|
| 1 |
|
| Rimwe zuva Petro naJohani vakanga vachikwira kuenda kutemberi nenguva yokunyengetera, panguva yechitatu yamasikati. |
|
| 2 |
|
| Zvino mumwe murume akanga aberekwa ari chirema, aitakurwa achiendeswa pasuo retemberi rainzi Rakanaka, uye aiiswa ipapo mazuva ose kuti apemhe kuna avo vaipinda mutemberi. |
|
| 3 |
|
| Akati aona Petro naJohani voda kupinda, akavakumbira mari. |
|
| 4 |
|
| Petro akamutarisisa, Johani akadarowo. Ipapo Petro akati kwaari, “Titarise!” |
|
| 5 |
|
| Saka murume akavatarira, achifunga kuti achapiwa chinhu navo. |
|
| 6 |
|
| Ipapo Petro akati, “Sirivha negoridhe handina, asi chandinacho ndinokupa. Muzita raJesu Kristu weNazareta, simuka ufambe.” |
|
| 7 |
|
| Akamubata noruoko rworudyi, akamubatsira kuti asimuke, pakarepo tsoka dzomurume uyu nezviziso zvetsoka dzake zvikasimba. |
|
| 8 |
|
| Akakwakuka, akamira, uye akatanga kufamba. Ipapo akapinda navo mutemberi, achifamba uye achisvetukasvetuka, achirumbidza Mwari. |
|
| 9 |
|
| Vanhu vose vakati vachimuona achifamba achirumbidza Mwari, |
|
| 10 |
|
| vakamuziva kuti ndiye murume uya aisigara achipemha ari pasuo retemberi rainzi Rakanaka, uye vakakatyamara vakashamiswa kwazvo nezvakanga zvaitika kwaari. |
|
| 11 |
|
| Mupemhi akati achakabatirira pana Petro naJohani, vanhu vose vakashamiswa vakauya kwavari vachimhanya kunzvimbo yainzi Biravira raSoromoni. |
|
| 12 |
|
| Petro akati aona izvi, akati kwavari, “Imi vaIsraeri, seiko izvi zvichikushamisai? Munotarisireiko kwatiri sokunge taita kuti murume uyu afambe nokuda kwesimba redu kana nokuda kwokururama kwedu? |
|
| 13 |
|
| Mwari waAbhurahama, Isaka naJakobho, Mwari wamadzibaba edu, akudza muranda wake Jesu. Makamuendesa kundourayiwa, uye imi makamuramba pamberi paPirato, kunyange akanga afunga kumuregedza hake. |
|
| 14 |
|
| Makaramba iye Mutsvene naiye Akarurama Oga uye mukakumbira kuti mhondi isunungurwe. |
|
| 15 |
|
| Makauraya muvambi woupenyu, asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa. Isu tiri zvapupu zvezvinhu izvi. |
|
| 16 |
|
| Nokutenda muzita raJesu, munhu uyu wamunoona uye wamunoziva, asimbiswa. Izita raJesu uye nokutenda kunouya kubudikidza naye kwauyisa kuporeswa uku kwaari, sezvamunoona imi mose. |
|
| 17 |
|
| “Zvino, hama dzangu, ndinoziva kuti makaita nokusaziva sezvakangoitawo vatungamiri venyu. |
|
| 18 |
|
| Asi ndiwo mazadzisiro akaita Mwari zvaakataura kare kubudikidza navaprofita vose, achitaura kuti Kristu wake aizotambudzika. |
|
| 19 |
|
| Tendeukai zvino, uye mudzokere kuna Mwari, kuitira kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti nguva dzokuvandudzwa dzinobva kuna She dzisvike |
|
| 20 |
|
| uye kuti atume Kristu, iye akagadzwa nokuda kwenyu iye Jesu. |
|
| 21 |
|
| Anofanira kumboramba ari kudenga kusvikira nguva yokuti Mwari avandudze zvinhu zvose yasvika, sezvaakavimbisa kare kare kubudikidza navaprofita vake vatsvene. |
|
| 22 |
|
| Nokuti Mozisi akati, ‘Ishe Mwari wenyu achakumutsirai muprofita akafanana neni kubva pakati pavanhu venyu chaivo; munofanira kuteerera zvose zvaanokuudzai. |
|
| 23 |
|
| Ani naani zvake asingamuteereri achaparadzwa kwazvo pakati pavanhu vokwake.’ |
|
| 24 |
|
| “Zvirokwazvo, vaprofita vose kubva kuna Samueri zvichienda mberi, vazhinji vavo vakataura, vakaprofita nezvamazuva ano. |
|
| 25 |
|
| Imi muri vadyi venhaka yavaprofita neyesungano yakaitwa naMwari namadzibaba enyu. Akati kuna Abhurahama, ‘Marudzi ose apanyika acharopafadzwa kubudikidza navana vako.’ |
|
| 26 |
|
| Mwari akati amutsa muranda wake, akatanga kumutuma kwamuri kuti akuropafadzei nokukutendeutsai mumwe nomumwe wenyu kubva panzira dzenyu dzakaipa.” |
|
|
|
|