|
| 1 |
|
| Ndinoreverera kwamuri hanzvadzi yedu Febhi, muranda wekereke iri paSeniseria. |
|
| 2 |
|
| Ndinokukumbirai kuti mumugamuchire muna She sezvinofanira vatsvene uye mumubatsire pazvinhu zvose zvaangashayiwa, nokuti akabatsira zvikuru vanhu vazhinji, kusanganisira neniwo. |
|
| 3 |
|
| Kwazisai Pirisira naAkwira, vanobata neni muna Kristu Jesu. |
|
| 4 |
|
| Vakaisa upenyu hwavo panjodzi nokuda kwangu. Kwete ini ndoga asi kuti nekereke dzose dzavaHedheni dzinovatenda zvikuru. |
|
| 5 |
|
| Kwazisaiwo kereke inosangana mumba mavo. Kwazisai Epenetasi mudikani wangu, ndiye akava chibereko changu chokutanga muna Kristu munyika yeEzhia. |
|
| 6 |
|
| Kwazisai Maria, akakushandirai kwazvo. |
|
| 7 |
|
| Kwazisai Adhironikasi naJuniasi, hama dzangu vakanga vari mutorongo pamwe chete neni. Vakakurumbira pakati pavapostori, uye vakanditangirawo kuva muna Kristu. |
|
| 8 |
|
| Kwazisai Amupiratasi, uyo wandinoda muna She. |
|
| 9 |
|
| Kwazisai Uribhanusi, anobata nesu muna Kristu, uye naSitakisi mudikani wangu. |
|
| 10 |
|
| Kwazisai Aperesi, akaedzwa uye akaonekwa akakwana muna Kristu. Kwazisai vemhuri yokwaAristobhurusi. |
|
| 11 |
|
| Kwazisai Herodhioni, hama yangu. Kwazisai vari mumhuri yokwaNakisasi vari muna She. |
|
| 12 |
|
| Kwazisai Tirifena naTirifosa, vakadzi vanobata nesimba muna She. Kwazisai mudikani wangu wapamwoyo Perisisi, mumwe mukadzi anobata nesimba muna She. |
|
| 13 |
|
| Kwazisai Rufusi, akasanangurwa muna She uye namai vake, vakanga vari mai vanguwo. |
|
| 14 |
|
| Kwazisai Asingiritasi, naFeregoni, naHerimesi, naPatirobhasi, naHerimasi, uye nehama dzavanadzo. |
|
| 15 |
|
| Kwazisai Firorogasi naJuria, naNerea nehanzvadzi yake naOrimbasi uye navatsvene vose vavanavo. |
|
| 16 |
|
| Kwazisanai nokutsvodana kutsvene. Kereke dzose dzaKristu dzinokukwazisai. |
|
| 17 |
|
| Ndinokukumbirai zvikuru, hama dzangu, kuti muchenjerere vaya vanopesanisa uye vanoisa zvigumbuso pamberi penyu vanopikisana nedzidziso yamakadzidza imi. Muve kure navo. |
|
| 18 |
|
| Nokuti vanhu vakadaro havasi kushumira Ishe wedu Kristu, asi dumbu ravo. Nokutaura kwakanaka uye nokubata kumeso, vanonyengera vanhu vane pfungwa dzisina uchenjeri. |
|
| 19 |
|
| Vanhu vakanzwa zvokuteerera kwenyu, naizvozvo ndine mufaro mukuru pamusoro penyu; asi ndinoda kuti muve vakachenjera pane zvakanaka, uye muve vasina chavanopomerwa pane zvakaipa. |
|
| 20 |
|
| Mwari worugare achakurumidza kupwanya Satani pasi petsoka dzenyu. Nyasha dzaIshe wedu Jesu ngadzive nemi. |
|
| 21 |
|
| Timoti, anobata neni, anokukwazisai, sezvinoita Rusiasi naJasoni naSosipata, hama dzangu. |
|
| 22 |
|
| Ini Teritiasi, ndanyora tsamba iyi ndinokukwazisai muna She. |
|
| 23 |
|
| Gayosi, uyo akandigamuchira ini nekereke yose iri kuno, anokukwazisai. Erasitosi mubati wehomwe yemari yeguta nehama yedu Kwatosi vanokukwazisai. |
|
| 24 |
|
| Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi mose. Ameni. |
|
| 25 |
|
| Zvino kuna iye anogona kukusimbisai nevhangeri rangu, uye nokuparidzwa kwaJesu Kristu, maererano nokuzarurwa kwechakanga chakavanzika kwamakore namakore akapfuura, |
|
| 26 |
|
| asi zvino chakaratidzwa uye chikaziviswa kubudikidza nezvinyorwa zvavaprofita nokurayira kwaMwari anogara nokusingaperi, kuti ndudzi dzose dzigomuteerera uye dzimutende, |
|
| 27 |
|
| kuna iye oga Mwari akachenjera ngakuve nokubwinya nokusingaperi kubudikidza naJesu Kristu. Ameni. |
|
|
|
|