|
| 1 |
|
| Kwakauya vamwe varume vachibva kuJudhea vachidzidzisa vehama kuti, “Kana musina kudzingiswa zvinoenderana noMutemo waMosesi, hamugoni kuponeswa.” |
|
| 2 |
|
| Pauro naBhanabhasi havana kuwirirana navo uye vakakavadzana navo zvikuru. Pauro naBhanabhasi navamwe vavo vakazosarudzwa kuti vaende kuJerusaremu kuna vapositori navakuru vakuru nezvenyaya iyi. |
|
| 3 |
|
| Saizvozvo zvavakatumwa nesangano kuenda rwendo rwavo vakapfuura nomuFonikia nomuSamaria vachirondedzera kutendeuka kwevechirudzi. Izvi zvakafadza kwazvo vose vehama. |
|
| 4 |
|
| Pavakasvika Jerusaremu vakagamuchirwa nesangano navapositori navakuru vakuru vakarondedzera zvose zvavakaitiswa naMwari. |
|
| 5 |
|
| Asi vamwe vatendi vebato ravaFarisei vakasimuka vakati, “Vanhu ava vanosungirwa kudzingiswa uye kuvaudza kuti vanofanira kuchengeta Mutemo waMosesi.” |
|
| 6 |
|
| Vapositori navakuru vakuru vakaungana kuti vafunge nezvenyaya iyi. |
|
| 7 |
|
| Pashure pokunge patauriranwa zvikuru, Pita akasimuka akati kwavari, “Hama, imi munoziva kuti pamazuva okutanga, Mwari akandisarudza pakati penyu kuti vechirudzi vanzwe kubva pamuromo pangu dama reShoko Rakanaka kuti vadavire. |
|
| 8 |
|
| Mwari anoziva mwoyo womunhu akazvitsigira nokuvapa Mweya Mutsvene sezvaakangoitawo kwatiri. |
|
| 9 |
|
| Haana kumbotisianisa navo asi akachenesa mwoyo yavo nechitendero. |
|
| 10 |
|
| Zvino munoedzerei Mwari nokuisa joko pamutsipa yavadzidzi risina kukwanisa kutakurwa namadzibaba edu kana nesu? |
|
| 11 |
|
| Asi tinotenda kuti tichaponeswa nenyasha dzaTenzi Jesu sokuponeswa kwavachaitwa.” |
|
| 12 |
|
| Gungano rakati zii kunyarara. Vakateerera Bhanabhasi naPauro vachirondedzera zviratidzo nezvishamiso zvakaitwa naMwari nemavari pakati pevechirudzi. |
|
| 13 |
|
| Pavakapedza kutaura, Jemusi akapindura achiti, “Varume hama, nditeererei. |
|
| 14 |
|
| Simoni atitaurira kuti Mwari akashanyira sei vechirudzi, nokutora vanhu mukati mavo vanodaidzwa nezita rake. |
|
| 15 |
|
| Izvi zvinowirirana namashoko avaporofita sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, |
|
| 16 |
|
| “ ‘Mushure mezvo ndichadzoka ndigovakazve imba yokwaDhavhidhi yadai kuputsika. Ndichagadziridza matongo ayo ndiamutsurudze |
|
| 17 |
|
| kuti vamwe vanhu vose vatsvake Tenzi nevechirudzi vose vanodaidzwa nezita rangu. |
|
| 18 |
|
| Ndizvo zviri kutaura Tenzi akazivisa zvinhu izvi kubvira pasi chigare.’ |
|
| 19 |
|
| “Naizvozvo ini ndinofunga kuti hatifaniri kunetsa vechirudzi vanotendeukira kuna Mwari. |
|
| 20 |
|
| Asi ngativanyorerei kuti varege kusvibiswa nezvifananidzo zvokunamata; varege upombwe nenyama isina kusinzwa nomusiya. |
|
| 21 |
|
