|
| 1 |
|
| Asi Sauro achingorangarira kutyisa nokuuraya vadzidzi vaIshe, akaenda kuMupristi Mukuru, |
|
| 2 |
|
| akakumbira kwaari magwaro okuenda nawo Dhamasikosi kumasinagoge, kuti kana awana vamwe vaiva veNzira iyo, varume kana vakadzi, auye navo Jerusaremu vakasungwa. |
|
| 3 |
|
| Zvino akati ari parwendo, oswedera pedyo neDhamasikosi, kamwe–kamwe chiedza chakabva kudenga chikamupenyera pamativi ose, |
|
| 4 |
|
| akawira pasi, akanzwa izwi richiti kwaari, “Sauro, Sauro, unonditambudzireiko?” |
|
| 5 |
|
| Iye akati, “Ndimi aniko, Ishe?” Akati, “Ndini Jesu waunotambudza; zvinokuremera kupfura zvibayiso.” |
|
| 6 |
|
| Iye achidedera nokutya, akati, “Ishe, munoda kuti ndiiteiko?” Ishe akati kwaari, “Simuka, uende muguta, uchandoudzwa zvaunofanira kuita.” |
|
| 7 |
|
| Varume vaiva parwendo naye, vakamira vanyerere, vachinzwa izwi, asi vasingaoni munhu. |
|
| 8 |
|
| Zvino Sauro akasimuka; asi achisvinudza meso ake, haana kuona chinhu; vakamubata ruoko, vakaenda naye Dhamasikosi. |
|
| 9 |
|
| Akaita mazuva matatu, asingaoni, asingadyi, asinganwi chinhu. |
|
| 10 |
|
| Zvino paDhamasikosi pakanga pano mumwe mudzidzi, ainzi Ananiasi; Ishe akati kwaari nezvaakaratidzwa, “Ananiasi!” Iye akati, “Ndiri pano Ishe!” |
|
| 11 |
|
| Ishe akati kwaari, “Simuka, uende munzira yomuguta inonzi Yakarurama, ubvunze mumba maJudhasi, munhu anonzi Sauro weTasasi; nokuti tarira, anonyengetera; |
|
| 12 |
|
| naiye akaona murume, anonzi Ananiasi achipinda, achiisa maoko ake pamusoro pake, kuti aonezve.” |
|
| 13 |
|
| Zvino Ananiasi akapindura, akati, “Ishe, ndakanzwa navanhu vazhinji zvomunhu uyu, kuti akaitira vatsvene venyu paJerusaremu zvakaipa zvizhinji; |
|
| 14 |
|
| napano ane simba raakapiwa navapristi vakuru, kuti asunge vose vanonamata nezita renyu.” |
|
| 15 |
|
| Asi Ishe akati kwaari, “Enda, nokuti iye mudziyo wakasanangurwa neni, kuti aende nezita rangu kuvahedheni, namadzimambo, nokuvana VaIsiraeri; |
|
| 16 |
|
| nokuti ndichamuratidza zvose, zvaachafanira kutamburira nokuda kwezita rangu.” |
|
| 17 |
|
| Ipapo Ananiasi akaenda akapinda mumba, akaisa maoko ake pamusoro pake, akati, “Sauro, hama, Ishe Jesu, akazviratidza kwauri munzira yawakauya nayo, akandituma, kuti uonezve, uzadzwe naMweya Mutsvene.” |
|
| 18 |
|
| Pakarepo pameso ake pakabva zvinhu zvinenge mafunhurwa, akaonazve; akasimuka, ndokubhabhatidzwa; |
|
| 19 |
|
| akadya zvokudya, ndokusimbiswa. Akagara navadzidzi paDhamasikosi mamwe mazuva. |
|
| 20 |
|
| Pakarepo akaparidza Jesu mumasinagoge, kuti ndiye Mwanakomana waMwari. |
|
| 21 |
|
| Vose vakazvinzwa vakashamiswa, vakati, “Ko uyu haazi iye aiparadza vaidana zita iri paJerusaremu here, akauira izvozvo pano, kuti aende navo vakasungwa kuvapristi vakuru?” |
|
| 22 |
|
