Shona Bible 2002
|
| 1 |
| Zvino zuva rePendekositi rakati rasvika, vakanga vakaungana vose pamwechete panzvimbo imwechete. |
| 2 |
| Pakarepo kutinhira sokwemhepo inovhuvhuta nesimba kwakabva kudenga, kukazadza imba yose mavakanga vagere. |
| 3 |
| Vakaonawo marimi achiparadzana, anenge emoto; ndokumhara pamusoro womumwe nomumwe wavo. |
| 4 |
| Vose vakazadzwa naMweya Mutsvene, vakatanga kutaura nedzimwe ndimi, pavakapiwa napo naMweya kureva. |
| 5 |
| Zvino paJerusaremu pakanga pagere vaJudha, varume vakarutama, vaibva kumarudzi ose pasi pedenga. |
| 6 |
| Zvino kutinhira uku kwakati kwanzwika, vanhu vazhinji vakaungana, vakakanganiswa, nokuti mumwe nomumwe akavanzwa, vachitaura norurimi rwake. |
| 7 |
| Vakakatyamara vose, nokushamiswa, vachiti, “Tarirai, ava vose vanotaura havazi vaGariria here? |
| 8 |
| Zvino tinogovanzwa seiko mumwe nomumwe norurimi rwedu, rwatakaberekwa narwo? |
| 9 |
| VaPatiya, navaMedhia, navaEramu, navanogara Mesopotamia, neJudhea, neKapadhokia, nePonto, neAsia, |
| 10 |
| neFirigiya, nePamufiria, neIjipiti, namativi enyika dzeRibhia, dziri pedyo neKurine, navaeni vabva Roma, navaJudha, vanyakupandukira kuchipinda, |
| 11 |
| navaKiriti, navaArabhia, tinovanzwa vachitaura nendimi dzedu mabasa makuru aMwari.” |
| 12 |
| Vakakatyamara vose, vakakanganiswa, ndokutaurirana, vachiti, “Izvi zvinoti kudiniko?” |
| 13 |
| Asi vamwe vakaseka, vachiti, “Vaguta waini itsva.” |
| 14 |
| Zvino Petirosi amire navane gumi nomumwe, akadanidzira, akaparidza kwavari, achiti, “Varume veJudhea, nemi mose mugere Jerusaremu, chinhu ichi ngachizikanwe nemi, muteerere mashoko angu, |
| 15 |
| nokuti ava havana kubatwa, sezvamunofunga imi, zvaichiri nguva yechitanhatu yezuva, |
| 16 |
| asi ichi ndicho chakarchwa nomuporofita Joeri achiti, |
| 17 |
| ‘Mwari anoti, namazuva okupedzisira, Ndichadurura Mweya wangu pamusoro penyama yose; Vanakomana venyu navanasikana venyu vachaporofita; Majaya enyu achaona zviratidzo, Navatana venyu vacharota hope. |
| 18 |
| Napamusoro pavaranda vangu napamusoro pavashandiri vangu, Ndichadurura Mweya wangu namazuva iwayo; vachaporofita. |
| 19 |
| Ndichaita zvinoshamisa kudenga kumusoro, Nezviratidzo pasi pano; Ropa, nomoto, nemhute yohutsi. |
| 20 |
| Zuva richashandurwa rima, Nomwedzi uchashandurwa ropa. Zuva guru raIshe rinobwinya risati rasvika.’ |
| 21 |
| “Zvino kuchaitika kuti ani naani anodana zita raIshe achaponeswa. |
| 22 |
| Varume veIsiraeri, donzwai mashoko awa, Jesu weNazareta, murume akaratidzwa naMwari kwamuri namabasa esimba, nezvishamiso, nezviratidzo zvakaitwa naMwari pakati penyu naye, sezvamunoziva imi mumene; |
| 23 |
| iye, akaiswa kwamuri nomutemo nokuziva zviri mberi kwaMwari, imi makamurovera pamuchinjikwa, mukamuuraya namaoko avanhu vasingateereri murayiro; |
| 24 |
