |
|
| Handiti Magwaro Matsvene anoti, ‘Mesia anofanira kuva chizvarwa chaDhavhidhi uye kuti anobva kuBheterehemu, musha waigara Dhavhidhi.’ ” |
|
| 43 |
|
| Saizvozvo pakava nokutsaukana mukati mavanhu pamusana pake. |
|
| 44 |
|
| Vamwe vaitoda kumusunga asi hapana kana neakambomubata zvake. |
|
| 45 |
|
| Mapurisa aya akadzokera kuvapristi vakuru navaFarisei avo vakavati, “Sei musina kuuya naye?” |
|
| 46 |
|
| Mapurisa akati, “Hapana munhu ati ambotaura somunhu uyu.” |
|
| 47 |
|
| VaFarisei vakapindura vachiti, “Nemiwo marasiswa nhai? |
|
| 48 |
|
| Pane mumwe wavakuru — vakuru kana mumwe wavaFarisei akatenda maari here |
|
| 49 |
|
| kusiya vanamunhuwo zvavo ava vasingazivi mutemo uye vane rushambwa ava?” |
|
| 50 |
|
| Nikodhimasi, uya akamboenda kwaari aiva mumwe wavo akati kwavari. |
|
| 51 |
|
| “Zviya, handiti mutemo wedu haupe munhu mhosva asina kutanga ambonzwika uye kuziva zvaanoita?” |
|
| 52 |
|
| Ivo vakapindura vachiti, “Asi newewo unobva kuGarirea su? Tsvagaka uone zvako kuti hakuna muporofita anobva kuGarirea.” |
|
| 53 |
|
| Mumwe nomumwe akaenda kumusha kwake. |
|
|
|
|