Shona Bible 2009?
|
| 1 |
| Zvino zuva rePendekosita* rakati razadzisika, vose vakanga vari pamwechete nomoyo mumwe. |
| 2 |
| Pakarepo kukauya kutinhira kubva kudenga sokwemhepo inovhuvhuta nesimba, kukazadza imba yose mavakanga vagere, |
| 3 |
| kukavonekwa kwavari ndimi dzakaparadzaniswa dzinenge dzomoto, ndokumhara pamusoro womumwe nomumwe wavo. |
| 4 |
| Vose vakazadzwa noMweya Mutsvene, vakatanga kutaura nedzimwe ndimi, sokupiwa kwavakaita noMweya kutaura. |
| 5 |
| Zvino pakanga pagere paJerusarema vaJudha, varume vakarurama, vaibva kumarudzi ose avari pasi pedenga. |
| 6 |
| Zvino nokunzwikwa kokutinhira uku, chaunga chaungana pamwechete chakakanganiswa, nokuti mumwe nomumwe wakavanzwa vachitaura norurimi rwake. |
| 7 |
| Vakakatyamara vose vakashamiswa vakataura mumwe kunomumwe vachiti: Tarirai, ava vose vanotaura havazi vaGariri here? |
| 8 |
| Zvino tinonzwa seiko mumwe nomumwe norurimi rwedu, rwatakaberekwa narwo? |
| 9 |
| VaPatia, navaMedia, navaEramu navagari veMesopotamia naveJudhiya, neKapadokia, nePonto, neAsia, |
| 10 |
| neFrigia, nePamfiria, neIjipiti, namativi eRibia, ari pedo neKurini, navaeni veRoma, navaJudha, navakatendeukira kuvaJudha, |
| 11 |
| vaKrete, navaAraAbhiya, tinovanzwa vachitaura nendimi dzedu mabasa anoshamisa aMwari. |
| 12 |
| Vakakatyamara vose, vakakahadzika vachiti mumwe kune mumwe: Izvi zvingava chiiko? |
| 13 |
| Asi vamwe vakasweveredza vachiti: Vaguta waini itsva. |
| 14 |
| Zvino Peturo amire navanegumi nomumwe, akasimudza inzwi rake akati kwavari: Varume imwi maJudha navose vagere Jerusarema, chinhu ichi ngachizikamwe kwamuri, muteerere mashoko angu. |
| 15 |
| nokuti ava havana kudhakwa sezvamunofunga imwi, nokuti inguva yechitatu yezuva, |
| 16 |
| asi ichi ndicho chiya chakarebwa nomuporofita Joweri \add achiti\add*: |
| 17 |
| Zvino zvichaitika mumazuva okupedzisira ndizvo zvinotaura Mwari, ndichadurura zvoMweya wangu pamusoro penyama yose; navanakomana venyu navanasikana venyu vachaporofita; majaya enyu achavona zviratidzo, navatariri venyu vacharota hope. |
| 18 |
| Napamusoro pavaranda vangu napamusoro pavarandakadzi vangu, namazuva iwayo ndichadurura zvomweya wangu; uye vachaporofita. |
| 19 |
| Zvino ndichauyisa zvishamiso kudenga kumusoro, nezviratidzo panyika pasi; ropa, nomoto, nemhute yovutsi. |
| 20 |
| Zuva richashandurwa rive rima, nomwedzi uve ropa, risati rasvika zuva guru raShe rinembiri; |
| 21 |
| zvino zvichaitika \add kuti\add* aninani unodana zita raShe uchaponeswa. |
| 22 |
| Varume vaIsraeri, donzwai mashoko awa; Jesu weNazareta, murume wakapupurirwa naMwari pakati penyu namabasa esimba nezvishamiso, nezviratidzo zvakaitwa naMwari pakati penyu naye, sezvamunoziva imwi mumene, |
| 23 |
| iye, wakakumikidzwa kwamuri nezano nokuziva zviri mberi kwaMwari, imwi makamutora, uye namavoko akaipa mukarovera nokuvuraya; |
| 24 |
| iye Mwari waakamutsa, asunungura marwadzo erufu, nokuti zvakanga zvisingabviri kuti abatwe narwo. |
