|
| 1 |
|
| Zvino pachechi yapaAndiyoku paiva navaporofita navadzidzisi, vaiti: Bhanabhasi naSimeoni, ainzi Nigeri, naRukio weKurene, naManaeni akanga arerwa pamwechete naHerodhi mubati, naSauro. |
|
| 2 |
|
| Vakati vachishumira Ishe, nokuzvinyima zvokudya, Mweya Mutsvene akati, “Nditsaurirei Bhanabhasi naSauro kubata basa randakavadanira.” |
|
| 3 |
|
| Ipapo vakazvinyima zvokudya, vakanyengetera, vakaisa maoko pamusoro pavo, ndokuvaendesa. |
|
| 4 |
|
| Naizvozvo vakati vatumwa noMweya Mutsvene, vakaburukira Serusia; vakabvapo, vakaenda Saipurasi nechikepe. |
|
| 5 |
|
| Vachisvika paSaramisi, vakaparidza shoko raMwari mumasinagoge avaJudha. Vakanga vana Johaniwo, aiva mubatsiri wavo. |
|
| 6 |
|
| Vakati vagura chivi chose kusvikira paPafosi, vakawana mumwe munhu wamashiripiti, aiva muporofita wenhema, muJudha, zita rake rainzi BhariJesu. |
|
| 7 |
|
| Aigara pamubati wenyika, ainzi Segio Pauro, munhu akachenjera. Iye ndokudana Bhanabhasi naSauro, achitsvaka kunzwa shoko raMwari. |
|
| 8 |
|
| Asi n'anga iyo Erimasi (nokuti ndiro zita rake, kana richishandurwa), akavadzivisa, achitsvaka kutsausa mubati pakutenda. |
|
| 9 |
|
| Asi Sauro (ndiye Paurowo), azere noMweya Mutsvene, akamutarisisa, akati, |
|
| 10 |
|
| “Iwe, uzere nokunyengera kwose namano akaipa ose, mwanakomana waDhiabhori, muvengi wokururama kwose, hauregi here kutsausa nzira dzakarurama dzaIshe? |
|
| 11 |
|
| Zvino, tarira, ruoko rwaIshe ruri pamusoro pako; uchava bofu, uchaita nguva usingaoni zuva.” Pakarepo mhute nerima zvikamuwira; akapota–pota, achitsvaka vangamusesedza noruoko. |
|
| 12 |
|
| Zvino mubati akati achiona zvaitika, akatenda, akashamiswa nedzidziso yaIshe. |
|
| 13 |
|
| Zvino Pauro navaiva naye, vakabva Pafosi, ndokusvika Pega muPamufiria; Johani akabva kwavari, ndokudzokera Jerusaremu. |
|
| 14 |
|
| Asi ivo vakabva Pega, vakasvika Andiyoku paPisidhia; vakapinda musinagoge nezuva reSabata, ndokugara pasi. |
|
| 15 |
|
| Zvino murairo navaporofita zvakati zvarawa, vabati vesinagoge vakatuma shoko kwavari, vachiti, “Varume, hama, kana mune shoko rokuvaraidza vanhu, taurai henyu.” |
|
| 16 |
|
| Ipapo Pauro akasimuka, akavaninira noruoko akati, “Varume VaIsiraeri, nemi munotya Mwari, teererai, |
|
| 17 |
|
| Mwari wavanhu ava VaIsiraeri akatsanangura madzibaba edu, akaudza vanhu ava, vachiti vatorwa munyika yeIjipiti; akavabudisa mairi noruoko rune simba, |
|
| 18 |
|
| akava nomwoyo murefu nemitoo yavo murenje makore anenge makumi mana, |
|
| 19 |
|
| akaparadza marudzi manomwe munyika yeKenani, akavagovera nyika yavo nemijenya, ive nhaka yavo makore anenge mazana mana namakumi mashanu. |
|
| 20 |
|
| Shure kwaizvozvo akavapa vatongi kusvikira kumuporofita Samueri. |
|
| 21 |
|
| Pashure vakakumbira mambo; Mwari akavapa Sauro, mwanakomana waKisi murume worudzi rwaBhenjamini, makore makumi mana. |
|
| 22 |
|
| “Akamubvisa akamutsa Dhavhidhi, kuti ave mambo wavo, waakapupura, achiti, ‘Ndawana Dhavhidhi, mwanakomana waJese murume womwoyo wangu, achaita kuda kwangu kwose.’ |
|
| 23 |
|
| Parudzi rwaiyeyo, Mwari akamutsira VaIsiraeri Muponesi Jesu, sezvaakanga avapikira; |
|
| 24 |
|
| iye asati asvika, Johani akamboparidzira vanhu VaIsiraeri rubhabhatidzo rwokutendeuka. |
|
| 25 |
|
| Zvino Johani akati opedzisa basa rake, akati, ‘Munoti, ndini aniko? Handizi iye. Asi tarirai, shure kwangu mumwe anouya, wandisakafanira kuti ndisunungure shangu dzetsoka dzake.’ |
