|
| 1 |
|
| Naizvozvo ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, netsitsi dzaMwari, kuti muise miviri yenyu, chive chibayiro chipenyu, chitsvene, chinofadza Mwari, ndiko kunamata kwenyu kwomwoyo. |
|
| 2 |
|
| Musaenzaniswa nenyika ino; asi mushandurwe murangariro wenyu uchivandudzwa, kuti muedze muzive kuda kwaMwari kwakanaka, kunofadza, kwakakwana. |
|
| 3 |
|
| Nokuti nenyasha dzandakapiwa, ndinoudza mumwe nomumwe ari pakati penyu, kuti arege kuzvifunga mukuru kupfuura paanofanira kufunga napo; asi afunge nokufunga kwakachenjera, mumwe nomumwe nechiyero chokutenda, sezvaakagoverwa naMwari. |
|
| 4 |
|
| Nokuti sezvatine mitezo mizhinji pamuviri mumwe, asi mitezo yose haina basa rimwechete; |
|
| 5 |
|
| saizvozvo isu, tiri vazhinji, tiri muviri mumwechete muna Kristu, mumwe nomumwe ari mutezo wavamwe. |
|
| 6 |
|
| Tine zvipo zvakasiyana, patakapiwa nyasha napo; kana kuri kuporofita, ngatiporofite zvakaenzana nokutenda kwedu; |
|
| 7 |
|
| kana kuri kushumira, ngazvionekwe pakushumira kwedu; kana kuri kudzidzisa, pakudzidzisa kwedu; |
|
| 8 |
|
| kana kuri kurayira, pakurayira kwedu; anopa, ngaape nomwoyo wose; ari mukuru, ngaabate nokushingaira; anoitira ngoni, ngaaite nomufaro. |
|
| 9 |
|
| Rudo ngarurege kuva nokunyengera. Vengai zvakaipa; namatirai zvakanaka. |
|
| 10 |
|
| Kana ruri rudo pakati pavatendi, danai norudo rukuru; pakukudzana tungamiriranai. |
|
| 11 |
|
| Regai kuva nousimbe pakushingaira; pisai pamweya; batirai Ishe; |
|
| 12 |
|
| farai patariro; tsungirirai pakutambudzika; rambai muchinyengetera; |
|
| 13 |
|
| govanai navatsvene pakushayiwa kwavo; itirai vaeni rudo. |
|
| 14 |
|
| Ropafadzai vanokutambudzai; ropafadzai, musatuka. |
|
| 15 |
|
| Farai navanofara; chemai navanochema. |
|
| 16 |
|
| Ivai nomwoyo mumwe pakati penyu. Musatsvaka zvinorumbidzwa, asi mufambidzane navanozvininipisa. Musati pamwoyo yenyu makachenjera. |
|
| 17 |
|
| Musatsiva munhu chakaipa kana akuitirai chakaipa. Tsvakai zvakarurama pamberi pavanhu vose. |
|
| 18 |
|
| Kana zvichibvira, pamunogona napo, ivai norugare navanhu vose. |
|
| 19 |
|
| Musatsiva, vadikanwi, asi mudziurire kutsamwa; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, “Kutsiva ndokwangu, ini ndicharipira ndizvo zvinoreva Ishe.” |
|
| 20 |
|
| Asi kana muvengi wako aziya, umupe kudya; kana afa nenyota, umupe kunwa; nokuti kana uchiita izvozvo, uchatutira mazimbe omoto pamusoro wake. |
|
| 21 |
|
| Usakundwa nezvakaipa, asi ukunde zvakaipa nezvakanaka. |
|
|
|
|