| Nokuti kubvira pazvizvarwa zvokutanga mutemo waMosesi wakaparidzwa muguta roga roga uye unoverengwa mumasinagogu pamaSabata ose ose.” |
|
| 22 |
|
| Zvakaonekwa chiri chinhu chakanaka kuvapositori navakuru vakuru nesangano rose kusarudza varume pakati pavo vokutuma kuAndiyoku naPauro naBhanabhasi. Vakatuma Judhasi anonzi Bharisabhasi naSirasi |
|
| 23 |
|
| vakanga vari vatungamiri pakati pevehama netsamba iyi: “Ndisu vehama, navapositori navakuru vakuru tinokunyorerai imi vehama vechirudzi muri muAndiyoku nekuSiria nekuSirisia tichikukwazisai. |
|
| 24 |
|
| Pamusana pokuti takanzwa kuti kune vamwe vanhu vakabva kwatiri vakakunetsai namashoko vachikudzongodzai mwoyo kunyange tisina kuvatuma. |
|
| 25 |
|
| Isu takaungana kudai, uye tawirirana, tazviona zvakanaka, kuti tisarudze varume, tivatume kwamuri pamwechete naBhanabhasi naPauro, |
|
| 26 |
|
| varume vakaisa upenyu hwavo parumano nokuda kwaTenzi wedu Jesu Kristu. |
|
| 27 |
|
| Naizvozvo tatumira Judhasi naSirasi vachatsinhira pachavo zvimwechetezvo nemiromo yavo. |
|
| 28 |
|
| Zvaonekwa zviri zvinhu zvakanaka kuna Mweya Mutsvene nokunesu, kuti tirege kukuremedzai nezvinopfuura izvi chete zvinodiwa, |
|
| 29 |
|
| zvokuti: imi musiyane nezvinhu zvakabairwa zvifananidzo zvokunamata, murege musiya nenyama isina kusinzwa uye upombwe. Kana mukarega izvi munoita zvakanaka. Musare zvakanaka.” |
|
| 30 |
|
| Naizvozvo pavakanzi vachienda zvavo vakadzika kuAndiyoku. Vakati vaunganidza vanhu vakavagamuchidza tsamba iya. |
|
| 31 |
|
| Pavakaiverenga vakafara nokukurudzirwa ikoko. |
|
| 32 |
|
| Judhasi naSirasi vaiva ivo vaporofita vakakurudzira vehama namazwi akawanda vakavasimbisa. |
|
| 33 |
|
| Pavakaona vapedza nguva yakati kuti vakavaperekedza kuti vaende norugare kune vakanga vavatuma. Kune vakanga vavatuma. |
|
| 34 |
|
| *** |
|
| 35 |
|
| Pauro naBhanabhasi vakasara muAndiyoku vachidzidzisa nokuparidza shoko raTenzi pamwechetewo nevamwe. |
|
| 36 |
|
| Mushure memazuva akati kuti Pauro akati kuna Bhanabhasi, “Uya tidzokere tindoshanyira vehama muguta rimwe nerimwe matakaparidza shoko raTenzi tione kuti vakadii.” |
|
| 37 |
|
| Asi Bhanabhasi aida kuti vaende pamwechete naJohani anonzi Mako. |
|
| 38 |
|
| Asiwo Pauro akanga achifunga kuti zvakanga zvakanaka kurega kuenda nomunhu akanga ambosiyana navo muPamufiria uye munhu akanga asina kuenda navo kubasa iroro. |
|
| 39 |
|
| Pakamuka gakava guru zvokuti vakabva vaparadzana. Bhanabhasi, akatora Mako akaenda nechikepe kuSaipurasi. |
|
| 40 |
|
| Pauro akasarudza Sirasi. Vakaenda vapedza kukumikidzwa nevehama kunyasha dzaTenzi. |
|
| 41 |
|
| Akaenda nokuSiria nokuSirisia achisimbisa masangano. |
|
|
|
|