| Asi Sauro akaramba achisimbiswa, akakunda vaJudha vakanga vagere Dhamasikosi, achiratidza kuti Jesu ndiye Kristu. |
|
| 23 |
|
| Zvino mazuva mazhinji akati apera, vaJudha vakarangana kuti vamuuraye. |
|
| 24 |
|
| Asi kurangana kwavo kwakazikanwa naSauro. Vakarindawo masuwo masikati nousiku, kuti vamuuraye. |
|
| 25 |
|
| Zvino vadzidzi vake vakamutora usiku, vakamuburusa naparusvingo, vamuisa mudengu. |
|
| 26 |
|
| Zvino akati asvika Jerusaremu, akaedza kufambidzana navadzidzi; asi ivo vakamutya vose, vasingatendi kuti ava mudzidzi. |
|
| 27 |
|
| Zvino Bhanabhasi akamutora, akaenda naye kuvapostori, ndokuvarondedzera kuti akaona Ishe munzira, uye kuti akataura naye, uye kuti akaparidza nezita raJesu paDhamasikosi asingatyi. |
|
| 28 |
|
| Akagara navo paJerusaremu, achifambidzana navo, |
|
| 29 |
|
| akaparidza nezita raIshe asingatyi. Akataura navaJudha vaitaura ChiGiriki; asi ivo vakaedza kumuuraya. |
|
| 30 |
|
| Zvino hama dzakati dzichizviziva, dzakamuburusira Sizaria, ndokumutumira Tasasi. |
|
| 31 |
|
| Zvino Chechi yakanga ino rugare paJudhiya rose, reGareriya, neSamaria, ikasimbiswa; ikawedzerwa, ichifamba ichitya Ishe, ichinyaradzwa naMweya Mutsvene. |
|
| 32 |
|
| Zvino Petirosi akati achipota nyika kwose, akaburukirawo kuvatsvene vakanga vagere Ridha. |
|
| 33 |
|
| Akawanapo mumwe munhu, ainzi Eniyasi, akanga avete panhoo makore masere, mitezo yake yakafa. |
|
| 34 |
|
| Petirosi akati kwaari, “Eniyasi, Jesu Kristu anokuporesa; simuka, uzviwarire nhoo dzako!” Akasimuka pakarepo. |
|
| 35 |
|
| Zvino vose vakanga vagere Ridha neSaroni vakamuona, vakatendeukira kuna Ishe. |
|
| 36 |
|
| Zvino paJopa pakanga pano mukadzi aiva mudzidzi, ainzi Tabhita, ndokuti, Dhokasi, kana zvichishandurwa. Iye aishingaira zvikuru pamabasa akanaka ezvipo. |
|
| 37 |
|
| Zvino namazuva iwayo iye akarwara, ndokufa. Vakati vamushambidza, vakamuisa muimba yokumusoro. |
|
| 38 |
|
| Zvino Ridha zvayakanga iri pedyo neJopa, vadzidzi vakati vanzwa kuti Petirosi aripo, vakatumira kwaari vanhu vaviri, kuti vandokumbira zvikuru kwaari, vachiti, “Usanonoka hako kuuya kwatiri.” |
|
| 39 |
|
| Ipapo Petirosi akasimuka, akaenda navo. Akati asvika, vakamuisa kuimba yokumusoro; chirikadzi dzose dzikamira naye dzichichema, vakamuratidza zvokufuka nenguo, dzavakanga vaitirwa naDhokasi, achiri navo. |
|
| 40 |
|
| Zvino Petirosi akavabudisira panze vose, akapfugama, akanyengetera, ndokutendeukira kumutumbi, akati, “Tabhita, muka!” Akasvinura meso ake; zvino akati achiona Petirosi, akagara. |
|
| 41 |
|
| Akamubata noruoko rwake, akamusimudza; akadana vatsvene nechirikadzi, akamuisa pamberi pavo ari mupenyu. |
|
| 42 |
|
| Zvikazikanwa navose paJopa; vazhinji vakatenda kuna Ishe. |
|
| 43 |
|
| Ipapo akagara mazuva mazhinji paJopa, kuno mumwe Simoni, musuki wamatehwe. |
|
|
|
|