|
| 1 |
|
| “Varume hama, nemi madzibaba, teererai kuzvidavirira kwandinoita pamberi penyu.” |
|
| 2 |
|
| Pavakanzwa kuti aitaura kwavari nechiHebheru vakabva vatonyarara zvikuru. Iye akati, |
|
| 3 |
|
| “Ini ndiri muJudha ndakaberekerwa kuTasusi kuSirisia. Asi ndakarerwa muguta rino ndiri mumaoko aGamarieri ndikanyatsodzidziswa kuchengeta nemazvo chaimo mutemo wamadzibaba edu ndiine shungu naMwari sezvamakangoitawo imi nhasi uno. |
|
| 4 |
|
| Ndakatambudza venzira iyi kusvika parufu ndichisunga ndichiuisa mujeri varume nevakadzi zvingatopupurirwawo |
|
| 5 |
|
| nomupristi mukuru nedare ravakuru vakuru. Ndakatopihwa matsamba navo kune vehama. Ndaienda kuDhamasikusi kuti ndinotora vakanga variko ndichivauisa vakasungwa kuJerusaremu kuti vazorangwa. |
|
| 6 |
|
| “Pandakanga ndiri parwendo rwangu, ndavakusvika kuDhamasikusi, kumasikati — sikati, chiedza chikuru chakabva kudenga chikandipoteredza nokupenya kwacho. |
|
| 7 |
|
| Ndakawira pasi ndikanzwa izwi richiti kwandiri, ‘Sauro Sauro uri kunditambudzireiko.’ |
|
| 8 |
|
| Ini ndakapindura ndichiti, ‘Ndimi aniko Tenzi?’ Iye akati kwandiri, ‘Ndini Jesu weNazareti wauri kutambudza.’ |
|
| 9 |
|
| Zvino avo vakanga vaneni vakaona chiedza asi havana kunzwa izwi rewakanga achitaura kwandiri. |
|
| 10 |
|
| Ndakati, ‘Ko ndoiteko Tenzi?’ Tenzi akati kwandiri, ‘Chisimuka uende muDhamasikusi. Imomo uchataurirwa zvose zvawakarongerwa kuti uite.’ |
|
| 11 |
|
| Sezvandakanga ndisisaone pamusana pokupenya hwechiedza chiya, ndakatoita zvokubatwa ruoko ndichitungamirirwa navandaiva navo ndikapinda muDhamasikusi. |
|
| 12 |
|
| “Mumwe munhu anonzi Ananiya, munamati chaiye waMwari maererano nomutemo, aitaurwa zvakanaka nezvake navaJudha vose vaigara ikoko. |
|
| 13 |
|
| Akauya kwandiri akasvikomira pandiri akanditi, ‘Hama Sauro chikwanisa kuonazve.’ ” Ndakabva ndava kuona, ndikamuonawo. |
|
| 14 |
|
| Iye akati, “Mwari wamadzibaba edu akakusarudza kuti uzive zvaanoda, uye kuti uone Mururami uyewo kuti unzwe izwi rinobva mumuromo make |
|
| 15 |
|
| nokuti uchava chapupu chake kuvanhu vose uchipupurira zvawaona nezvawanzwa. |
|
| 16 |
|
| Pane chaungamirire here?” Chisimuka uombekwe ushambidzwe zvitadzo uchidaidza zita rake. |
|
| 17 |
|
| “Pandakadzokera kuJerusaremu, pandainamata muTemberi |
|
| 18 |
|
| ndava muMweya, ndakaona Tenzi achiti kwandiri, ‘Kurumidza ubude muJerusaremu nokukasika nokuti havasikuzogamuchira umboo hwako nezvangu.’ ” |
|
| 19 |
|
| Ini ndakati, “Tenzi ivo pachavo vanoziva kuti musinagogu yoga yoga ndaiisa vanhu mujeri ndichirova vaitenda mamuri. |
|
| 20 |
|
| Ropa raSitefani chapupu chenyu parakadeurwa ndakanga ndimire pedyo ndichitowirirana nazvo uye ndichitochengeta hanzu dzevakanga vachimuuraya.” |
|
| 21 |
|
| Iye akanditi, “Chibva nokuti ndichakutumira kure kure kune vechirudzi.” |
|
| 22 |
|
| Kusvikira ipapa vakamuteerera vakazodaidzira vachiti, “Panyika pano, pasi nomunhu wakadai, nokuti haafaniri kurarama.” |
|
| 23 |
|
| Pavaidaidzira vachivheyesa hanzu dzavo vachitibura huruva, |
|
| 24 |
|
| mukuru mukuru wamasoja akati ngaauiswe munzvimbo inogara masoja vamurove kwazvo kuti vaongorore vaone chikonzero chokuti vaJudha vazhambe kwaari zvakadaro. |
|
| 25 |
|
| Pavakanga vamusunga netambo, Pauro akati kumutungamiri wezana ramasoja akanga amire pedyo, “Zviri pamutemo here kuti imi murove munhu muRoma musina kumubata nemhosva.” |
|
| 26 |
|
| Mutungamiri wezana paakazvinzwa akaenda kumukuru mukuru wamasoja uya akati kwaari, “Ko chii chamuri kuda kuita ichi. Munhu uyu muRoma.” |
|
| 27 |
|
| Ipapo mukuru mukuru wamasoja akauya akati kwaari, “Ndiudze, uri muRoma here?” Iye akati, “Hongu.” |
|
| 28 |
|
| Mukuru mukuru wamasoja akati, “Ndakatenga uRoma ihwohwo nemari yakawanda kwazvo.” Pauro akati, “Asi ini ndakaberekwa ndiine uRoma ihwohwo.” |
|
| 29 |
|
| Nokudaro vaya vakanga vachida kumuongorora vakabva paari pakarepo. Naiyewo mukuru mukuru wamasoja akanga avakutotyawo nokuti akanga azviziva kuti Pauro akanga ari muRoma uye kuti akanga amusunga kwazvo. |
|
| 30 |
|
| Mangwana acho mukuru mukuru wamasoja zvaaida kuziva chikonzero chaicho vaJudha chavaimupira mhosva akamusunungura akati, vapristi namakurukota ose edare aungane ndokuenda naPauro ondomuisa pamberi pavo. |
|
|
|
|