|
| 1 |
|
| Sauro akabvumirana nezvokuuraiwa kwake. Musi iwoyo kutambudzwa kukuru kwesangano kwakamuka muJerusaremu. Vose, kusiya vapositori chete, vakapararira nenyika yeJudhea neSamaria. |
|
| 2 |
|
| Vanamati vakaviga Sitefani vakamuchema zvikuru. |
|
| 3 |
|
| Asi Sauro paaiedza kuparadza Sangano, aipinda imba nemba achikwekweretsa varume navakadzi achivaisa mujeri. |
|
| 4 |
|
| Zvino vaya vakapararira, vakaenda vachiparidza shoko. |
|
| 5 |
|
| Firipi akadzika kuguta reSamaria akavaparidza zvaMesia. |
|
| 6 |
|
| Chikwata chikuru chavanhu chakateerera nomwoyo mumwechete kune zvaitaurwa naFiripi pavakamunzwa uye pavakaona zviratidzo zvaaiita, |
|
| 7 |
|
| nokuti mweya yakaipa yakabuda muna vazhinji vakanga vakapoterwa ichizhamba. Vamwe vazhinji vakanga vakaoma mitezo kana kuremara vakarapwa. |
|
| 8 |
|
| Naizvozvo makave norufaro rukuru muguta iroro. |
|
| 9 |
|
| Kwaiva nomumwe murume ainzi Simoni aiita mashiripiti muguta iroro, akashamisa vanhu veSamaria achizviti ndini pano. |
|
| 10 |
|
| Vose vakamuteerera kubvira kuvaduku kusvika kuvakuru vachiti, “Murume uyu ndiye mumwe mwari uya anonzi Samukurumukuru.” |
|
| 11 |
|
| Nokudaro vaimuteerera nokuti aivashamisa namashiripiti ake kwenguva ndefu. |
|
| 12 |
|
| Asi pavakatenda Firipi paaiparidza Shoko Rakanaka nezvoumambo hwaMwari uye zita raJesu Kristu vakaombekwa, varume navakadzi. |
|
| 13 |
|
| Kunyange Simoni pachake akadavira. Mushure mokunge aombekwa akaenderera mberi aina Firipi. Paakaona zviratidzo nezvishamiso zvikuru zvakaitwa zvakamukatyamadza. |
|
| 14 |
|
| Vapositori vaiva kuJerusaremu pavakanzwa kuti Samaria yakanga yagamuchira Shoko raMwari vakavatumira Pita naJohani. |
|
| 15 |
|
| Vakadzika vakavanamatira kuti vagashire Mweya Mutsvene |
|
| 16 |
|
| nokuti Mweya Mutsvene akanga asati aburukira panaani zvake wavo; asi vakanga vangoombekwa chete muzita raTenzi Jesu. |
|
| 17 |
|
| Vakaisa maoko avo pavari vakagamuchira Mweya Mutsvene. |
|
| 18 |
|
| Simoni paakaona kuti Mweya waipiwa nokuiswa kwamaoko avapositori pavanhu akavapa mari achiti, |
|
| 19 |
|
| “Ndipeiwo simba irori kuti munhu wose wandinenge ndaisa maoko angu paari agamuchire Mweya Mutsvene.” |
|
| 20 |
|
| Asi Pita akati kwaari, “Parara nemari yako iyoyo nokuti wafunga kuti unogona kuwana chipo chaMwari nemari. |
|
| 21 |
|
| Hauna nzvimbo kana mugove mune zvinhu izvi nokuti mwoyo wako hauna kururama pamberi paMwari. |
|
| 22 |
|
| Saka tendeuka pauipi hwako uhu unamate kuna Tenzi kuti zvimwe pfungwa dzemwoyo wako dziregererwe |
|
| 23 |
|
| nokuti ndinoona kuti mwoyo wako uzere nenduru inovava uye uri musungwa wouipi.” |
|
| 24 |
|
| Simoni akapindura achiti, “Ndinamatireiwo kuna Tenzi kuitira kuti zvose zvamataura zvirege kundiwira.” |
|
| 25 |
|
| Zvino pavakanga vapa uchapupu hwavo uye vataura shoko raTenzi vakadzokera kuJerusaremu vachiparidza Shoko Rakanaka mumisha yakawanda yevekuSamaria. |
|
| 26 |
|
| Mutumwa waMwari akati kuna Firipi, “Simuka uende kumaodzanyemba kunzira inodzika kuGaza ichibva kuJerusaremu.” Nzira iyi inzira yomurenje. |
|
| 27 |
|
| Akasimuka akaenda. Hoyo muEtiopia muyuniki aiva gurukota raKandasi mambokadzi wavaEtiopia aiva mukuru mukuru wezvoupfumi hwake hwose, akanga auya kuJerusaremu kuzonamata. |
|
| 28 |
|
| Akanga achidzokera agere mungoro yake achiverenga bhuku romuporofita Isaya. |
|
| 29 |
|
| Mweya akati kuna Firipi, “Enda undobatana nengoro iyo.” |
|
| 30 |
|
| Firipi akamhanyira kwaari akamunzwa achiverenga Isaya muporofita. Akabvunza kuti, “Muri kunzwisisa here zvamuri kuverenga.” |
|
| 31 |
|
| Iye akati, “Ndingagonzwisisa sei kusatoti mumwe anditsanangurira.” Akakumbirisa Firipi kuti akwire agare naye. |
|
| 32 |
|
| Zvino ndima yaMagwaro Matsvene yaaiverenga ndeiyi. “Sehwai iri kuendwa nayo kundouraiwa kana sehwayana iri pamuveuri wayo, haana kumboti muromo bufu. |
|
| 33 |
|
| Mukuninipiswa ikoku haana kuitirwa zvaaikodzera Ndiani angatsanangure nezvechizvarwa chake nokuti upenyu hwake hwakabviswa panyika.” |
|
| 34 |
|
| Muyuniki akati kuna Firipi, “Nditaurirewo kuti muporofita uyu ari kutaura nezvani, nezvake here kana kuti nezvomumwewo?” |
|
| 35 |
|
| Ipapo Firipi akatangisa kutaura achibvira pandima iyi yaMagwaro Matsvene, akamutaurira zveShoko Rakanaka rezvaJesu. |
|
| 36 |
|
| Pavaifamba kudaro munzira vakasvika pane mvura. Muyuniki akati, “Tarisa uone pano pane mvura. Chingandirambidze kuombekwa chii?” |
|
| 37 |
|
| Firipi akati, “Kana uchitenda nemwoyo wose unogona kuombekwa.” Iye akapindura achiti, “Ndinotenda kuti Jesu Kristu Mwanakomana waMwari.” |
|
| 38 |
|
| Muyuniki akati, Ngoro imiswe. Vose vari vaviri vakapinda mumvura iye Firipi nomuyuniki akabva amuombeka. |
|
| 39 |
|
| Pavakabuda mumvura Mweya waTenzi wakabvisa Firipi ipapo. Muyuniki haana kuzomuonazve. Asi akaenda rwendo rwake achifara zvikuru. |
|
| 40 |
|
| Firipi akazoonekwa ava kuAzotusi. Maaipfuura namo aiparidza Shoko Rakanaka mumaguta ose kudzamara kusvika kuKesaria. |
|
|
|
|