|
| 26 |
|
| “Varume, hama, vana vorudzi rwaAbhurahamu, navari pakati penyu vanotya Mwari, shoko roruponeso urwu rakatumirwa isu. |
|
| 27 |
|
| Nokuti vaigara Jerusaremu navabati vavo, zvavakanga vasingamuzivi iye, kana mazwi avaporofita, anorawa Sabata rimwe nerimwe, vakaazadzisa pakumupa mhaka kwavo. |
|
| 28 |
|
| “Kunyangwe vasina kuwana mhosva yorufu kwaari, vakakumbira kuna Pirato kuti auraiwe. |
|
| 29 |
|
| Zvino vakati vapedza zvose zvakanyorwa pamusoro pake, vakamuturura pamuti, vakamuviga muhwiro. |
|
| 30 |
|
| Asi Mwari wakamumutsa kuvakafa; |
|
| 31 |
|
| akaonekwa mazuva mazhinji navakanga vakwira naye Jerusaremu, vachibva Gareriya, avo vari zvapupu zvake zvino kuvanhu. |
|
| 32 |
|
| Isu tinokuparidzirai chipikirwa chakaitirwa madzibaba edu. |
|
| 33 |
|
| Kuti Mwari akachiita kuvana vedu, achimutsa Jesu; sezvakanyorwawo paPisarema rechipiri, panoti, ‘Ndiwe Mwanakomana wangu, nhasi ndakakubereka.’ |
|
| 34 |
|
| Uye kuratidza kuti akamumutsa kuvakafa, kuti arege kuzodzokerazve kuora, akareva kudai, ‘Ndichakupai mikomborero mitsvene inotendwa yaDhavhidhi.’ |
|
| 35 |
|
| “Ndokuti anoreva pane rimwe Pisarema, achiti, ‘Hamungaisi Mutsvene wenyu kuti aone kuora.’ |
|
| 36 |
|
| Nokuti Dhavhidhi akati aita kuda kwaMwari parudzi rwake, akavata rufu, akavigwa kuna madzibaba ake, akaona kuora. |
|
| 37 |
|
| Asi uyu, akamutswa naMwari haana kuora. |
|
| 38 |
|
| Naizvozvo varume hama muzive imi, kuti kuregererwa zvivi nouyu, inokuparidzirwai imi. |
|
| 39 |
|
| Nouyu, mumwe nomumwe anotenda, anoruramiswa pazvose, zvamakanga musingagoni kururamiswa pazviri nomurairo waMosesi. |
|
| 40 |
|
| Naizvozvo chenjerai, kuti murege kuwirwa nezvakarehwa navaporofita, zvinoti, |
|
| 41 |
|
| ‘Tarirai, imi vazvidzi, mushamiswe, muparare; Nokuti ndinobata basa pamazuva enyu, basa ramucharamba kutongotenda, kana muchizviudzwa nomunhu.’ ” |
|
| 42 |
|
| Zvino vakati vachibuda musinagoge, vakakumbira zvikuru kuti vaparidzirwezve mashoko iwayo neSabata rinotevera. |
|
| 43 |
|
| Zvino vesinagoge vakati vapararira, vaJudha vazhinji navapanduki vainamata Mwari, vakatevera Pauro naBhanabhasi; ivo vakataurirana navo, vakavarayira kuti varambire panyasha dzaMwari. |
|
| 44 |
|
| NeSabata rakatevera guta rinenge rose rakaungana kuzonzwa shoko raMwari. |
|
| 45 |
|
| Zvino vaJudha vakati vachiona vanhu vazhinji, vakazara negodo, vakaramba zvakarehwa naPauro, vachimhura Mwari. |
|
| 46 |
|
| Ipapo Pauro naBhanabhasi vakataura vasingatyi vakati, “Zvakanga zvakafanira kuti shoko raMwari ritange kutaurirwa imi, asi zvamariramba, muchiti, hamufanirwi noupenyu husingaperi, tarirai, zvino toenda kuvahedheni. |
|
| 47 |
|
| Nokuti Ishe wakatirayira saizvozvo, achiti, ‘Ndakakuisa kuti uve chiedza chavahedheni, Kuti uve ruponeso kusvikira kumugumo wenyika.’ ” |
|
| 48 |
|
| Zvino vahedheni vakati vachinzwa izvozvo, vakafara, vakakudza shoko raIshe; navose vakanga vatarirwa upenyu husingaperi vakatenda. |
|
| 49 |
|
| Shoko raIshe rikaparidzirwa kunyika yose. |
|
| 50 |
|
| Asi vaJudha vakakurudzira vakadzi vainamata Mwari, vaikudzwa, navakuru veguta; vakamutsira Pauro naBhanabhasi dambudziko, vakavadzinga munyika yavo. |
|
| 51 |
|
| Asi ivo vakazunza guruva patsoka dzavo, vakaenda Ikoniumu. |
|
| 52 |
|
| Vadzidzi vakaramba vachizadzwa nomufaro noMweya Mutsvene. |
|
|
|
|