| 25 |
| Nokuti Dhavhidhi wakataura pamusoro pake: Ndakavona Ishe pamberi pangu nguva dzose; nokuti uri kuruoko rworudyi rwangu, kuti ndirege kuzununguswa. |
| 26 |
| Naizvozvo moyo wangu wakafara, norurimi rwangu rwakafarisisa; uye kunyange, nenyama yangu ichazorora mutariro. |
| 27 |
| Nokuti hamungasiyi mweya wangu mugehena, hamungatenderi Mutsvene wenyu kuti avone kuvora. |
| 28 |
| Makazivisa kwandiri nzira dzovupenyu; Muchandizadza nomufaro pamberi penyu. |
| 29 |
| Varume hama, regai nditaure kwamuri pachena zvateteguru Dhavhidhi, kuti vakafa vakavigwa, bwiro bwavo bwuri pakati pedu kusvikira zuva ranhasi. |
| 30 |
| Zvino zvaari muporofita, achizivavo kuti Mwari wakapika nemhiko kwaari kuti kunomumwe wezvibereko zvechivuno chake munyama, uchasimudza Kristu uchagadza pachigaro chake chovushe. |
| 31 |
| achivona zviri mberi, wakareva pamusoro pokumuka kwaKristu, kuti mweya wake hauna kusiyiwa paHad, nenyama yake haina kuvona kuvora. |
| 32 |
| Uyu Jesu Mwari wakamumutswa, zvatiri zvapupu zvazvo tose. |
| 33 |
| Zvino wakati asimudzirwa kurudyi rwaMwari, agamuchira kunaBaba chipikirwa choMweya Mutsvene, akadurura izvi zvamunovona nezvamunonzwa ikozvino. |
| 34 |
| Nokuti Dhavhidhi haana kukwira kudenga, asi unoti amene: Ishe wakati kunaShe wangu; Gara kurudyi rwangu, |
| 35 |
| kusvikira ndichiita vavengi vako vave chitsiko chetsoka dzako. |
| 36 |
| Zvino imba yose yavaIsraeri ngaizive kwazvo, kuti Mwari wakaita iyeyu Jesu wamakarovera pamuchinjikwa, Ishe naKristu. |
| 37 |
| Zvino vakati vachinzwa \add izvozvo\add*, vakabayiwa pamoyo, vakati kunaPeturo nokunavamwe vapositora: Varume, hama, tichaiteiko? |
| 38 |
| Ipapo Peturo akati kwavari: Tendevukai mubhabhatidzwe, mumwe nomumwe wenyu nezita raJesu Kristu, kuti mukangamwirwe zvivi, zvino muchagamuchira Mweya Mutsvene. |
| 39 |
| Nokuti chipikirwa ndechenyu, nechevana venyu, navose vari kure, uwandu sehwevanozodamwa naShe, Mwari wedu. |
| 40 |
| Namamwe mashoko mazhinji, akapupura kwazvo akavasimudzira, achiti: Muzviponese parudzi urwu rwakakombama. |
| 41 |
| Zvino avo vakagamuchira nomufaro shoko rake, vakabhabhatidzwa; uye nezuva iro vakawedzera mweya inenge zvuru zvitatu. |
| 42 |
| Vakatsungirira pakudzidzisa kwavapositora, napakuyanana, napakumedura chingwa, napaminyengetero. |
| 43 |
| Kutya kukawira mweya woga woga; zvinoshamisa zvizhinji nezviratidzo zvakaitwa navapositora. |
| 44 |
| Navaitenda vose vaiva pamwe chete, vakati zvinhu zvose ndezvavose; |
| 45 |
| vakatengesa fuma yavo nenhumbi, vakagovana navose, mumwe nomumwe paakashaiwa napo. |
| 46 |
| Zuva rimwe nerimwe vakanga vachitsungirira mutembere nomoyo mumwe, vachimedura chingwa imba neimba, vachidya zvokudya zvavo nomufaro nomoyo wakachena, |
| 47 |
| vachirumbidza Mwari, vachidikamwa navanhu vose. Ishe akawedzera kukereke zuva rimwe nerimwe avo vaifanira kuponeswa. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/acts/002.mp3
28
2