|
| 1 |
|
| Zvino tichatiiko? Torambira muzvivi kuti nyasha dziwande here? |
|
| 2 |
|
| Haisva! Isu takafa kuzvivi, tichagara seiko mukati mazvo? |
|
| 3 |
|
| Ko hamuzivi here kuti isu takabhabhatidzwa muna Kristu Jesu, takabhabhatidzwa murufu rwake? |
|
| 4 |
|
| Naizvozvo pakubhabhatidzwa takavigwa pamwechete naye murufu; kuti saiye Kristu akamutswa kuvakafa nokubwinya kwaBaba, saizvozvo nesuwo tifambe noupenyu hutsva. |
|
| 5 |
|
| Nokuti kana takava vamwe naye pakufanana naye parufu rwake, tichadarowo pakumuka kwake; |
|
| 6 |
|
| tichiziva izvi, kuti munhu wedu wekare wakaroverwa pamuchinjikwa pamwechete naye, kuti muviri wezvivi ushaiswe simba, tirege kuzova varanda vezvivi; |
|
| 7 |
|
| nokuti akafa, aruramiswa pazvivi. |
|
| 8 |
|
| Zvino kana takafa pamwechete naKristu, tinotenda kuti tichararamawo pamwechete naye; |
|
| 9 |
|
| tichiziva kuti Kristu, amutswa kuvakafa, haachazofi; rufu haruchavi nesimba pamusoro pake. |
|
| 10 |
|
| Nokuti pakufa kwake, akafa kamwe kwazvo kuzvivi; zvino pakurarama kwake, anorarama kuna Mwari. |
|
| 11 |
|
| Saizvozvo nemiwo muzviti makafa kuzvivi, asi kuti muri vapenyu kuna Mwari, muna Kristu Jesu. |
|
| 12 |
|
| Naizvozvo zvivi ngazvirege kubata ushe mumuviri wenyu unofa, kuti muteerere kuchiva kwawo; |
|
| 13 |
|
| uye musapa zvivi mitezo yenyu, kuti dzive nhumbi dzokuita zvisakarurama; asi muzvipe imi kuna Mwari, savanhu vakararama kuvakafa, nemitezo yenyu kuti dzive nhumbi dzokururama kuna Mwari. |
|
| 14 |
|
| Nokuti zvivi hazvingavi nesimba pamusoro penyu; nokuti hamuzi pasi pomurairo asi pasi penyasha. |
|
| 15 |
|
| Zvino tichatiiko? Titadze, nokuti hatizi pasi pomurairo here, asi pasi penyasha? Haisva! |
|
| 16 |
|
| Hamuzivi here, kuti uyo wamunozvipa kwaari kuti muve varanda vake kumuteerera, kuti muri varanda vaiye wamunoteerera; kana vezvivi zvinoisa kurufu, kana wokuteerera kunoisa kukururama? |
|
| 17 |
|
| Asi Mwari ngaavongwe, nokuti imi maiva varanda vezvivi, mukazoteerera nomwoyo rudzi urwu rwedzidziso yamakaiswa kwairi. |
|
| 18 |
|
| Makasunungurwa pazvivi, mukava varanda vokururama. |
|
| 19 |
|
| Ndinotaura nokutaura kwavanhu, nokuda kwokushayiwa simba kwenyama yenyu; nokuti sezvamakapa mitezo yenyu kuti ive varanda vetsvina, navezvisakarurama zvinoisa kune zvisakarurama, saizvozvo ipai mitezo yenyu zvino ive varanda vokururama kunoisa kuutsvene. |
|
| 20 |
|
| Nokuti panguva iyo muchiri varanda vezvivi, makanga makasununguka pakururama. |
|
| 21 |
|
| Zvino maiva nezvibereko zveiko panguva iyo pazvinhu izvo zvamunonyadziswa nazvo zvino? Nokuti kuguma kwazvo ndirwo rufu. |
|
| 22 |
|
| Asi zvino makasunungurwa pazvivi, mava varanda vaMwari, mune zvibereko zvenyu zvinoisa kuutsvene, uye kuguma kwazvo ndihwo upenyu husingaperi. |
|
| 23 |
|
| Nokuti mubairo wezvivi ndirwo rufu; asi chipo chokungopiwa chaMwari ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu, Ishe wedu. |
|
|
|
|