|
| 1 |
|
| Ipapo Agiripa akati kuna Pauro, “Unotenderwa kuzvidavirira.” Saka Pauro akaninira noruoko rwake akatanga kuzvidavirira achiti, |
|
| 2 |
|
| “Mambo Agiripa, ndinoona kuti ndine rombo rakanaka kuti ndimire pamberi penyu nhasi ndichizvidavirira pamusoro pezvose zvandinopomerwa navaJudha, |
|
| 3 |
|
| uye zvikuru nokuti imi munonyatsoziva tsika dzavaJudha uye namakakatanwa avo. Naizvozvo ndinokukumbirai kuti munditeerere nomwoyo murefu chaizvo. |
|
| 4 |
|
| “VaJudha vose zvavo vanoziva nzira yandakararama nayo kubvira pandakanga ndiri mwana, kubva pakutanga kwoupenyu hwangu munyika yokwangu, nomuJerusaremawo. |
|
| 5 |
|
| Vakandiziva kwenguva refu uye vanogona kupupura, kana vachida zvavo, kuti maererano nedzidziso yakasimba yechitendero chedu, ndakagara ini ndiri muFarisi. |
|
| 6 |
|
| Uye zvino ndiri kutongwa pano nhasi nokuda kwetariro yangu mune zvakavimbiswa madzibaba edu naMwari. |
|
| 7 |
|
| Iyi ndiyo vimbiso yakamirirwa namarudzi edu gumi namaviri kuti isvike sezvavanoshumira Mwari kwazvo masikati nousiku. Imi mambo, vaJudha vari kundipa mhosva nokuda kwetariro iyi. |
|
| 8 |
|
| Seiko zvisingatendeseki pakati penyu kuti Mwari anomutsa vakafa? |
|
| 9 |
|
| “Neniwo ndakanga ndichigutsikana ndichitoti ndinofanira kuita zvose zvandaigona kuti ndipikise zita raJesu weNazareta. |
|
| 10 |
|
| Uye ndizvo chaizvo zvandakaita muJerusarema. Nemvumo yandakanga ndapiwa navaprista vakuru, ndakaisa vazhinji vavatsvene mutorongo, uye pavainge vachiurayiwa, ndaitenderana nazvo. |
|
| 11 |
|
| Nguva zhinji ndaibva kune rimwe sinagoge ndichienda kune rimwe ndichiita kuti varangwe, uye ndakaedza kuvamanikidza kuti vamhure Mwari. Noruvengo rwandaiva narwo pamusoro pavo, ndakaenda kunyange kuna mamwe maguta avatorwa kundovatambudza. |
|
| 12 |
|
| “Pane imwe yenzendo idzi ndakanga ndichienda kuDhamasiko ndine mvumo uye ndatumwa navaprista vakuru. |
|
| 13 |
|
| Nenguva dzinenge dzamasikati, mambo, ndiri mumugwagwa, ndakaona chiedza chakabva kudenga, chaipenya kupfuura zuva, chikavaima chakandipoteredza ini navandaiva navo. |
|
| 14 |
|
| Tose takawira pasi, uye ndakanzwa inzwi richiti kwandiri norurumi rwechiHebheru, ‘Sauro, Sauro, unonditambudzireiko? Zvakakuomera iwe kuti ukave zvibayiso.’ |
|
| 15 |
|
| “Ipapo ndakati, ‘Ndimi aniko, Ishe?’ “Ishe akapindura akati, ‘Ndini Jesu waunotambudza. |
|
| 16 |
|
| Zvino chisimuka umire netsoka dzako. Ndazviratidza kwauri kuti ndikugadze somuranda uye sechapupu chezvawaona kwandiri uye nezvandichakuratidza. |
|
| 17 |
|
| Ndichakununura kubva kuvanhu vokwako uye kubva kuvaHedheni. Ndiri kukutuma kwavari |
|
| 18 |
|
| kuti usvinudze meso avo nokuvadzora kubva kurima kuti vauye kuchiedza, nokubva musimba raSatani kuti vauye kuna Mwari, kuti vagamuchire kanganwiro yezvivi uye vawane nzvimbo pakati paavo vakaitwa vatsvene nokutenda kwandiri.’ |
|
| 19 |
|
| “Saka ipapo, Mambo Agiripa, handina kuramba kuteerera kuchiratidzo chakabva kudenga. |
|
| 20 |
|
| Ndakatanga kuparidza kuna avo vaiva muDhamasiko, nokuna avo vaiva muJerusarema nomuJudhea yose, uye nokuvaHedheniwo kuti vatendeuke vadzokere kuna Mwari vagoratidza kutendeuka kwavo namabasa avo. |
|
| 21 |
|
| Ndizvo zvakaita kuti vaJudha vandibate mutemberi uye vaedze kundiuraya. |
|
| 22 |
|
| Asi ndakabatsirwa naMwari kusvikira nhasi uno, uye ndimire pano kuti ndipupure kuvaduku nokuvakuru zvimwe chetezvo. Handina kutaura zvinopfuura zvakataurwa navaprofita uye naMozisi kuti zvichaitika, |
|
| 23 |
|
| kuti Kristu achatambudzika, uye, saiye wokutanga kumuka kuvakafa achaparidza chiedza kuvanhu vake uye nokuvaHedheni.” |
|
| 24 |
|
| Ipapo Fesitasi akati kuna Pauro nenzwi guru, “Pauro, wava kupenga! Kudzidza kwako kukuru kwava kukupengesa.” |
|
| 25 |
|
| Pauro akapindura akati, “Handisi kupenga, changamire Fesitasi. Zvandiri kutaura ichokwadi uye zvinotendeka. |
|
| 26 |
|
| Mambo vanoziva zvinhu izvi, uye ndinogona kutaura ndakasununguka kwavari. Ndinogutsikana kuti hapana chimwe chezvinhu izvi chichavapunyuka, nokuti hazvina kuitwa pakavanda. |
|
| 27 |
|
| Mambo Agiripa munotenda vaprofita here? Ndinoziva kuti munotenda.” |
|
| 28 |
|
| Ipapo Agiripa akati kuna Pauro, “Unenge unoda kundiita muKristu nenguva duku.” |
|
| 29 |
|
| Pauro akapindura akati, “Nguva pfupi kana refu, ndinonyengetera kuna Mwari kuti murege kuva imi bedzi asi vose ava vakateerera kwandiri nhasi kuti vave seni, kunze kwengetani idzi chete.” |
|
| 30 |
|
| Mambo akasimuka, pamwe chete nomubati naBhenisi uye navose vaakanga agere navo. |
|
| 31 |
|
| Vakabuda mumba, uye pavaitaurirana, vakati, “Munhu uyu haasi kuita chinhu chinofanira rufu kana kupfigirwa mutorongo.” |
|
| 32 |
|
| Agiripa akati kuna Fesitasi, “Munhu uyu angadai asunungurwa dai akanga asina kuzviisa kuna Kesari.” |
|
|
|
|