|
| 1 |
|
| Zvino Aporo achiri paKorinde, Pauro wakati agura namativi enyika okumusoro, akasvika Efeso, akawana vamwe vadzidzi, |
|
| 2 |
|
| akati kwavari, “Makagamuchira Mweya Mutsvene pakutenda kwenyu here?” Vakati kwaari, “Kwete, hatina kutongonzwa kuti Mweya Mutsvene aripo.” |
|
| 3 |
|
| Akati, “Ko makabhabhatidzwa norubhabhatidzo rupiko?” Vakati, “Norubhabhatidzo rwaJohani.” |
|
| 4 |
|
| Zvino Pauro akati, “Johani akabhabhatidzwa norubhabhatidzo rwokutendeuka, achiudza vanhu kuti vatende kuna iye anozouya shure kwake, iye Jesu.” |
|
| 5 |
|
| Vakati vazvinzwa izvozvo, vakabhabhatidzwa muzita raIshe Jesu. |
|
| 6 |
|
| Zvino Pauro akati aisa maoko ake pamusoro pavo, Mweya Mutsvene akauya pamusoro pavo, vakataura nendimi, vakaporofita. |
|
| 7 |
|
| Ivavo vose vaiva varume vanenge gumi navaviri. |
|
| 8 |
|
| Zvino akapinda musinagoge, akataura asingatyi mwedzi mitatu, achitaurirana navo, achivagombedzera namashoko oushe hwaMwari. |
|
| 9 |
|
| Asi vamwe vakati vachiomesa mwoyo, vasingateereri, vachizvidza Nzira iyo pamberi pavazhinji, akabva kwavari, akatsaura vadzidzi, akataurirana navo zuva rimwe nerimwe muchikoro chaTirano. |
|
| 10 |
|
| Izvozvo zvikaitwa makore maviri; nokudaro vose vakanga vagere paEzhia vakanzwa shoko raIshe, vaJudha navaGiriki. |
|
| 11 |
|
| NaMwari akaita masimba anoshamisa namaoko aPauro, |
|
| 12 |
|
| nokudaro micheka nenguo, zvaibva pamuviri wake, zvaiiswa kuvarwere, zvirwere zvikabva kwavari, nemweya yakaipa ikabuda. |
|
| 13 |
|
| Zvino vamwe vaJudha, vauki, vaipota–pota, vakaidza kudana zita raIshe Jesu pamusoro pavaiva nemweya yakaipa, vachiti, “Ndinokupikirai naJesu unoparidzwa naPauro.” |
|
| 14 |
|
| Vaiva vanakomana vanomwe vomumwe muJudha, ainzi Sikeva, Mupristi Mukuru, vaiita izvozvo. |
|
| 15 |
|
| Mweya wakaipa ukapindura, ukati kwavari, “Jesu ndinomuziva, naPauro ndinomuziva, asi imi ndimi vanaaniko?” |
|
| 16 |
|
| Ipapo munhu aiva nomweya wakaipa akavamukira simba, akavakurira vose vari vaviri, akavakunda; nokudaro vakatiza mumba imomo, vasina nguo, vakuvadzwa. |
|
| 17 |
|
| Izvozvo zvikazikanwa navose, vaJudha navaGiriki, vakanga vagere Efeso vakatya vose, zita raIshe rikakudzwa. |
|
| 18 |
|
| Zvino vazhinji vavakanga vatenda vakauya, vakareurura, nokurondedzera zvamabasa avo. |
|
| 19 |
|
| Navamwe vazhinji vaiita zveun'anga, vakaunganidza mabhuku avo, vakadzipisa pamberi pavose; vakaverenga mutengo wadzo, vakawana kuti waiva masirivha ane zviuru zvina makumi mashanu. |
|
| 20 |
|
| Naizvozvo shoko raIshe rikakura nesimba, rikakunda. |
|
| 21 |
|
| Izvozvo zvakati zvapedziswa, Pauro akafunga mumwoyo make kuenda Jerusaremu, kana ambogura napaMasedhonia neAkaa, achiti, “Kana ndamboenda ikoko, ndinofanira kundowana Romawo.” |
|
| 22 |
|
