|
| 1 |
|
| Zvino totiiko? Toramba tiri muchitadzo here kuti nyasha dzifashukire? |
|
| 2 |
|
| Kwete, handizvo. Zvingaitike sei kuti, isu kuchitadzo, tiri vanhu vakafa, tirambe tichirarama machiri. |
|
| 3 |
|
| Hamuzivi here kuti isu tose takaombekwa muna Kristu Jesu. Takaombekwa murufu rwake. |
|
| 4 |
|
| Naizvozvo takavigwa pamwechete naye nokuombekwa murufu rwake kuti sokumutswa kwakaitwa Kristu kuvafi nembiri yaBaba isuwo tifambe muupenyu hutsva. |
|
| 5 |
|
| Kana takabatana naye murufu rwaakaita serwake tichabatanawo naye mukumuka kwaakaita. |
|
| 6 |
|
| Tinoziva kuti humunhu hwedu hwakare hwakarovererwa pamuchinjikwa pamwechete naye kuti muviri wezvitadzo uparadzwe uye kuitirawo kuti tirege kuva varanda vechitadzo |
|
| 7 |
|
| nokuti munhu anenge afa atosunungurwa kuchitadzo. |
|
| 8 |
|
| Asi kana takafa pamwe naKristu kudai tinodavira kuti tichararamawo pamwechete naye. |
|
| 9 |
|
| Tinoziva kuti Kristu zvaakamutswa kuvakafa haachazofazve. Rufu haruchamutongazve. |
|
| 10 |
|
| Nokufa kwaakaita, kuchitadzo, akava munhu akafa chakamwe asi upenyu hwake iye zvino anoraramira Mwari. |
|
| 11 |
|
| Naizvozvo imiwo munofanira kuzviona kuti, kuchitadzo muri vanhu vakafa; asi Mwari ari iye upenyu hwenyu muna Kristu Jesu. |
|
| 12 |
|
| Naizvozvo chitadzo ngachirege kukutongai mumiviri yenyu inofa chichiita kuti muteerere havi dzawo. |
|
| 13 |
|
| Musape nhengo dzenyu kuti dzishandiswe kutadza semidziyo yokuita nayo zvakaipa asi zvipei kuna Mwari savanhu vakabviswa murufu vachiendeswa kuupenyu mupe nhengo dzenyu kuna Mwari semidziyo yokushandisa mune zvakarurama. |
|
| 14 |
|
| Chitadzo hachizokutongai nokuti hamusi pasi pomutemo asi muri pasi penyasha. |
|
| 15 |
|
| Ko zvino topara zvitadzo pamusana pokuti hatisi pasi pomutemo asi pasi penyasha here? Handizvo. |
|
| 16 |
|
| Hamuzivi here kuti mukazviisa mumaoko omumwe munhu savaranda vanomuteerera, matova varanda vomunhu iyeyo wamunoteerera? Chingave chitadzo chamunoteerera chinosvitsa kurufu kana kuteerera kunotsvitsa mukururama. |
|
| 17 |
|
| Asi tinotenda Mwari kuti, imi makambenge muri varanda vechitadzo, mava kuteerera nemwoyo wose chidzidziso chiri pamwero chamakazvipira kwachiri. |
|
| 18 |
|
| Madaro kuzvisunungura kuchitadzo, makave varanda voururami. |
|
| 19 |
|
| Tava kutaura zvedu savanhu, sezvinhu zvinongowanikawo muvanhu, pamusana poutera. Sezvamakambopa nhengo dzenyu kune zvetsvina uye nokuhuipi hwakaipisisa, saizvozvowo chipai nhengo dzenyu kune zvakarurama kuti muitwe vatsvene. |
|
| 20 |
|
| Pamaiva varanda vechitadzo makanga makasununguka kuita zvakarurama noururami. |
|
| 21 |
|
| Asi chii chamakawana muzvinhu izvozvo zvamavakutonyara nazvo. Mugumo wazvo rufu. |
|
| 22 |
|
| Zvino zvamakasunungurwa muchitadzo mukava varanda vaMwari, mubayiro wamunowana kuitwa vatsvene. Uye mugumo wazvo upenyu usingaperi |
|
| 23 |
|
| nokuti mubayiro wechitadzo rufu. Asi chipo chaMwari chaanopa pachena upenyu husingaperi muna Jesu Kristu Tenzi wedu. |
|
|
|
|