|
| 1 |
|
| Mupristi Mukuru akati, “Zvinhu izvi ndizvo nhai?” |
|
| 2 |
|
| Iye akati, “Varume, hama, namadzibaba, inzwai, Mwari wokubwinya akazviratidza kuna baba vedu Abhurahamu, vachiri Mesopotamia, vasati vagara Harani, |
|
| 3 |
|
| akati kwavari, ‘Ibva munyika yako, nokuhama dzako, uende kunyika yandinozokuratidza.’ |
|
| 4 |
|
| Ipapo akabuda munyika yavaKaridhia, akagara Harani. Zvino baba vake vakati vafa, Mwari akamutamisa ipapo kunyika ino yamugere zvino. |
|
| 5 |
|
| Asi haana kumupa nhaka imomo, kunyangwe paangatsika norutsoka rwake, asi akamupikira kuti achamupa iyo, ive yake neyavana vake vaizomutevera, asati atongova nomwana. |
|
| 6 |
|
| Mwari akataura, achiti, vana vake vachava vatorwa kunyika yavamwe; vachavaita varanda, nokuvaonesa nhamo makore ana mazana mana. |
|
| 7 |
|
| Rudzi rwavachava varanda varwo, ndicharutongesa, ndizvo zvinoreva Mwari; shure kwaizvozvo vachabuda, vachandishumira panzvimbo iyi. |
|
| 8 |
|
| Akamupa sungano yedzingiso. Zvino Abhurahamu akabereka Isaka, akamudzingisa nezuva rorusere; Isaka akabereka Jakobho; naJakobho akabereka matateguru ane gumi namaviri. |
|
| 9 |
|
| “Matateguru zvaakanga achigodora Josefa, vakamutengesa, akaiswa Ijipiti; Mwari akava naye. |
|
| 10 |
|
| Akamurwira panhamo dzake dzose, akamubatsira kuti adikanwe naFarao, mambo weIjipiti, ave nokuchenjera pamberi pake; iye akamuita mutariri weIjipiti noweimba yake yose. |
|
| 11 |
|
| Zvino nzara ikasvika paIjipiti yose neKenani, nenhamo huru; madzibaba edu akashayiwa zvokudya. |
|
| 12 |
|
| Zvino Jakobho, akati anzwa kuti kuIjipiti kune zviyo, pakutanga akatuma madzibaba edu. |
|
| 13 |
|
| Parwendo rwechipiri Josefa akazikanwa navakuru vake; rudzi rwaJosefa rukaonekwa naFarao. |
|
| 14 |
|
| Zvino Josefa akavatuma kundodana Jakobho, baba vake, nehama dzake dzose, vanhu vaiva namakumi manomwe navashanu. |
|
| 15 |
|
| Jakobho akaburukira Ijipiti; akazofa, iye namadzibaba edu; |
|
| 16 |
|
| vakaiswa Ishekemu vakavigwa pahwiro hwakanaka hwakatengwa naAbhurahamu nomutengo wesirivha kuvanakomana vaEmori paIshekemu. |
|
| 17 |
|
| “Zvino nguva yechipikirwa chakanga chapikirwa Abhurahamu naMwari, yakati ichiswedera, vanhu vakawanda, vakaita vazhinji muIjipiti; |
|
| 18 |
|
| kusvikira mumwe mambo akamuka muIjipiti, akanga asina kuziva Josefa. |
|
| 19 |
|
| “Iye akabata rudzi rwedu namano, akatambudza madzibaba edu, akavaraira kuti varase vacheche vavo, kuti varege kuraramiswa. |
|
| 20 |
|
| Nenguva iyo Mosesi akaberekwa, akanga akaisvonaka kwazvo; akarerwa mwedzi mitatu mumba mababa vake; |
|
| 21 |
|
| zvino akati araswa, mukunda waFarao akamunonga, akamurera kuti ave mwanakomana wake. |
|
| 22 |
|
| Mosesi akadzidziswa uchenjeri hwose hwaVaIjipiti; akava nesimba pamashoko napamabasa ake. |
|
| 23 |
|
| “Zvino akati asvika makore ana makumi mana, mwoyo wake ukada kushanyira hama dzake, vana VaIsiraeri. |
|
| 24 |
|
| Akaona mumwe achiitirwa zvisakarurama, ndokumurwira, akauraya muIjipiti, achitsiva akanga achitambudzwa. |
|
| 25 |
|
| Akati, zvimwe hama dzake dzichanzwisisa kuti Mwari akanga achida kuvaponesa noruoko rwake; asi havana kunzwisisa. |
|
| 26 |
|
| Fume mangwana akavaona vachikakavara, akaedza kuvayananisa, achiti, ‘Varume, muri hama, munoitirana zvisakarurama neiko?’ |
|
| 27 |
|
| “Zvino iye akanga achiitira wokwake zvisakarurama akamusundira kure, achiti, ‘Ndianiko akakuita mubati nomutongi wedu? |
|
| 28 |
|
| Unoda kundiuraya, sezvawakauraya muIjipiti zuro kanhi?’ |
|
| 29 |
|
| Mosesi akatiza achinzwa shoko iri, akandova mutorwa kunyika yeMidhiani, kwaakandobereka vanakomana vaviri. |
|
| 30 |
|
| “Zvino makore makumi mana akati apera, mutumwa akaonekwa naye murenje regomo reSinai, mumurazvo womoto mugwenzi. |
|
| 31 |
|
| Mosesi akati achizviona, akashamiswa nezvaakaona; zvino akati achiswedera kuzocherechedza, izwi raIshe rikanzwika, richiti, |
