|
| 1 |
|
| Mazuva mashanu akati apfuura, Ananiasi muprista mukuru akaburuka kuKesarea navamwe vakuru nerimwe gweta rainzi Teturo, vakataura mhosva dzavo pamusoro paPauro pamberi pomubati. |
|
| 2 |
|
| Pauro akati adaidzwa kuti apinde, Teturo akasvitsa nyaya yake kuna Ferikisi achiti, “Isu takafadzwa nenguva refu yorugare pasi poutongi hwenyu, uye kuchenjera kwenyu kwakashandura rudzi urwu. |
|
| 3 |
|
| Changamire Ferikisi, izvi tinozvigamuchira nomufaro mukuru uye nemitowo yose kwose kwose. |
|
| 4 |
|
| Asi kuti tisakunetsaizve, ndinokumbira hangu kuti mutinzwire ngoni mungotinzwa henyu kwenguva duku. |
|
| 5 |
|
| “Takaona kuti murume uyu akaipa, anomutsa bope pakati pavaJudha munyika yose. Ndiye mutungamiri weboka ravaNazareta |
|
| 6 |
|
| uye akaedza kunyange kushatisa temberi; ndokusaka takamubata. |
|
| 7 |
|
| Asi Risiasi mukuru wavarwi akauya akamutakanura mumaoko edu nechisimba. |
|
| 8 |
|
| Mukamubvunzisisa imi pachenyu muchakwanisa kuziva chokwadi chemhosva dzatiri kumupomera.” |
|
| 9 |
|
| VaJudha vakabvumirana nezvaakanga achipomerwa, vachisimbisa kuti zvinhu izvi zvaiva zvechokwadi. |
|
| 10 |
|
| Mubati akati amuninira kuti ataure, Pauro akapindura, akati, “Ndinoziva kuti manga muri mutongi worudzi urwu kwamakore mazhinji; saka ndinofara kuti ndizvidavirire. |
|
| 11 |
|
| Imi munogona kuziva nyore nyore kuti mazuva gumi namaviri haasati atombopera kubva pandakaenda kundonamata kuJerusarema. |
|
| 12 |
|
| Vapomeri vangu havana kundiwana ndichiita nharo naani zvake mutemberi, kana kumutsa bope musinagoge kana papi zvapo muguta. |
|
| 13 |
|
| Uye havagoni kukubudisirai chokwadi chemhosva yavanondikwirira. |
|
| 14 |
|
| Zvisinei hazvo, ndinobvuma kuti ndinonamata Mwari wamadzibaba edu somuteveri weNzira, yavanoti yakatsauka. Ini ndinotenda zvinhu zvose zvinobvumirana nomutemo uye nezvakanyorwa muvaprofita, |
|
| 15 |
|
| uye ndine tariro imwe cheteyo muna Mwari savarume ava, kuti kuchava nokumuka kwavakafa vose zvavo vakarurama navakaipa. |
|
| 16 |
|
| Saka ndinoshingairira nguva dzose kuti hana yangu ive yakachena pamberi paMwari navanhu. |
|
| 17 |
|
| “Shure kwamakore mazhinji ndisipo, ndakauya kuJerusarema kuti ndizopa vanhu vokwangu zvipo zvavarombo uye kuti ndizopa zvipiriso zvangu. |
|
| 18 |
|
| Ndakanga ndakazvinatsa pavakandiwana ndiri mutemberi ndichiita izvi. Pakanga pasina vanhu vazhinji vaiva neni, uye handina kumboita nyonganyonga. |
|
| 19 |
|
| Asi pana vaJudha vanobva kuEzhia, vaifanira kunge vari pano pamberi penyu ndivo vaifanira kundipa mhosva kana vainge vane mhosva ipi zvayo neni. |
|
| 20 |
|
| Kana ivava vari pano vanofanira kutaura mhaka yavakawana mandiri pandakamira pamberi peDare Guru ravaJudha, |
|
| 21 |
|
| kunze kwechinhu chimwe chete ichi chandakadanidzira ndimire pamberi pavo ndichiti, ‘Ndiri kutongwa maererano nokumuka kwavakafa; ndizvo zvaita kuti ndive pamberi penyu nhasi.’ ” |
|
| 22 |
|
| Ipapo Ferikisi uyo akanga achizivisisa nezveNzira iyo, akambomisa dare. Akati, “Kana Risiasi mukuru wavarwi auya, ndichatonga mhosva yenyu.” |
|
| 23 |
|
| Akarayira mukuru wezana kuti Pauro achengetwe navarindi asi asununguke uye shamwari dzake dzibvumirwe kuti dzimuvigire zvaanoda. |
|
| 24 |
|
| Mushure mamazuva mazhinji, Ferikisi akauya nomukadzi wake Dhurusira, uyo akanga ari muJudha. Akadana Pauro kuti auye vagozomunzwa sezvo aitaura pamusoro pezvokutenda muna Kristu Jesu. |
|
| 25 |
|
| Pauro paakanga achidzidzisa pamusoro pokururama, kuzvidzora, nokutongwa kuchauya, Ferikisi akatya akati, “Zvakwana kwazvino! Ungaenda hako. Ndikange ndawana mukana, ndichazokudana.” |
|
| 26 |
|
| Panguva yacho iyoyo aifunga kuti Pauro achamupa fufuro, saka aidana Pauro nguva nenguva achitaura naye. |
|
| 27 |
|
| Makore maviri akati apfuura, Poshiasi Fesitasi akatora nzvimbo yaFerikisi, asi nokuda kwokuti Ferikisi aida kufadza vaJudha, akasiya Pauro ari mutorongo. |
|
|
|
|