| iye akamutswa naMwari, amusunungura pakurwadziwa kworufu; nokuti zvakanga zvisingabviri kuti abatwe narwo. |
| 25 |
| Nokuti Dhavhidhi akataura pamusoro pake, achiti, ‘Ndakaona Ishe pamberi pangu misi yose, Nokuti ari kurudyi rwangu, kuti ndirege kuzununguswa. |
| 26 |
| Naizvozvo mwoyo wangu wakafara, norurimi rwangu rwakafarisisa; Uyezve, nenyama yangu ichazorora netariro. |
| 27 |
| Nokuti hamungasiyi mweya wangu muHadhesi; Hamungaisi Mutsvene wenyu kuti aone kuora. |
| 28 |
| Makandizivisa nzira dzoupenyu; Muchandizadzisa nomufaro ndichiona chiso chenyu.’ |
| 29 |
| “Varume, hama, ndingakuudzai pachena zvatateguru Dhavhidhi, kuti vakafa, vakavigwa, bwiro hwavo huri pakati pedu kusvikira nhasi. |
| 30 |
| Zvino zvaakanga ari muporofita, achizivawo kuti Mwari akamupikira nemhiko kuti achagadza pachigaro chake choushe mumwe wezvibereko zvechiwuno chake, |
| 31 |
| zvaaiona zviri mberi, akareva pamusoro pokumuka kwaKristu, kuti haana kuora. |
| 32 |
| Uyu Jesu akamutswa naMwari, isu tiri zvapupu zvake tose. |
| 33 |
| “Zvino akati asimudzirwa kurudyi rwaMwari, apiwa naBaba chipikirwa chaMweya Mutsvene, akadurura izvi zvamunoona nezvamunonzwa. |
| 34 |
| Nokuti Dhavhidhi haana kukwira kudenga, asi anoti amene, ‘Ishe akati kuna Ishe wangu, Gara kurudyi rwangu, |
| 35 |
| Kusvikira ndichiita vavengi vako vave chitsiko chetsoka dzako.’ |
| 36 |
| “Zvino imba yose yavaIsiraeri ngaizive kwazvo, kuti uyu Jesu wamakarovera pamuchinjikwa, Mwari akamuita Ishe naKristu.” |
| 37 |
| Zvino vakati vachinzwa izvozvo, vakabayiwa pamwoyo, vakati kuna Petirosi nokuna vamwe vapostori, “Varume, hama, tichaiteiko?” |
| 38 |
| Petirosi akati kwavari, “Tendeukai, mumwe nomumwe wenyu abhabhatidzwe nezita raJesu, kuti muregererwe zvivi, mupiwe chipikirwa choMweya Mutsvene. |
| 39 |
| Nokuti chipikirwa ndechenyu, navana venyu, navose vari kure, vanozodanwa naIshe, Mwari wedu.” |
| 40 |
| Akapupura kwazvo namamwe mashoko mazhinji, akavarayira, achiti, “Muzviponese parudzi urwu rwakakombama.” |
| 41 |
| Zvino avo vakagamuchira shoko rake, vakabhabhatidzwa; nezuva iro vanhu vanenge zviuru zvitatu vakawedzerwa. |
| 42 |
| Vakatsungirira pakudzidzisa kwavapostori, napakuyanana kwavo, napakumedura chingwa, napaminyengetero. |
| 43 |
| Vanhu vose vakabatwa nokutya; zvinoshamisa zvizhinji nezviratidzo zvikaitwa navapostori. |
| 44 |
| Navaitenda vose, vaiva pamwechete, vakati zvinhu zvose ndezvavose; |
| 45 |
| vakatengesa pfuma yavo nenhumbi, vakagovana navose, mumwe nomumwe paakashayiwa napo. |
| 46 |
| Zuva rimwe nerimwe vakanga vachitsungirira mutemberi nomwoyo mumwe, vachimedura chingwa mudzimba dzavo, vachidya zvokudya zvavo nomufaro nomwoyo wakanaka, |
| 47 |
| vachirumbidza Mwari, vachidikanwa navanhu vose. Ishe akawedzera kwavari zuva rimwe nerimwe avo vaiponeswa. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona2002/acts/002.mp3
28
2