|
| 1 |
|
| Naizvozvo zvatinoruramiswa nokutenda ngative norugare kuna Mwari naIshe wedu, Jesu Kristu; |
|
| 2 |
|
| watakawana naye mapindiro nokutenda munyasha idzi, dzatinomira madziri; ngatifare netariro yokuona kubwinya kwaMwari. |
|
| 3 |
|
| Zvisati zviri izvo bedzi, asi ngatifarewo mumatambudziko, tichiziva kuti kutambudzika kunouyisa kutsungirira; |
|
| 4 |
|
| kutsungirira kunouyisa kuedzwa; kuedzwa kunouyisa tariro; |
|
| 5 |
|
| tariro hainyadzisi; nokuti rudo rwaMwari rwakadirwa mumwoyo yedu noMweya Mutsvene watakapiwa. |
|
| 6 |
|
| Nokuti tichiri pakushayiwa simba, Kristu panguva yakafanira akafira vasingadi Mwari. |
|
| 7 |
|
| Nokuti zvinorema kuti munhu afire akarurama; nokuti zvimwe mumwe angatsunga kufira akanaka. |
|
| 8 |
|
| Asi Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti Kristu akatifira, tichiri vatadzi. |
|
| 9 |
|
| Zvino, zvatakaruramiswa muropa rake, tichaponeswa zvikuru sei naye pakutsamwa. |
|
| 10 |
|
| Nokuti zvatakayananiswa naMwari nokufa kwoMwanakomana wake, tichiri vavengi vake, zvikuru tichaponeswa kana tayananiswa noupenyu hwake; |
|
| 11 |
|
| zvisati zviri izvo bedzi, asi tinofara zvikuruwo muna Mwari naIshe wedu Jesu Kristu, watakapiwa zvino naye iko kuyananiswa. |
|
| 12 |
|
| Saka, zvivi sezvazvakapinda munyika nomunhu mumwe, norufu rukapinda nezvivi; saizvozvo rufu rwakasvika kuvanhu vose, nokuti vose vakatadza; |
|
| 13 |
|
| nokuti murairo usati wavapo, zvivi zvakanga zviri panyika; asi zvivi hazviverengerwi munhu, kana kusina murairo. |
|
| 14 |
|
| Asi rufu rwakabata ushe kubva kuna Adhamu kusvikira kuna Mosesi, kunyangwe napakatiwo pavasina kutadza nokudarika kwaAdhamu, waiva mufananidzo waakanga achizouya. |
|
| 15 |
|
| Asi chipo chokungopiwa hachifanani nokudarika. Nokuti kana vazhinji vakafa nokudarika kwomumwe, zvikuru nyasha dzaMwari nechipo chakauya nenyasha dzomunhu mumwe, Jesu Kristu, zvakawandira vazhinji. |
|
| 16 |
|
| Uye chipo hachifanani nezvivi zvomunhu mumwe akatadza; nokuti kutonga kwakauya nomunhu mumwe kuti vapiwe mhosva; asi chipo chokungopiwa chakauya nokudarika kuzhinji, kuti varuramisirwe. |
|
| 17 |
|
| Nokuti kana nokudarika kwomumwe rufu rwakabata ushe nomunhu uyu mumwe; zvikuru avo, vakapiwa kuwanda kwenyasha nokwechipo chokururama, vachabata ushe paupenyu nomumwe, iye Jesu Kristu. |
|
| 18 |
|
| Naizvozvo, kutonga sezvakwakauya kuvanhu vose nokudarika kumwe, kuti vapiwe mhosva; saizvozvo nokururamisa kumwe chipo chokungopiwa chakauya kuvanhu vose, kururamisirwa kwoupenyu kukavapo. |
|
| 19 |
|
| Nokuti vazhinji sezvavakaitwa vatadzi nokusateerera kwomumwe, saizvozvo vazhinji vachaitwa vakarurama nokuteerera kwomumwe. |
|
| 20 |
|
| Murairo wakapindawo kuti kudarika kuwande; zvino zvivi pazvakawanda, nyasha dzakawanda nokupfuurisa; |
|
| 21 |
|
| kuti zvivi sezvazvakabata ushe parufu, saizvozvo nyasha dzibate ushe nokururama, zviise kuupenyu husingaperi naJesu Kristu Ishe wedu. |
|
|
|
|