| Zvino akatumira Masedhonia vaviri vavaimushumira, vanaTimoti naErasito, iye amene akagara Ezhia nguva duku. |
|
| 23 |
|
| Zvino nenguva iyo bope guru rikavapo pamusoro peNzira iyo. |
|
| 24 |
|
| Nokuti mumwe, ainzi Dhemetirio, mupfuri wesirivha, waiita zvitemberi zvaDhiyana zvesirivha, waifumisa zvikuru mhizha dzapo. |
|
| 25 |
|
| Akavaunganidza ivo pamwechete navamwe vabati vezvakadaro, akati, “Varume, munoziva kuti nebasa iri tinowana pfuma yedu. |
|
| 26 |
|
| Zvino munoona, nokunzwa, kuti Pauro uyu akatendisa nokutsausa vazhinji, pasati pari paEfeso bedzi, asi panenge paEzhia yose, achiti, zvakaitwa namaoko havazi vamwari. |
|
| 27 |
|
| Zvino njodzi ndiyo kuti hahuzi humhizha hwedu bedzi hungazvidzwa, asi kuti temberi yamwarikadzi mukuru Dhiyana ichashorwa, naiye amene, anonamatwa paEzhia yose nenyika yose, abviswe paukuru hwake.” |
|
| 28 |
|
| Zvino vakati vachinzwa izvozvo, vakafa neshungu kwazvo, vakadanidzira, vachiti, “Dhiana wavaEfeso mukuru!” |
|
| 29 |
|
| Guta rikakanganiswa kwazvo; vakamhanyira nomwoyo mumwe panzvimbo paitambwa, vabata Gayo naArisitakusi, varume veMasedhonia, vaiperekedza Pauro. |
|
| 30 |
|
| Zvino Pauro akada kupinda kuvanhu, vadzidzi vakasamutendera. |
|
| 31 |
|
| Navamwe vakuru veEzhia, vaiva shamwari dzake, vakatuma shoko kwaari, vachikumbira zvikuru kwaari kuti arege kupinda panzvimbo paitambwa. |
|
| 32 |
|
| Zvino vamwe vakadanidzira zvimwe, vamwe zvimwezve; nokuti ungano yakanga yanyonganiswa, vazhinji vasingazivi zvavakaunganira. |
|
| 33 |
|
| Ipapo vakabudisa Arekizanda mukati mavanhu vazhinji, vaJudha vachimusundira mberi; zvino Arekizanda akaninira noruoko, achida kuzvidavirira pamberi pavanhu. |
|
| 34 |
|
| Ipapo vakati vachiona kuti iye muJudha, izwi rimwe rikamuka kuna vose, vakadanidzira nguva dzinenge mbiri, vachiti, “Dhiyana wavaEfeso mukuru!” |
|
| 35 |
|
| Zvino munyori weguta akanyaradza vanhu, akati, “Varume veEfeso, munhu ndoupiko asingazivi, kuti guta ravaEfeso ndiwo muchengeti wetemberi yaDhiyana mukuru nowomufananidzo akaburuka kudenga? |
|
| 36 |
|
| Zvazvisingagoni kurambwa izvozvi, maifanira kunyarara musingaiti chinhu nokusarangarira kwazvo. |
|
| 37 |
|
| Nokuti mauya navarume ava, vasati vari mbavha dzetemberi kana vashori vamwarikadzi wedu. |
|
| 38 |
|
| Zvino kana Dhemetirio nedzimwe mhizha naye vane mhosva nomunhu, misi yokutonga iripo, navatongi varipo; ngavakwirirane havo. |
|
| 39 |
|
| “Asi kana muchitsvaka chimwe chinhu pamusoro pedzimwe mhosva, zvingatemwa paungano yakafanira. |
|
| 40 |
|
| Nokuti njodzi ndiyo kuti tingakwirirwa pamusoro pebope ranhasi, zvakusina mhosva; kana chiri chinhu ichi hatingagoni kupindura pamusoro pemhere–mhere iyi.” |
|
| 41 |
|
| Akati ataura izvozvo, akaendesa ungano. |
|
|
|
|