Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Mubhuku rangu rokutanga, Teofiro, ndakanyora pamusoro pezvose zvakatanga kuitwa nokudzidziswa naJesu |
| 2 |
| kusvikira pazuva raakakwidzwa kudenga, shure kwokunge arayira, kubudikidza noMweya Mutsvene, vapostori vaakanga asarudza. |
| 3 |
| Shure kwokutambudzika kwake, akazviratidza kuvanhu ava akaratidza zviratidzo zvizhinji zvokuti iye akanga ari mupenyu. Akaonekwa navo mazuva anopfuura makumi mana uye akataura nezvoumambo hwaMwari. |
| 4 |
| Pane imwe nguva, paakanga achidya navo, akavapa kurayira uku akati, “Musabva muJerusarema, asi mumirire chipo chakavimbiswa naBaba vangu, icho chamakandinzwa ndichitaura pamusoro pacho. |
| 5 |
| Nokuti Johani akabhabhatidza nemvura, asi mushure mamazuva mashoma muchabhabhatidzwa noMweya Mutsvene.” |
| 6 |
| Saka vakati vaungana pamwe chete, vakamubvunza vakati, “Ishe, mava kuzodzosera ushe kuvaIsraeri panguva ino here?” |
| 7 |
| Akati kwavari, “Hazvizi kwamuri kuti muzive nguva kana musi wakatarwa naBaba nesimba ravo pachavo. |
| 8 |
| Asi muchagamuchira simba kana Mweya Mutsvene auya pamusoro penyu; uye muchava zvapupu zvangu muJerusarema, nomuJudhea mose, nomuSamaria, uye kusvikira kumigumo yenyika.” |
| 9 |
| Shure kwokunge ataura izvi, akakwidzwa kudenga pamberi pameso avo chaipo, uye gore rikamufukidza vakasazomuona. |
| 10 |
| Vakanga vakatarisisa paakanga achikwira kudenga, pakarepo varume vaviri vakanga vakapfeka nguo chena vakamira pavari. |
| 11 |
| Vakati kwavari, “Varume veGarirea, makamirireiko pano makatarisa kudenga? Iyeyu Jesu abviswa kwamuri achienda kudenga, achadzokazve sezvamamuona achienda kudenga.” |
| 12 |
| Ipapo vakadzokera kuJerusarema vachibva kugomo rinonzi reMiorivhi, rwendo rwezuva reSabata uchibva kuguta. |
| 13 |
| Vakati vasvika, vakakwira kuimba yapamusoro kukamuri ravaigara. Vakanga varipo vaiti, Petro, Johani, Jakobho naAndirea; Firipi naTomasi, Bhatoromeo naMateo; Jakobho mwanakomana waArifiasi naSimoni muZeroti, uye naJudhasi mwanakomana waJakobho. |
| 14 |
| Vakabatana vose pakuramba vachinyengetera, pamwe chete navakadzi uye naMaria mai vaJesu, navanun'una vake. |
| 15 |
| Mumazuva iwayo, Petro akasimuka pakati pavatendi (ungano yaida kusvika zana namakumi maviri) |
| 16 |
| uye akati, “Hama, Rugwaro rwaifanira kuzadziswa rwakataurwa noMweya Mutsvene nomuromo waDhavhidhi pamusoro paJudhasi, uyo akabatsira kutungamirira vaya vakasunga Jesu, |
| 17 |
| akanga ari mumwe wedu uye akanga ano mugove muushumiri uhu.” |
| 18 |
| (Nomubayiro waakawana nokuda kwokuipa kwake, Judhasi akatenga munda; imomo ndimo maakawira pasi nomusoro, muviri wake ukaputika uye ura hwake hukabuda. |
| 19 |
| Munhu wose akanzwa nezvazvo muJerusarema, saka vakatumidza munda uya nomutauro wavo kuti Akeridhama, ndiko kuti, Munda weRopa.) |
| 20 |
| Petro akati, “Nokuti kwakanyorwa mubhuku raMapisarema kuti, “ ‘Musha wake ngauve dongo; ngakurege kuva nomunhu anogaramo,’ uye kuti, “ ‘Mumwe ngaatore nzvimbo yake youtungamiriri.’ |
| 21 |
| Naizvozvo zvakafanira kuti kusarudzwe mumwe murume akanga anesu nguva yose Ishe Jesu yaaipinda nokubuda pakati pedu, |
| 22 |
| kutanga parubhabhatidzo rwaJohani kusvikira panguva yakabviswa Jesu kwatiri. Nokuti mumwe waava anofanira kuva chapupu chokumuka kwake, pamwe chete nesu.” |
| 23 |
| Saka vakasarudza varume vaviri vaiti: Josefa ainzi Bhanabhasi (aizivikanwawo nokunzi Jasitasi) naMatiasi. |
| 24 |
| Ipapo vakanyengetera vachiti, “Ishe, munoziva mwoyo yavanhu vose. Tiratidzei pakati pavaviri ava wamasarudza |
| 25 |
| kuti atore basa iri roupostori, rakasiyiwa naJudhasi achienda kunzvimbo yake.” |
| 26 |
| Ipapo vakakanda mijenya, uye mujenya ukawira kuna Matiasi; saka akawedzerwa kuvapostori vane gumi nomumwe. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/acts/001.mp3
28
1