|
| 1 |
|
| Vaprista nomukuru wavarindi vetemberi navaSadhusi vakauya kuna Petro naJohani pavakanga vachiri kutaura navanhu. |
|
| 2 |
|
| Vakakanganisika zvikuru nokuti vapostori vakanga vachidzidzisa vanhu uye vachiparidza kumuka kwavakafa muna Jesu. |
|
| 3 |
|
| Vakabata Petro naJohani, uye nokuda kwokuti aiva manheru, vakavaisa mujeri kusvikira zuva raitevera. |
|
| 4 |
|
| Asi vazhinji vakanzwa shoko vakatenda, uye varume vakasvika zviuru zvinenge zvishanu pauwandu. |
|
| 5 |
|
| Fume mangwana, vabati, vakuru navadzidzisi vomurayiro vakasangana muJerusarema. |
|
| 6 |
|
| Anasi muprista mukuru aivapo, uye Kayafasi Johani, Arekizanda navamwe varume vemhuri yomuprista mukuru vaivapowo. |
|
| 7 |
|
| Vakaita kuti Petro naJohani vauyiswe pamberi pavo vakatanga kuvabvunza vachiti, “Makaita izvi nesimba raani kana kuti nezita raani?” |
|
| 8 |
|
| Ipapo Petro azere noMweya Mutsvene, akati kwavari, “Imi vabati nemi vakuru vavanhu, |
|
| 9 |
|
| kana tadanwa nhasi nokuda kwebasa rakanaka rakaitwa kuchirema uye tichibvunzwa kuti akaporeswa sei, |
|
| 10 |
|
| zvino muzive izvi, imi navanhu vose veIsraeri kuti: Zvakaitwa nezita raJesu Kristu weNazareta, iye wamakaroverera pamuchinjikwa asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, ndiye aita kuti murume uyu amire pamberi penyu apora kudai. |
|
| 11 |
|
| Ndiye “ ‘ibwe ramakaramba imi vavaki, rakazova musoro wekona.’ |
|
| 12 |
|
| Ruponeso haruwanikwi kuna ani zvake, nokuti hakuna rimwe zita pasi pedenga rakapiwa kuvanhu ratingaponeswa naro.” |
|
| 13 |
|
| Vakati vachiona kusatya kwaPetro naJohani uye vachiziva kuti vakanga vasina kudzidza, vachingova vanhuwo zvavo, vakakatyamara uye vakarangarira kuti varume ava vaiva naJesu. |
|
| 14 |
|
| Asi vachiona murume akanga aporeswa amire navo ipapo, havana chavakagona kutaura. |
|
| 15 |
|
| Saka vakavarayira kuti vabve paDare Guru, uye ipapo vakasara vachitaurirana. |
|
| 16 |
|
| Vakati, “Tichaita seiko navarume ava? Munhu wose anogara muJerusarema anoziva kuti vakaita chishamiso chikuru uye isu hatigoni kuzviramba. |
|
| 17 |
|
| Asi kuti chinhu ichi chirege kuramba chichipararira pakati pavanhu, tinofanira kuyambira varume ava kuti varege kutaura kuna ani zvake muzita iri.” |
|
| 18 |
|
| Ipapo vakavadanazve kuti vapinde ndokuvarayira kuti varege kutaura kana kutongodzidzisa muzita raJesu. |
|
| 19 |
|
| Asi Petro naJohani vakapindura vakati, “Tongai henyu imi kana zvakarurama pamberi paMwari kuti titeerere imi kupfuura Mwari. |
|
| 20 |
|
| Nokuti isu hatigoni kurega kutaura pamusoro pezvatakaona nezvatakanzwa.” |
|
| 21 |
|
| Shure kwokuvayambirazve vakavarega vakaenda. Havana kugona kufunga kuti vangavatonga sei, nokuti vanhu vose vakanga vachirumbidza Mwari pamusoro pezvakanga zvaitika. |
|
| 22 |
|
| Nokuti murume akanga aporeswa akanga ana makore anodarika makumi mana. |
|
| 23 |
|
| Vakati vasunungurwa, Petro naJohani vakadzokera kuvanhu vokwavo vakandovaudza zvose zvakanga zvarehwa navaprista vakuru navakuru. |
|
| 24 |
|
| Vakati vanzwa izvi, vakasimudza manzwi pamwe chete kuna Mwari vakanyengetera vachiti, “Ishe Mwari, imi makaita denga nenyika negungwa, nezvose zvirimo. |
|
| 25 |
|
| Makataura noMweya Mutsvene kubudikidza nomuromo womuranda wenyu, baba vedu Dhavhidhi, muchiti: “ ‘Ndudzi dzinoitireko hasha uye vanhu vanofungireiko zvisina maturo? |
|
| 26 |
|
| Madzimambo enyika azvigadzirira uye vabati vanoungana pamwe chete kuzorwa naIshe uye noMuzodziwa Wake.’ |
|
| 27 |
|
| Zvirokwazvo Herodhi naPondiasi Pirato vakaungana pamwe chete navaHedheni uye navanhu veIsraeri muguta rino kuzorangana kurwisa Jesu muranda wenyu mutsvene, iye wamakazodza. |
|
| 28 |
|
| Vakaita zvakanga zvatongwa nesimba renyu uye nokuda kwenyu kuti zvichaitika. |
|
| 29 |
|
| Zvino, Ishe, tarirai kutyisidzira kwavo mugobatsira varanda venyu kuti vataure shoko renyu nokushinga kukuru. |
|
| 30 |
|
| Tambanudzai ruoko rwenyu kuti muporese uye muite zviratidzo nezvishamiso kubudikidza nezita raJesu muranda wenyu mutsvene.” |
|
| 31 |
|
| Shure kwokunge vanyengetera, nzvimbo yavakanga vakaungana pairi yakazungunuswa. Uye vose vakazadzwa noMweya Mutsvene vakataura shoko raMwari vasingatyi. |
|
| 32 |
|
| Vatendi vose vakanga vano mwoyo mumwe nendangariro imwe. Hakuna aiti chimwe chezvaaiva nazvo ndechake oga, asi vakagovana zvose zvavakanga vanazvo. |
|
| 33 |
|
| Vapostori vakaramba vachipupura nesimba kumuka kwaIshe Jesu, uye nyasha huru dzaiva pamusoro pavo. |
|
| 34 |
|
| Pakanga pasina vanoshayiwa pakati pavo. Nokuti nguva nenguva vaya vakanga vane minda kana dzimba vakazvitengesa, vakauyisa mari yezvavakatengesa |
|
| 35 |
|
| vakazviisa pamberi pavapostori, uye yakagoverwa kuna ani zvake sokushayiwa kwake. |
|
| 36 |
|
| Josefa, muRevhi aibva kuSaipurasi, uyo akatumidzwa navapostori kunzi Bhanabhasi (kureva kuti Mwanakomana woKukurudzira), |
|
| 37 |
|
| akatengesa munda wake akauya nemari akaiisa pamberi pavapostori. |
|
|
|
|