|
| 1 |
|
| KuSezaria kwaiva nomumwe murume ainzi Koneriasi mutungamiriri wezana ramasoja wechikwata chainzi chikwata chamaTariyana, |
|
| 2 |
|
| munhu aitya Mwari pamwechete nemhuri yake yose aiva noruoko rwokupa kwazvo kuvanhu uye aigara achinamata kuna Mwari. |
|
| 3 |
|
| Paawa yechitatu yamasikati akanyatsoona muchiratidzo mutumwa waMwari achipinda maaiva achiti, “Koneriasi.” |
|
| 4 |
|
| Akamutarisisa achitya akati, “Chiiko nhai Tenzi?” Mutumwa ndokuti, “Minamato yako nezvipo zvako kuvanhu zvakwira kudenga sechinhu chinoyeukwa pamberi paMwari. |
|
| 5 |
|
| Zvino chitumira vanhu kuJopa vauye naSimoni anonzi Pita. |
|
| 6 |
|
| Agere pamba paSimoni wamatehwe ane imba iri munyasi megungwa.” |
|
| 7 |
|
| Mutumwa uya akataura kwaari paakaenda, akadaidza varanda vake vaviri nomusoja aida zvokunamata pakati pavanhu vaimushandira. |
|
| 8 |
|
| Akati avarondedzera zvose akavatuma kuJopa. |
|
| 9 |
|
| Ramangwana acho pavakanga vari parwendo rwavo vava kusvika pedyo neguta, Pita akakwira pamusoro pemba kundonamata masikati makuru. Akanzwa nzara akada zvokudya. |
|
| 10 |
|
| Asi pavakanga vachiri kugadzira zvokudya, akava mumweya. |
|
| 11 |
|
| Akaona denga richizaruka chimwe chinhu chichiburuka chakaita sejira guru richiburutswa pasi richiita serakabatwa namakona aro mana. |
|
| 12 |
|
| Mariri makanga mune mhuka dzakasiyana — siyana nezvipuka zvinoita zvokuzvova napasi neshiri dzedenga. |
|
| 13 |
|
| Kwakauya izwi kwaari richiti, “Pita simuka uuraye udye.” |
|
| 14 |
|
| Asi Pita akati, “Kwete Tenzi nokuti handisati ndambodya zvinhu zvose zvose kana zvakan'ora.” |
|
| 15 |
|
| Izwi rakauyazve kechipiri kwaari richiti, “Zvinenge zvachenurwa naMwari usazviti zvakan'ora.” |
|
| 16 |
|
| Izvi zvakaitika katatu chinhu chacho chikabva chatorwa pakarepo chikaendeswa kudenga. |
|
| 17 |
|
| Pita paakanga achiri kukangaidzwa mumwoyo kuti chiratidzo chaakanga aona chinorevei, havo varume vaya vakatumwa naKoneriasi vakanga vatomira pasuo guru nokuti vakanga vabvunza nezvemba yaSimoni. |
|
| 18 |
|
| Vakadaidzira kuti vabvunze kuti Simoni anonzi Pita ari kugarapo here. |
|
| 19 |
|
| Pita paakanga achifungisisa nezvechiratidzo, Mweya akati kwaari, “Chinzwa varume vatatu vari kukutsvaka. |
|
| 20 |
|
| Simuka udzike uende navo pasina zvokukahadzika nokuti ndini ndavatuma.” |
|
| 21 |
|
| Pita akadzikawo kwaiva navarume vaya akati, “Ndini wamuri kutsvaka. Mavingei?” |
|
| 22 |
|
| Ivo vakati, “Koneriasi, mutariri wezana ramasoja munhu ari pachokwadi, munhu anotya Mwari uye anorumbidzwa norudzi rwose rwechiJudha akatungamirirwa nomutumwa anoera kuzokudaidzai kuti muuye kumba kwake kuti anzwe zvamungataure.” |
|
| 23 |
|
| Ipapo akavapa pokurara. Ramangwana acho, akamuka akaenda navo. Vamwe vehama vokuJopa vakaendawo naye. |
|
| 24 |
|
| Pazuva rinotevera racho vakapinda muSezaria. Koneriasi anga achivatarisira uye, akanga atodaidza hama neshamwari dzake dzapamwoyo. |
|
| 25 |
|
| Pita paakapinda, Koneriasi akamuchingura akagwadama patsoka dzake akamupfugamira. |