|
| 32 |
|
| ‘Ndini Mwari wamadzibaba ako, Mwari waAbhurahamu, nowaIsaka, nowaJakobho.’ Ipapo Mosesi akadedera, akatya kucherechedza. |
|
| 33 |
|
| Ishe akati kwaari, ‘Bvisa shangu patsoka dzako, nokuti apo paunomira ivhu dzvene. |
|
| 34 |
|
| Ndakaona hangu kwazvo kutambudzika kwavanhu vangu vari muIjipiti, ndakanzwa kugomera kwavo, ndaburuka kuzovarwira; zvino uya ndikutume Ijipiti.’ |
|
| 35 |
|
| “Uyu Mosesi wavakaramba, vachiti, ‘Ndiani wakakuita mubati nomutongi?’ Ndiye akatumwa naMwari nomutumwa akaonekwa naye mugwenzi, kuti ave mubati nomudzikinuri. |
|
| 36 |
|
| “Iye akavabudisa, akaita zvinoshamisa nezviratidzo munyika yeIjipiti, nomuGungwa Dzvuku, nomurenje, makore ana makumi mana. |
|
| 37 |
|
| Ndiyeye Mosesi akati kuvana VaIsiraeri, ‘Mwari achakumutsirai Muporofita pakati pehama dzenyu, akafanana neni.’ |
|
| 38 |
|
| Ndiyeye akanga ari kuungano murenje, anomutumwa akataura naye mugomo reSinai, anamadzibaba eduwo, akagamuchira mashoko mapenyu kuzotipa. |
|
| 39 |
|
| “Ndiye, wavakanga vasingadi kumuteerera ivo madzibaba edu; vakamuramba, vakadzokera Ijipiti nemwoyo yavo. |
|
| 40 |
|
| “Vakati kuna Aroni, ‘Tiitire vamwari, vangatitungamirira; nokuti kana ari Mosesi uyu, akatibudisa munyika yeIjipiti, hatizivi zvakaitika naye.’ |
|
| 41 |
|
| Zvino vakaita mhuru namazuva iwayo, vakauya nechibayiro kuchifananidzo chavo, vakafarira mabasa amaoko avo. |
|
| 42 |
|
| Zvino Mwari akavafuratira, akavarega kuti vashumire hondo yokudenga, sezvazvakanyorwa mubhuku yavaporofita, zvichinzi, ‘Ko makandivigira zvipfuwo zvakabayiwa nezvibairo Makore makumi mana murenje, imi, imba yaVaIsiraeri here? |
|
| 43 |
|
| Makatakura tabhenakeri yaMoroki, Nenyenyedzi yamwari wenyu Remifani, Zvifananidzo zvamakaita kuti muzvinamate; Ndichakutamisai mberi kweBhabhironi.’ |
|
| 44 |
|
| “Madzibaba edu aiva netabhenakeri youchapupu murenje, yakanga yakavakwa sezvaakarayira iye, akataura naMosesi, achiti aiite nomufananidzo waakaona. |
|
| 45 |
|
| Yakati yagamuchirwa namadzibaba edu, vakapinda nayo naJoshua munyika yavahedheni, vakadzingwa naMwari pamberi pamadzibaba edu, kusvikira pamazuva aDhavhidhi; |
|
| 46 |
|
| iye akanzwirwa nyasha pamberi paMwari, akakumbira kuvakira Mwari waJakobho pokugara. |
|
| 47 |
|
| Soromoni akamuvakira imba. |
|
| 48 |
|
| “Asi Wokumusoro–soro haagari mudzimba dzakavakwa namaoko, sezvazvakarehwa nomuporofita, achiti, |
|
| 49 |
|
| ‘Denga ndicho chigaro changu choushe, Nenyika chitsiko chetsoka dzangu; Muchandivakira imba yakadiniko? Ndizvo zvinoreva Ishe; Kana nzvimbo yandingazorora pairi ndeipi? |
|
| 50 |
|
| Ko ruoko rwangu haruna kuita izvovi zvose here?’ |
|
| 51 |
|
| “Imi vemitsipa mikukutu, musina kudzingiswa pamwoyo nenzeve, munogara muchidzivisa Mweya Mutsvene; samadzibaba enyu, nemiwo. |
|
| 52 |
|
| Ndoupiko pavaporofita asina kutambudzwa namadzibaba enyu? Vakauraya avo vaiparidza kuuya kwoWakarurama, iye wamakapandukira nokumuuraya zvino. |
|
| 53 |
|
| Iyemi, makapiwa murairo sezvawakarayiwa navatumwa, mukasauchengeta.” |
|
| 54 |
|
| Zvino vakati vachinzwa izvozvo, vakafa neshungu kwazvo, vakamugeda–gedera meno. |
|
| 55 |
|
| Asi iye azere naMweya Mutsvene, akatarisisa kudenga, akaona kubwinya kwaMwari, naJesu amire kuruoko rworudyi rwaMwari, |
|
| 56 |
|
| akati, “Tarirai, ndinoona denga rakazarurwa, noMwanakomana womunhu amire kuruoko rworudyi rwaMwari.” |
|
| 57 |
|
| Zvino vakadanidzira nezwi guru, vakadzivira nzeve dzavo, vakamhanyira kwaari vose pamwechete; |
|
| 58 |
|
| vakamubudisira kunze kweguta, ndokumutaka namabwe; zvapupu zvikaisa nguo dzazvo patsoka dzejaya, rainzi Sauro. |
|
| 59 |
|
| Vakataka Sitefani, achidana achiti, “Ishe Jesu, gamuchirai mweya wangu.” |
|
| 60 |
|
| Akapfugama, akadanidzira nezwi guru, achiti, “Ishe, musavapa mhosva yechivi ichi.” Akati areva izvozvo, akabva afa. |
|
|
|
|