Shona Bible 2002
|
| 1 |
| Zvino Petirosi naJohani vakakwira kutemberi nenguva yokunyengetera yepfumbamwe. |
| 2 |
| Zvino mumwe murume, chirema kubva padumbu ramai vake, akanga achitakurwa; vaimuisa zuva rimwe nerimwe pasuo wetemberi, wainzi Wakanaka, kuti akumbire zvipo kuna vaipinda mutemberi. |
| 3 |
| Iye akati achiona Petirosi naJohani voda kupinda mutemberi, akakumbira kuti apiwe chipo. |
| 4 |
| Zvino Petirosi akamutarisisa, naJohaniwo, akati, “Titarire.” |
| 5 |
| Akavatarira, achiti ndichapiwa chinhu navo. |
| 6 |
| Asi Petirosi akati, “Sirivha nendarama handina; asi chandinacho ndinokupai. Nezita raJesu weNazareta, chifamba.” |
| 7 |
| Akamubata ruoko rworudyi, akamusimudza; pakarepo tsoka dzake nezviziso zvetsoka dzake zvakasimba. |
| 8 |
| Akakwakuka, akamira, ndokufamba; ndokupinda navo mutemberi, akafamba achipembera, achirumbidza Mwari. |
| 9 |
| Vanhu vose vakamuona achifamba, achirumbidza Mwari. |
| 10 |
| Vakamuziva, kuti ndiye aigarira zvipo pamusuo Wakanaka wetemberi; vakakatyamara zvikuru nokushamiswa nezvaakaitirwa. |
| 11 |
| Zvino akati achakabata Petirosi naJohani, vanhu vose vakamhanyira kwavari pabiravira, rainzi raSoromoni, vakashamiswa kwazvo. |
| 12 |
| Zvino Petirosi akati achiona izvozvo, akapindura vanhu, akati, “Varume vaIsiraeri, mashamiswa neiko pamusoro pouyu? Munotitarisisa neiko, setinenge tamufambisa nesimba redu, kana nokunamata kwedu Mwari? |
| 13 |
| Mwari waAbhurahamu, nowaIsaka, nowaJakobho, Mwari wamadzibaba edu, ndiye akakudza Muranda wake Jesu, amakaisa kuvatongi mukaramba pamberi paPirato, iye atonga kuti asunungurwe. |
| 14 |
| Asi imi makaramba uyo Mutsvene, akarurama, mukakumbira kuti mupiwe muurayi; |
| 15 |
| mukauraya Muvambi woupenyu; iye akamutswa naMwari kuvakafa; iye, watiri zvapupu zvake isu. |
| 16 |
| Nokutenda kuzita rake, zita rake rakasimbisa munhu uyu wamunoona, nowamunoziva; uye, kutenda kunobva kwaari, ndiko kwakamuporesa zvakanaka kudai pamberi penyu mose. |
| 17 |
| “Asi zvino, hama dzangu, ndinoziva kuti makazviita nokusaziva, savabati venyuwo; |
| 18 |
| asi saizvozvo Mwari akapedzisa zvaakamboreva nomuromo wavaporofita vose, kuti Kristu wake achazotambudzika. |
| 19 |
| Naizvozvo tendeukai, mudzoke, kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti nguva dzokusimbiswa dzinobva kuna Ishe, dzisvike; |
| 20 |
| atume Kristu, iye Jesu, akagadzwa kare nokuda kwenyu; |
| 21 |
| iye anofanira kugamuchirwa kudenga kusvikira nguva yokugadzirwa kwezvinhu zvose, yakarehwa naMwari nomuromo wavaporofita vake vatsvene kubva pakutanga. |
| 22 |
| Nokuti Mosesi akati, ‘Ishe, Mwari wenyu, achakumutsirai Muporofita pakati pehama dzenyu, akafanana neni; muchamuteerera panazvose, zvaanotaura kwamuri. |
| 23 |
| Zvino mumwe nomumwe kana asingateereri Muporofita uyo, achaparadzwa kwazvo pakati pavanhu.’ |
| 24 |
| Navaporofita vose kubva kuna Samueri, navakamutevera, naivo vose vakataura nokuparidza zvamazuva ano. |
| 25 |
| Imi muri vana vavaporofita, navesungano, yakaitwa naMwari namadzibaba enyu, achiti kuna Abhurahamu, ‘Marudzi ose enyika acharopafadzwa muvana vako.’ |
| 26 |
| Mwari akatanga kukumutsirai imi Muranda wake, akamutuma kukuropafadzai, achidzora mumwe nomumwe wenyu pazvakaipa zvenyu.” |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona2002/acts/003.mp3
28
3