|
| 26 |
|
| Pita akamusimudza achiti, “Simukai ini ndiri munhuwo?” |
|
| 27 |
|
| Paaitaura naye akapinda akawana vanhu vazhinji vakaungana |
|
| 28 |
|
| akati kwavari, “Imi munozviziva pachenyu kuti zvinorambidzwa nomutemo zvakadii kuti muJudha afambidzane kana kushanyira ani zvake worumwe rudzi asi Mwari wandiratidza kuti handifaniri kuti ani zvake haakodzeri kana kuti akan'ora. |
|
| 29 |
|
| Saizvozvo pakauya vanhu kuzondikoka, ndakauya pasina zvokuramba. Nezvo ndinokubvunzai kuti mandidaidzirei.” |
|
| 30 |
|
| Koneriasi akati, “Mazuva mana apfuura panguva yakaita saiyo ino ndakanga ndichinamata paawa yechitatu masikati mumba mangu. Ndiye onei munhu amira pamberi pangu akapfeka zvinhu zvichena! |
|
| 31 |
|
| Akati, ‘Koneriasi munamato wako wanzwika uye zvipo zvako kuvarombo zvakayeukwa pamberi paMwari. |
|
| 32 |
|
| Tumira nhume kuJopa ubvunze nezvaSimoni anonzi Pita agere paSimoni musuki wamatehwe ane imba iri munyasi megungwa.’ |
|
| 33 |
|
| Saizvozvo ndakabva ndatumira nhume kwamuri pakarepo. Imiwo maita zvakanaka kuti mauya. Naizvozvo tiri pano tose pamberi paMwari kuti tinzwe zvamaudzwa naMwari.” |
|
| 34 |
|
| Pita akatanga kutaura achiti, “Chokwadi ndiri kuona kuti Mwari haana rusaruro. |
|
| 35 |
|
| Asi mumarudzi ose, ani naani anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirika kwaari. |
|
| 36 |
|
| Imi munoziva izwi raakatuma kuIsiraeri raiparidza Shoko Rakanaka rorugare zvichiitwa nokuna Jesu Kristu Tenzi wavose. |
|
| 37 |
|
| Ndiroro shoko rakaparidzwa muJudhea yose kubvira kuGarirea mushure meruombeko rwaiparidzwa naJohani. |
|
| 38 |
|
| Mwari akazodza Jesu weNazareti naMweya Mutsvene uye akamupa simba. Munozivawo kuti akafamba achiita zvakanaka achiporesa vose vainge vari pasi pesimba raDhiyabhori nokuti Mwari aiva naye. |
|
| 39 |
|
| Isu tiri zvapupu zvezvinhu zvose zvaakaita munyika yavaJudha neJerusaremu. Vakamuuraya nokumuturika pamuti. |
|
| 40 |
|
| Mwari akamumutsa pazuva retatu akamuratidza |
|
| 41 |
|
| kwete kuvanhu vose asi kunesu vakasarudzwa naMwari kuva zvapupu isu takadya nokunwa naye mushure mokumuka kwake muvafi; |
|
| 42 |
|
| uye akatiti tinofanira kundoparidza vanhu nokupupura kuti ndiye akagadzwa naMwari kuva mutongi wavapenyu navakafa. |
|
| 43 |
|
| Vaporofita vose vanomupupurira kuti munhu wose anotenda kwaari anoregererwa zvitadzo zvake muzita rake.” |
|
| 44 |
|
| Pita paakanga achiri kutaura, Mweya Mutsvene akaburikira pana vose vakanzwa shoko iri. |
|
| 45 |
|
| Vatendi pakati pavakadzingiswa vakanga vauya naPita vakashamiswa, nokuti chipo chaMweya Mutsvene chakanga chadururirwa kunyange pane vechirudzi, |
|
| 46 |
|
| nokuti vakanzwa vachitaura nendimi uye vachirumbidza Mwari. |
|
| 47 |
|
| Ipapo Pita akati, “Pana angarambidze here kuti vanhu ava vaombekwe nemvura vadai kugashira Mweya Mutsvene sokugamuchira kwatakamuita?” |
|
| 48 |
|
| Akabva ati ngavaombekwe muzita raJesu Kristu. Vakazomukumbira kuti ambogara navo kwamazuva akati kuti. |
|
|
|
|