|
| 1 |
|
| Zvino mumwe murume ainzi Ananiasi, pamwe chete nomukadzi wake Safira, akatengesawo chikamu chepfuma yake. |
|
| 2 |
|
| Mukadzi wake achinyatsozvizivawo, akazvikamurira chimwe chikamu chemari, asi yakasara akauya nayo akaiisa pamberi pavapostori. |
|
| 3 |
|
| Ipapo Petro akati, “Ananiasi, Satani azadzireiko mwoyo wako kudai, kuti usvike pakureva nhema kuMweya Mutsvene uye wazvikamurira imwe mari yawawana pakutengesa munda? |
|
| 4 |
|
| Ko, wakanga usiri wako here usati watengeswa? Uye shure kwokunge wautengesa, mari yakanga isiri yako here? Chiiko chakaita kuti ufunge kuita chinhu chakadai? Hauna kureva nhema kuvanhu asi kuna Mwari.” |
|
| 5 |
|
| Ananiasi akati anzwa izvi, akawira pasi akabva afa. Uye kutya kukuru kwakabata vose vakanga vanzwa zvakanga zvaitika. |
|
| 6 |
|
| Ipapo majaya akaswedera, akaputira muviri wake, akamutakura akaenda naye kunze vakandomuviga. |
|
| 7 |
|
| Shure kwamaawa anenge matatu mukadzi wake akasvikopinda, asingazivi zvakanga zvaitika. |
|
| 8 |
|
| Petro akamubvunza akati, “Ndiudze, uyu ndiwo here mutengo wamakawana, iwe naAnaniasi, pamunda?” Iye akati, “Hongu, ndiwoyu mutengo.” |
|
| 9 |
|
| Petro akati kwaari, “Matenderana seiko kuti muedze Mweya waShe? Tarira! Tsoka dzamajaya aviga murume wako dziri pamukova, uye vachakutakura newewo.” |
|
| 10 |
|
| Pakarepo akawira pasi, patsoka dzake akabva afa. Ipapo majaya akapinda uye akamuwana afa, akamutakura akaenda naye kunze akandomuviga parutivi rwomurume wake. |
|
| 11 |
|
| Kutya kukuru kwakabata kereke yose navose vakanzwa zvinhu izvi. |
|
| 12 |
|
| Vapostori vakaita zviratidzo zvizhinji nezvishamiso pakati pavanhu. Uye vatendi vose vaiwanzosangana pamwe chete muBiravira raSoromoni. |
|
| 13 |
|
| Hakuna munhu akatsunga kubatana navo kunyange zvazvo vakanga vachikudzwa zvikuru navanhu. |
|
| 14 |
|
| Zvisinei hazvo, varume vazhinji navakadzi vakatenda kuna She uye ivo vakawedzera uwandu. |
|
| 15 |
|
| Nokuda kwaizvozvo, vanhu vakauya navairwara munzira dzomumisha vakavaradzika pamibhedha napahukwe vachiitira kuti mumvuri waPetro ungawira pana vamwe vavo paainge ava kupfuura napavari. |
|
| 16 |
|
| Vanhu vazhinji zhinji vaibva mumaguta akapoteredza Jerusarema vakaunganawo, vakauya navarwere vavo navaya vaitambudzwa nemweya yakaipa, uye vose vakaporeswa. |
|
| 17 |
|
| Ipapo muprista mukuru navamwe vose vaaiva navo, avo vakanga vari nhengo dzebato ravaSadhusi, vakazadzwa negodo. |
|
| 18 |
|
| Vakasunga vapostori vakavaisa mujeri. |
|
| 19 |
|
| Asi mutumwa waShe akauya usiku akazarura mukova wejeri akavabudisa, |
|
| 20 |
|
| akati, “Endai, munoudza pamavazhe etemberi, mundoudza vanhu mashoko ose oupenyu hutsva uhu.” |
|
| 21 |
|
| Vakapinda mutemberi mangwanani, sezvavakanga vaudzwa, vakatanga kudzidzisa vanhu. Muprista mukuru navamwe vake vakati vasvika, vakaunganidza Dare Guru ramakurukota, ungano yose yavakuru, vakatumira vanhu kuti vandotora vapostori kujeri. |
