Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Kwakati kwapera mazuva matatu mushure mokusvika kwake munyika iyo, Fesitasi akakwira kubva kuKesaria akaenda kuJerusarema, |
| 2 |
| vaprista vakuru navakuru vavaJudha vakamira pamberi pake vakapira mhosva yaPauro kwaari. |
| 3 |
| Vakakumbira zvikuru kuna Fesitasi, sechinhu chinofadza kwavari, kuti Pauro aendeswe kuJerusarema, nokuti vakanga vachigadzirira kumuvandira kuti vagomuuraya munzira imomo. |
| 4 |
| Fesitasi akapindura akati, “Pauro akachengetwa paKesaria, uye ini pachangu ndichaendako nokukurumidza. |
| 5 |
| Vamwe vavakuru venyu ngavaende neni vagondokwirira munhu uyu ikoko, kana akaita chinhu chipi zvacho chakaipa.” |
| 6 |
| Akati apedza mazuva masere kana gumi navo, akaburuka akaenda kuKesaria, uye zuva rakatevera akaunganidza vedare akarayira kuti Pauro auyiswe pamberi pake. |
| 7 |
| Pauro akati asvika, vaJudha vakanga vabva kuJerusarema vakamira vakamukomberedza, vachimupomera mhosva dzakaipisisa, dzavakanga vasingakwanisi kusimbisa. |
| 8 |
| Ipapo Pauro akazvidavirira achiti, “Ini handina kuita chinhu chakaipa pamusoro pomurayiro wavaJudha kana temberi kana Kesari.” |
| 9 |
| Fesitasi achida kufadza vaJudha, akati kuna Pauro, “Unoda here kuenda kuJerusarema kuti undomira pamberi pangu uchitongwa neni ikoko pamusoro pemhosva dzaunopomerwa idzi?” |
| 10 |
| Pauro akapindura akati, “Iye zvino ndimire pamberi pedare raKesari, munova ndimo mandinofanira kutongwa. Handina kuita chinhu chakaipa kuvaJudha, sezvamunonyatsoziva imi pachenyu. |
| 11 |
| Kunyange zvakadaro hazvo, kana ndine mhosva yokuita chinhu chipi zvacho chinokodzera rufu, handingarambi kufa. Asi kana mhosva dzandinopomerwa navaJudha dzisina chokwadi, hakuna munhu ane mvumo yokundiisa kwavari. Ndinozviisa kuna Kesari!” |
| 12 |
| Shure kwokunge Fesitasi ataurirana namakurukota ake, akati, “Wazviisa kuna Kesari. Kuna Kesari uchaenda!” |
| 13 |
| Shure kwamazuva mashoma, Mambo Agiripa naBhenisi vakasvika paKesaria kuti vandopa ruremekedzo rwavo kuna Fesitasi. |
| 14 |
| Sezvo vakanga vachipedza mazuva mazhinji ikoko, Fesitasi akakurukura nyaya yaPauro namambo. Akati, “Pane murume ari pano akasiyiwa ari musungwa naFerikisi. |
| 15 |
| Pandakaenda kuJerusarema, vaprista vakuru navakuru vavaJudha vakauya vachimupomera mhosva vakakumbira kuti atongwe. |
| 16 |
| “Ndakavaudza kuti haisi tsika yavaRoma, yokuendesa munhu upi zvake asati asangana navapomeri vake, uye apiwa mukana wokuzvidavirira pamusoro pemhosva yavanomupomera. |
| 17 |
| Pavakauya pano neni, handina kunonotsa nyaya iyi, asi ndakadana dare pazuva rakatevera ndikarayira kuti munhu uyu apinzwe mudare. |
| 18 |
| Vaimupomera vakati vasimuka kuti vataure, havana kumupomera mhosva ipi zvayo yandaitarisira. |
| 19 |
| Asi, vaingova namashoko okukakavadzana naye pamusoro pechitendero chavo uye napamusoro pomurume akafa anonzi Jesu, uyo anonzi naPauro mupenyu. |
| 20 |
| Ndakashaya ruzivo rwokuferefeta nyaya dzakadai; saka ndakabvunza kana aida hake kuenda kuJerusarema kuti andotongwa ikoko pamusoro pemhosva idzi. |
| 21 |
| Pauro akati azvisarudzira kuti achengetwe kuti azotongwa pamberi paMambo Kesari, ndakarayira kuti achengetwe kusvikira ndazomutumira kuna Kesari.” |
| 22 |
| Ipapo Agiripa akati kuna Fesitasi, “Ndingada kunzwa munhu uyu pachangu.” Akapindura akati, “Muchamunzwa mangwana.” |
| 23 |
| Zuva rakatevera, Agiripa naBhenisi vakauya nokukudzwa kukuru vakapinda mumba maitambirwa mhaka vane machinda ezvigaro zvapamusoro uye navarume vaitungamirira guta. Varayirwa naFesitasi, Pauro akapinzwa mukati. |
| 24 |
| Fesitasi akati, “Mambo Agiripa nemi mose muri pano nesu, muri kuona munhu uyu! Ungano yose yavaJudha yakandikumbira pamusoro pake muJerusarema uye nomuno muKesaria, vachidanidzira vachiti haafaniri kutongoramba ari mupenyu. |
| 25 |
| Ini ndakawana asina kuita chinhu chingafanira rufu, asi nokuda kwokuti akazviisa kuna Kesari, ndakafunga kumutumira kuRoma. |
| 26 |
| Asi handina chinhu chandinganyatsorondedzera chokuti ndinyorere kuna Changamire pamusoro pake. Naizvozvo ndamuuyisa pamberi penyu iyemi mose, kunyanya pamberi penyu, Mambo Agiripa, kuitira kuti zvichabuda pakuferefeta uku zvigondiwanisa zvokunyora. |
| 27 |
| Nokuti ndinofunga kuti hazvina ungwaru kutumira musungwa pasina rondedzero chaiyo yemhosva yake.” |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/acts/025.mp3
28
25