|
| 1 |
|
| Ndinotaura chokwadi muna Kristu, handirevi nhema, hana yangu inondipupurira muMweya Mutsvene |
|
| 2 |
|
| ndino kusuwa kukuru kwazvo neshungu dzisingaperi mumwoyo mangu. |
|
| 3 |
|
| Nokuti ndinoshuva kuti dai ini pachangu ndaiva munhu akatukwa uye ndakaparadzaniswa naKristu nokuda kwehama dzangu, ivo vorudzi rwangu, |
|
| 4 |
|
| ivo vanhu veIsraeri. Kuva vana ndokwavo; nokubwinya ndokwavo, nesungano, nokupiwa kwomurayiro, nokunamata Mwari mutemberi uye zvipikirwa ndezvavo. |
|
| 5 |
|
| Madzibaba ndaavo, uye naKristu akabva kwavari panyama, ari Mwari pamusoro pazvose, anokudzwa nokusingaperi! Ameni. |
|
| 6 |
|
| Hazvirevi kuti shoko raMwari rakakundikana. Nokuti havazi vose vari zvizvarwa zvaIsraeri vanova vaIsraeri. |
|
| 7 |
|
| Uye nokuti zvavari vorudzi rwake, vose vana vaAbhurahama. Asi zvinonzi, “Kuna Isaka ndiko kuchatumidzwa rudzi rwako.” |
|
| 8 |
|
| Namamwe mashoko, havazi vana panyama vanova vana vaMwari, asi vana vechipikirwa ndivo vanonzi vana vaAbhurahama. |
|
| 9 |
|
| Nokuti aya ndiwo mashoko echipikirwa: “Panguva yakatarwa ndichauya, uye Sara achava nomwanakomana.” |
|
| 10 |
|
| Kwete izvozvo zvoga, asi kuti naRabhekawo akava navana vomunhu mumwe uye baba vamwe, baba vedu Isaka. |
|
| 11 |
|
| Asi mapatya asati azvarwa, vasati vaita chakanaka kana chakaipa, kuitira kuti kuda kwaMwari pakusarudza kwake kusimbiswe, |
|
| 12 |
|
| kwete nokuda kwamabasa asi nokuda kwake iye anodana, akaudzwa kuti, “Mukuru achava muranda womuduku.” |
|
| 13 |
|
| Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Jakobho ndakamuda, asi Esau ndakamuvenga.” |
|
| 14 |
|
| Zvino tichatiiko? Mwari haaruramisiri here? Kwete napaduku! |
|
| 15 |
|
| Nokuti anoti kuna Mozisi: “Ndichanzwira ngoni wandichanzwira ngoni, uye ndichaitira tsitsi wandichaitira tsitsi.” |
|
| 16 |
|
| Naizvozvo, hazvibvi pashungu kana pamabasa omunhu, asi patsitsi dzaMwari. |
|
| 17 |
|
| Nokuti Rugwaro runoti kuna Faro, “Ndakakumutsira chikonzero ichochi, kuti ndiratidze simba rangu mauri uye kuti zita rangu rigoparidzwa panyika yose.” |
|
| 18 |
|
| Naizvozvo Mwari anonzwira ngoni waanoda kunzwira ngoni, uye anoomesa mwoyo wouyo waanoda kuomesa. |
|
| 19 |
|
| Mumwe wenyu angati kwandiri, “Zvino sei Mwari achiramba achitipa mhosva? Nokuti ndianiko acharamba kuda kwake?” |
|
| 20 |
|
| Zvino iwe munhu, ndiwe aniko, kuti upindure Mwari? “Chakaumbwa chingati kune akachiumba, ‘Wakandiitirei zvakadai?’ ” |
|
| 21 |
|
| Muumbi wehari haana simba pamusoro pevhu here, kuti nebundu rimwe chetero aite mimwe midziyo inokudzwa nemimwe midziyo isingakudzwi? |
|
| 22 |
|
| Ko, kana Mwari akasarudza kuratidza kutsamwa kwake, uye kuti azivise simba rake, akaita nomwoyo murefu zvikuru pamusoro pemidziyo yokutsamwira kwake, yakagadzirirwa kuparadzwa? |
|
| 23 |
|
| Kana akaita izvi kuti azivise kupfuma kwokubwinya kwake kumidziyo yengoni, avo vaakagadzirira kare kubwinya, |
|
| 24 |
|
| kunyange isu, vaya vaakadana, kwete kubva kuvaJudha chete asi nokubva kuvaHedheniwo? |
|
| 25 |
|
| Sezvaanotaura mubhuku raHosea achiti, “Ndichavati ‘vanhu vangu’ vaya vakanga vasiri vanhu vangu; uye ndichamuti, ‘mudikanwi wangu’ iye akanga asiri mudikanwi wangu.” |
|
| 26 |
|
| uye, Zvichaitika kuti paya painzi kwavari, “Hamuzi vanhu vangu; vachanzi ‘vanakomana vaMwari mupenyu.’ ” |
|
| 27 |
|
| Uye Isaya anodanidzira pamusoro peIsraeri, achiti, “Kunyange kuwanda kwavaIsraeri kwakaita sejecha regungwa, vakasara chete ndivo vachaponeswa. |
|
| 28 |
|
| Nokuti Ishe achaisa mutongo wake panyika nokukurumidza uye achaupedzisa.” |
|
| 29 |
|
| Zvakaita sezvakamborehwa naIsaya achiti, “Dai asiri Jehovha Wamasimba Ose akatisiyira zvizvarwa, tingadai takaita seSodhomu tingadai takaita seGomora.” |
|
| 30 |
|
| Zvino tichatiiko? Tichati vaHedheni vasina kutsvaka kururama, ndivo vakakuwana, iko kururama kwokutenda; |
|
| 31 |
|
| asi vaIsraeri vakatevera murayiro wokurarama, havana kukuwana. |
|
| 32 |
|
| Seiko zvisina kudaro? Nokuti havana kuutevera nokutenda asi sokunge namabasa avo. Vakagumburwa neibwe “rinogumbusa.” |
|
| 33 |
|
| Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Tarira, ndinoisa paZioni ibwe rinogumbusa kuvanhu, nedombo rinovapinganidza kuti vawe, uye uyo anotenda kwaari haanganyadziswi.” |
|
|
|
|