|
| 22 |
|
| Asi vabati vakati vasvika pajeri, vakawana vasimo. Saka vakadzokera vakandoti, |
|
| 23 |
|
| “Tawana jeri rakanyatsozarirwa, navarindi vamire pamikova; asi patazarura, hatina kuwana munhu mukati.” |
|
| 24 |
|
| Vakati vanzwa chiziviso ichi, mukuru wavarindi vetemberi navaprista vakuru vakakanganisika, vachishaya kuti chii chaizoitika. |
|
| 25 |
|
| Ipapo mumwe munhu akasvika akati, “Tarirai! Varume vamakaisa mujeri vamire mutemberi vachidzidzisa vanhu.” |
|
| 26 |
|
| Paakazvinzwa, mukuru wavarindi akabva aenda navabati vake akandouya navapostori. Havana kuzviita nokumanikidza, nokuti vaitya kuti vanhu vangavatake namabwe. |
|
| 27 |
|
| Vakati vauya navapostori, vakavamisa pamberi peDare Guru kuti vabvunzwe nomuprista mukuru. |
|
| 28 |
|
| Akati, “Takakurayirai, zvakasimba kuti murege kudzidzisa muzita iri. Asi mazadza Jerusarema rose nedzidziso yenyu uye munoda kuti tive nemhosva yeropa romurume uyu.” |
|
| 29 |
|
| Petro navamwe vapostori vakapindura vachiti, “Tinofanira kuteerera Mwari kukunda vanhu! |
|
| 30 |
|
| Mwari wamadzibaba edu akamutsa Jesu kubva kuvakafa uyo wamakaita kuti aurayiwe nokumuturika pamuti. |
|
| 31 |
|
| Mwari akamusimudzira kuruoko rwake rworudyi soMuchinda noMuponesi kuti ape kutendeuka nokuregererwa kwezvivi kuvaIsraeri. |
|
| 32 |
|
| Isu tiri zvapupu zvezvinhu izvi, uyewo noMweya Mutsvene wakapiwa naMwari kuna avo vanomuteerera.” |
|
| 33 |
|
| Vakati vanzwa izvi, vakashatirwa uye vakada kuvauraya. |
|
| 34 |
|
| Asi mumwe muFarisi ainzi Gamarieri, mudzidzisi womurayiro, uyo aikudzwa navanhu vose, akasimuka pakati pedare akarayira kuti vanhu vambobudiswa panze kwechinguvana. |
|
| 35 |
|
| Ipapo akati kwavari, “Imi vaIsraeri, nyatsofungai pamusoro pezvamuri kuda kuita kuvanhu ava. |
|
| 36 |
|
| Munguva yakapfuura, kwakambova, naTudhasi aizviti iye munhu mukuru, uye varume vanenge mazana mana vakamutevera. Akaurayiwa, vose vaimutevera vakaparadzirwa, uye zvikaguma zvava pasina. |
|
| 37 |
|
| Shure kwake, Judhasi weGarirea akambovapowo pamazuva okuverengwa akatungamirira boka ravanhu mune zvokupanduka. Naiyewo akaurayiwa, uye vose vaimutevera vakaparadzirwa. |
|
| 38 |
|
| Naizvozvo, panyaya iyi ndinokurayirai kuti: Regai vanhu ava vakadaro! Regai vaende! Nokuti kana kufunga kwavo kuri kwomunhu, kuchaguma. |
|
| 39 |
|
| Asi kana kuchibva kuna Mwari, hamungagoni kukonesa vanhu ava; muchazoona kuti muri kurwa naMwari.” |
|
| 40 |
|
| Kutaura kwake kwakavadzikamisa. Vakadana vapostori kuti vapinde vakaita kuti varohwe. Ipapo vakavarayira kuti varege kutaura muzita raJesu, uye vakavaregedza. |
|
| 41 |
|
| Vapostori vakabva paDare Guru, vachifara nokuda kwokuti vakanga vanzi vakafanirwa nokutambudzika nokuzvidzwa nokuda kweZita iri. |
|
| 42 |
|
| Zuva rimwe nerimwe havana kumborega kudzidzisa nokuparidza shoko rakanaka vari mutemberi nomudzimba nedzimba kuti Jesu ndiye Kristu. |
|
|
|
|