Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Zvino ndinobvunza ndichiti, “Mwari akarasa vanhu vake here?” Kwete napaduku pose! Nokuti ini pachangu ndiri muIsraeri, chizvarwa chaAbhurahama, ndiri worudzi rwaBhenjamini. |
| 2 |
| Mwari haana kurasa vanhu vake, avo vaakaziva pakutanga. Hamuzivi here zvinorehwa noRugwaro pandima inotaura nezvaEria, kuti akakumbira sei kuna Mwari pamusoro peIsraeri achiti, |
| 3 |
| “Ishe vakauraya vaprofita venyu uye vakaputsa aritari dzenyu; ndini ndoga ndasara, uye vari kuedza kundiuraya”? |
| 4 |
| Uye Mwari akamupindura achiti kudiniko? “Ndakazvichengetera varume zviuru zvinomwe vasina kupfugamira Bhaari.” |
| 5 |
| Saizvozvowo, panguva ino varipo vakasara, vakasanangurwa nenyasha. |
| 6 |
| Uye kana zvava zvenyasha, saka hazvichisiri zvamabasa; kana dai zvaiva zvakadaro, nyasha hadzaizova nyasha. |
| 7 |
| Zvino tichatiiko? Zvakatsvakwa navaIsraeri nokushingaira havana kuzviwana, asi vasanangurwa ndivo vakazviwana. Vamwe vakaomeswa mwoyo, |
| 8 |
| sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Mwari akavapa mweya wehope, meso kuti vasaona, nzeve kuitira kuti vasanzwa, kusvikira nanhasi uno.” |
| 9 |
| Uye Dhavhidhi anoti: “Tafura yavo ngaive musungo neriva, nechigumbuso uye nechinotsiva kwavari. |
| 10 |
| Meso avo ngaasvibirwe kuti vasaona; uye mukotamise misana yavo nokusingaperi.” |
| 11 |
| Zvakare ndinobvunza ndichiti: Ko, vakagumbuswa vakawa zvokusazomukazve here? Kwete napaduku pose! Asi kuti nokuwa kwavo ruponeso rwakauya kuvaHedheni kuti Israeri ive negodo. |
| 12 |
| Zvino kana kudarika kwavo kuchipfumisa nyika, uye kurasikirwa kwavo kuchireva pfuma kuvaHedheni, kuzara kwavo kuchauyisa pfuma yakakura zvakadii! |
| 13 |
| Ndiri kutaura kwamuri imi vaHedheni. Sezvandiri mupostori wavaHedheni, ndinokudza ushumiri hwangu |
| 14 |
| netariro yokuti zvimwe ndingamutsa godo kuvanhu vangu uye ndiponese vamwe vavo. |
| 15 |
| Nokuti kana kuraswa kwavo kuri kuyananiswa kwenyika, ko, kugamuchirwa kwavo kuchagoveiko, asi upenyu kubva kurufu? |
| 16 |
| Zvino kana chikamu chechikanyiwa chakapiwa sechibereko chokutanga chiri chitsvene, saka chikanyiwa chose chitsvene; kana mudzi uri mutsvene namatavi acho akadarowo. |
| 17 |
| Kana mamwe matavi akavhuniwa, uye imi, kunyange muri muorivhi wokudondo, wakabatanidzwa pakati pamamwe, zvino mava nomugove pamwe chete nawo kubva pamudzi womuorivhi, |
| 18 |
| musazvikudza pamusoro pamatavi ayo. Kana muchizvikudza murangarire izvi: Hamuzimi makatakura mudzi, asi kuti mudzi ndiwo wakakutakurai. |
| 19 |
| Zvino iwe uchati, “Matavi akavhuniwa kuti ini ndibatanidzwe.” |
| 20 |
| Ndizvozvo. Asi akavhuniwa nokuda kwokusatenda, uye iwe unomira nokutenda kwako. Usazvikudza, asi uve nokutya. |
| 21 |
| Nokuti kana Mwari asina kurega matavi okutanga, haangakuregi newewo. |
| 22 |
| Naizvozvo nyatsofunga pamusoro pounyoro nokukasharara kwaMwari; kukasharara kuna vakawa, asi unyoro kwauri, kana ukaramba uchifamba muunyoro hwake. Kana zvikasadaro newewo uchatemwa. |
| 23 |
| Uye kana vakasarambirira pakusatenda, vachabatanidzwa, nokuti Mwari anogona kuvabatanidza zvakare. |
| 24 |
| Nokuti, kana iwe wakatemwa kubva pamuorivhi womumunda pakusikwa kwawo, uye ukabatanidzwa pamuorivhi womumunda zvichipesana namasikirwo azvo, ko, kuzoti ayo agara ari epo achazofara sei kuti abatanidzwezve mumuti wawo womuorivhi? |
| 25 |
| Hama dzangu, handidi kuti musaziva, chakavanzika ichi, kuti murege kuva namanyawi: vaIsraeri vakaomeswa mwoyo kusvikira vaHedheni vakakwana vapinda. |
| 26 |
| Naizvozvo Israeri yose ichaponeswa, sezvazvakanyorwa zvichinzi: “PaZioni pachabuda musununguri; achabvisa kusada Mwari kuna Jakobho. |
| 27 |
| Uye iyi ndiyo sungano yangu navo kana ndabvisa zvivi zvavo.” |
| 28 |
| Kana zviri zvevhangeri, ivo vavengi nokuda kwenyu; asi kana kuri kusanangurwa, vadikanwi nokuda kwamadzibaba, |
| 29 |
| nokuti zvipo zvaMwari nokudana kwake hazvishandurwi. |
| 30 |
| Nokuti sezvo imi makanga musingateereri Mwari pane imwe nguva magamuchira ngoni zvino nokuda kwokusateerera kwavo, |
| 31 |
| saizvozvo naivowo zvino havachateereri kuitira kuti vagamuchire ngoni nokuda kwengoni dzaMwari kwamuri. |
| 32 |
| Nokuti Mwari akapfigira vanhu vose pakusateerera kwavo, kuti avanzwire ngoni vose. |
| 33 |
| Haiwa, udzamu hwokupfuma kwouchenjeri noruzivo rwaMwari! Kutonga kwake hakunganzverwi, uye makwara ake haangarondwi! |
| 34 |
| “Ndianiko akaziva pfungwa dzaShe? Kana akava mupi wake wamazano?” |
| 35 |
| “Ndianiko akambopa kuna Mwari kuti Mwari angamuripirazve?” |
| 36 |
| Nokuti zvose zvinobva kwaari uye zviripo kubudikidza naye uye zvose ndezvake. Ngaave nokubwinya nokusingaperi! Ameni. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/romans/011.mp3
16
11