|
| 1 |
|
| Sauro akanga achitenda kuurayiwa kwake. Zvino nenguva iyo Chechi yapaJerusaremu yakatambudzwa zvikuru, vakaparadzirwa vose kunyika yeJudhiya neSamaria, vakasara vapostori bedzi. |
|
| 2 |
|
| Varume vakarurama vakaviga Sitefani, vakamuchema zvikuru. |
|
| 3 |
|
| Zvino Sauro akaparadza Chechi, achipinda mudzimba dzose, achikakata varume navakadzi, nokuvaisa mutorongo. |
|
| 4 |
|
| Zvino avo vakaparadzirwa, vakapota nyika, vachiparidza shoko. |
|
| 5 |
|
| NaFiripi akaburukira kuguta reSamaria, akavaparidzira Kristu. |
|
| 6 |
|
| Vanhu vazhinji vakateerera nomwoyo mumwe zvairehwa naFiripi, vachinzwa nokuona zviratidzo zvaakanga achiita. |
|
| 7 |
|
| Nokuti mweya yetsvina yakabuda kuvazhinji vaiva nayo, ichidanidzira nezwi guru; navazhinji vakanga vakafa mitezo navaikamhina vakaporeswa. |
|
| 8 |
|
| Mufaro mukuru ukavapo paguta iro. |
|
| 9 |
|
| Zvino kwakanga kuno mumwe murume, ainzi Simoni, aiva n'anga kare paguta iro, aishamisa vanhu veSamaria, achizviita munhu mukuru. |
|
| 10 |
|
| Vose, vaduku navakuru, vakamuteerera, vachiti, “Uyu munhu isimba guru raMwari.” |
|
| 11 |
|
| Vakamuteerera, nokuti akanga avashamisa noun'anga hwake nguva huru. |
|
| 12 |
|
| Zvino vakati vatenda Firipi, aiparidza mashoko oushe hwaMwari nezita raJesu Kristu, vakabhabhatidzwa varume navakadzi. |
|
| 13 |
|
| Naiye Simoni akatendawo, ndokubhabhatidzwawo, akagara naFiripi; akashamiswa, achiona zviratidzo namabasa emasimba makuru, akanga achiitwa. |
|
| 14 |
|
| Zvino vapostori vaiva paJerusaremu, vakati vanzwa kuti vaSamaria vakanga vagamuchira shoko raMwari, vakatuma Petirosi naJohani kwavari. |
|
| 15 |
|
| Ivo vakaburukirako, vakavanyengeterera kuti vapiwe Mweya Mutsvene; |
|
| 16 |
|
| nokuti akanga asina kuburukira pamusoro pomumwe wavo; vakanga vangobhabhatidzwa muzita raIshe Jesu bedzi. |
|
| 17 |
|
| Ipapo vapositori vakaisa maoko avo pamusoro pavo, vakapiwa Mweya Mutsvene. |
|
| 18 |
|
| Zvino Simoni akati achiona kuti Mweya Mutsvene apiwa nokuiswa kwamaoko avapostori, akauya kwavari nemari, |
|
| 19 |
|
| achiti, “Ndipei neniwo simba iri, kuti wandinenge ndichiisa maoko pamusoro pake, apiwe Mweya Mutsvene.” |
|
| 20 |
|
| Zvino Petirosi akati kwaari, “Sirivha yako ngaiparadzwe newe, nokuti wakafunga kutenga chipo chaMwari nemari. |
|
| 21 |
|
| Hauna mugove, kana chikamu, pachinhu ichi, nokuti mwoyo wako hauna kururama pamberi paMwari. |
|
| 22 |
|
| Naizvozvo tendeuka pakuipa kwako, ukumbire kuna Ishe, kuti zvimwe uregererwe marangariro omwoyo wako. |
|
| 23 |
|
| “Nokuti ndinoona kuti wapinda munduru inovava, napakusungwa kusakarurama.” |
|
| 24 |
|
| Simoni akapindura, akati, “Mundikumbirire zvikuru imi kuna Ishe, kuti ndirege kuwirwa nechimwe chaizvozvo zvamareva.” |
|
| 25 |
|
| Zvino vakati vapupura kwazvo nokutaura shoko raIshe, vakadzokerazve Jerusaremu, vachiparidza Vhangeri mumisha mizhinji yavaSamaria. |
|
| 26 |
|
| Zvino mutumwa waIshe akataura naFiripi, akati, “Simuka, uende Zasi kunzira inobva Jerusaremu ichiburukira Gaza; iyo nyika irenje.” |
|
| 27 |
|
| Akasimuka, akaenda; zvino kwakanga kuno murume weItiopia, muranda mukuru kwazvo waKandase, mambokadzi weItiopia, aichengeta pfuma yake yose, akanga auya Jerusaremu kuzonamata; |
|
| 28 |
|
| akanga achidzoka, agere mungoro yake achirava muporofita Isaya. |
|
| 29 |
|
| Mweya akati kuna Firipi, “Swedera, urambire pangoro iyo.” |
|
| 30 |
|
| Firipi akamhanyirako, akamunzwa achirava muporofita Isaya, akati, “Unonzwisisa zvaunorava here?” |
|
| 31 |
|
| Iye akati, “Ndingagona seiko, kana mumwe asingandidudziri?” Akakumbira zvikuru kuna Firipi kuti akwire, agare naye. |
|
| 32 |
|
| Zvino paakanga achirava muRugwaro paiti, “Akaiswa pakubayiwa segwai; Segwayana rinyerere pamberi pomuveuri waro, Saizvozvo haana kushamisa muromo wake; |
|
| 33 |
|
| Pakuzvidzwa kwake kutongwa kwake kwakabviswa; Ndianiko acharondedzera rudzi rwake? Nokuti upenyu hwake hunobviswa panyika.” |
|
| 34 |
|
| Muranda akapindura Firipi, akati, “Ndinokumbira kwauri, undiudze kuti muporofita anoreva aniko achidaro? Anozvireva iye amene, kana mumwe?” |
|
| 35 |
|
| Ipapo Firipi akashamisa muromo wake, akatanga parugwaro urwu, akamuparidzira Jesu. |
|
| 36 |
|
| Zvino vakati vachifamba munzira, vakasvika pane mvura; muranda akati, “Heyi mvura; chiiko chingadzivisa ndirege kubhabhatidzwa?” [ |
|
| 37 |
|
| Firipi akati, “Kana uchitenda nomwoyo wako wose, zvingaitwa.” Akapindura, akati, “Ndinotenda kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari.”] |
|
| 38 |
|
| Akarayira kuti ngoro imire; vakaburukira vose mumvura, iye Firipi nomuranda; akamubhabhatidza. |
|
| 39 |
|
| Zvino vakati vachibuda mumvura, Mweya waIshe akabvisa Firipi; muranda akasazomuonazve; nokuti akafamba rwendo rwake, achifara. |
|
| 40 |
|
| Asi Firipi akawanika paAzoto, akapota nyika achiparidza Vhangeri pamaguta ose, kusvikira paSizaria. |
|
|
|
|