|
| 1 |
|
| Hama dzangu, chandinodisisa mumwoyo mangu chaizvo nomunamato wangu wandinovaitira kuna Mwari, ndowekuti vaponeswe. |
|
| 2 |
|
| Ndinovapupurira kuti vane shungu naMwari asi havana ruzivo, |
|
| 3 |
|
| nokuti nokusaziva kururamiswa kunobva kuna Mwari vakatsvaka nzira dzavo dzokururamiswa. Havana kutsvaka kururamiswa kunobva kuna Mwari. |
|
| 4 |
|
| Kristu ndiye akagumisa mutemo kuti munhu wose ane chitendero aruramiswe. |
|
| 5 |
|
| Mosesi akanyora achiti, “Munhu anochengeta ururami hunobva mumutemo achararamawo nawo.” |
|
| 6 |
|
| Asi ururami hunobva muchitendero hunoti, usataure mumwoyo mako uchiti, “Ndiani achakwira kudenga?” (kundounza Kristu pasi pano) |
|
| 7 |
|
| kana kuti, “Ndiani achadzika mugomba rakadzikisisa.” (Kundounza Kristu kubva kuvakafa). |
|
| 8 |
|
| Asi ururami hunotii? Hunoti, “Shoko riri pedyo newe, riri pamuromo pako, uye riri mumwoyo mako,” (tiri kureva shoko rechitendero ratinoparidza), |
|
| 9 |
|
| nokuti kana ukataura nomuromo wako kuti Jesu ndiTenzi uchitenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa muvakafa uchaponeswa. |
|
| 10 |
|
| Zviripo ndezvokuti munhu anotenda mumwoyo wake naizvozvo anorumiswa, uye anobvuma nomuromo wake, anoponeswa naizvozvo. |
|
| 11 |
|
| Magwaro Matsvene anoti hapana anotenda maari achanyadziswa, |
|
| 12 |
|
| nokuti hapana rusaruro rwokuti uyu muJudha, kana kuti uyu muGiriki. Tenzi mumwecheteyo ndiye Tenzi wavose uye anopa upfumi hwake kuna vose vanodaidza kwaari, |
|
| 13 |
|
| nokuti munhu wose anodaidza zita raTenzi achaponeswa. |
|
| 14 |
|
| Zvino vangadaidze sei kwaari ivo vasina kutenda maari? Uye vachatenda sei maari iye vasina kumbonzwa nezvake? Uye vanganzwe sei ivo vasina muparidzi. |
|
| 15 |
|
| Vanhu vangaparidze sei ivo vasina kutumwa sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Hakusi kunaka ikoko, kwakaita tsoka dzavanoparidza Shoko Rakanaka. |
|
| 16 |
|
| Asika havasi vose vakateerera Shoko Rakanaka, sezvinotaurwa naIsaya anoti, ‘Tenzi ndiani akatenda zvaakanzwa kwatiri. |
|
| 17 |
|
| Saizvozvo chitendero chinobva mune zvatinonzwa. Zvatinonzwa zvinobva mukuparidzwa kwaKristu.’ ” |
|
| 18 |
|
| Asi zvandinobvunza ndezvokuti havana kunzwa here? Zvirokwazvo vakanzwa, nokuti izwi ravo rakaenda pasi pose mazwi avo akasvika kwakaperera nyika. |
|
| 19 |
|
| Ndinobvunzazve kuti Isiraeri haina kunzwisisa here? Mosesi ndiye anototanga kuti: “Ndichaita kuti muitire shanje vasiri rudzi, mushatirirwe rudzi rusina musoro.” |
|
| 20 |
|
| Isaya anoitawo chivindi chokuti ndakawanikwa navavo vasina kunditsvaka ndakazviratidza kune vasina kundibvunza |
|
| 21 |
|
| asi nezveIsiraeri anoti, “Zuva rose ndakatambanudzira maoko angu kuna vanhu vasingateereri, vanhu venharo.” |
|
|
|
|