|
| 1 |
|
| Ko, muJudha anopfuura vamwe pakudii, uye kudzingiswa kunobatsireiko? |
|
| 2 |
|
| Zvizhinji nemitowo yose! Pakutanga, ndivo vakapiwa mashoko aMwari chaiwo. |
|
| 3 |
|
| Ko, kana vamwe vasina kutenda? Kusatenda kwavo kungakonesa kutendeka kwaMwari here? |
|
| 4 |
|
| Kwete, kwete! Mwari ngaave wechokwadi, asi vanhu vose vave venhema. Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Kuitira kuti munzi makarurama pamunotaura, uye mukunde pakutonga kwenyu.” |
|
| 5 |
|
| Asi kana kusarurama kwedu kuchiratidza kururama kwaMwari zvinonyatsoonekwa, tichatiiko? Kuti Mwari haana kururama here kana achiisa hasha dzake pamusoro pedu? (Ndiri kutaura namatauriro avanhu). |
|
| 6 |
|
| Kwete kwete! Dai zvanga zviri izvo, Mwari aizotonga nyika seiko? |
|
| 7 |
|
| Mumwe anogona kuti, “zvino kana nhema dzangu dzichiita kuti chokwadi chaMwari chionekwe uye zvichizowedzera kukudzwa kwake, ko, sei ndichizotongwa somutadzi?” |
|
| 8 |
|
| Ticharegerereiko kutaura sezvatinopomerwa, uye sezvinoreva vamwe vachiti tinoti, “Ngatiitei zvakaipa kuti zvakanaka zvibudepo”? Kutongwa kwavo kwakavafanira. |
|
| 9 |
|
| Zvino tichatiiko? Tinovapfuura here? Kwete napaduku pose! Nokuti tambopa vose mhosva vaJudha navaHedheni yokuva pasi pechivi. |
|
| 10 |
|
| Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Hakuna akarurama, kunyange nomumwe; |
|
| 11 |
|
| hakuna anonzwisisa, hakuna anotsvaka Mwari. |
|
| 12 |
|
| Vose vakatsauka, vose pamwe chete vakava vasina maturo; hapana kana mumwe anoita zvakanaka, kana mumwe zvake.” |
|
| 13 |
|
| “Huro dzavo makuva akashama; ndimi dzavo dzinotaura unyengeri.” “Uturu hwenyoka huri pamiromo yavo.” |
|
| 14 |
|
| “Miromo yavo izere nokutuka nokuvava.” |
|
| 15 |
|
| “Tsoka dzavo dzinokurumidza kuteura ropa; |
|
| 16 |
|
| kuparadza nenhamo zviri panzira dzavo, |
|
| 17 |
|
| Uye nzira yorugare havaizivi.” |
|
| 18 |
|
| “Kutya Mwari hakupo pamberi pavo.” |
|
| 19 |
|
| Zvino tinoziva kuti zvose zvinorehwa nomurayiro, unozvitaura kuna avo vari pasi pomurayiro, kuitira kuti miromo yose ishayiswe chokutaura uye kuti nyika yose ive nemhosva pamberi paMwari. |
|
| 20 |
|
| Naizvozvo hapana achanzi akarurama pamberi pake nokuda kwokuchengeta murayiro; asi kuti, kubudikidza nomurayiro tichaziviswa chivi. |
|
| 21 |
|
| Asi zvino kururama kwaMwari, kwakaratidzwa kunze kwomurayiro, kuchipupurirwa nomurayiro navaprofita. |
|
| 22 |
|
| Kururama uku kunobva kuna Mwari kunouya kubudikidza nokutenda muna Jesu Kristu kuna vose vanotenda. Hapana musiyano, |
|
| 23 |
|
| nokuti vose vakatadza uye vakasasvika pakubwinya kwaMwari, |
|
| 24 |
|
| uye vanoshayirwa mhosva nenyasha dzake kubudikidza nokudzikinura kuri muna Kristu Jesu. |
|
| 25 |
|
| Mwari akamupa iye sechibayiro chokuyananisa kubudikidza nokutenda muropa rake. Akaita izvi kuti aratidze kururamisira kwake, nokuti mukuita mwoyo murefu kwake akaregerera hake zvivi zvakaitwa kare. |
|
| 26 |
|
| Akazviita kuti aratidze kururamisira kwake panguva ino, kuitira kuti ave akarurama uye anoshayira mhosva vaya vanotenda muna Jesu. |
|
| 27 |
|
| Zvino kuzvikudza kuripiko? Kwabviswa. Nomurayiro upiko? Wokuchengetedza murayiro here? Kwete, asi nomurayiro wokutenda. |
|
| 28 |
|
| Naizvozvo tinomira pakuti munhu anoshayirwa mhosva nokutenda kwete nokuchengeta murayiro. |
|
| 29 |
|
| Ko, Mwari ndiMwari wavaJudha voga here? Ko, haazi Mwari wavaHedheniwo here? Hongu ndowavaHedheniwo, |
|
| 30 |
|
| sezvo kuna Mwari mumwe chete uyo acharuramisira vakadzingiswa nokutenda uye vasina kudzingiswa kubudikidza nokutenda kumwe cheteko. |
|
| 31 |
|
| Zvino tinobvisa murayiro nokutenda uku here? Kwete napaduku! Asi, tinosimbisa murayiro. |
|
|
|
|