|
| 1 |
|
| Ndinotaura chokwadi muna Kristu, handirevi nhema uye hana yangu iina Mweya Mutsvene inondipupurira |
|
| 2 |
|
| kuti ndinosuruvara uye ndinoramba ndichishushikana mumwoyo zvikuru. |
|
| 3 |
|
| Ndingatoda zvangu kuti iyeni pachangu ndipinde rushambwa uye kuti ndichekaniswe zvangu ukama naKristu pamusana pehama dzangu voukama nemi parudzi. |
|
| 4 |
|
| Ivava vaIsiraeri uye ndivo vana vane mbiri, vakaitwa navo zvitenderano vakapiwa mutemo, vanamati vane zvavakapikirwa. |
|
| 5 |
|
| Ndivo vechizvarwa chamadzitateguru aya parudzi rwavo uye pamazvarirwo anoitwa vanhu, ndikowo kwakabva Kristu. Iye Mwari anotonga vose ngaarumbidzwe nokusingaperi. |
|
| 6 |
|
| Hakusi kuti izwi raMwari rakakundikana nokuti havasi vose vechizvarwa chaIsiraeri vari vaIsiraeri. |
|
| 7 |
|
| Havasi vose vechizvarwa chaAbhurahamu vari vana vaAbhurahamu asi kuti zvinonzi, “Zvizvarwa zvako zvichadaidzwa nomuzita raIsaki.” |
|
| 8 |
|
| Zvichireva kuti vana vaMwari havasiri avo vechizvarwa chenyama asi kuti vana vechitsidzo ndivo vanonzi vana vake chaivo. |
|
| 9 |
|
| Chitsidzo chacho chaiti: “Ndichadzoka nguva yakaita seino iyi, ipapo Sara achava nomwana mukomana.” |
|
| 10 |
|
| Hazvisizvo zvoga asi kutiwo Rabheka paakabata pamuviri pamapatya nomurume mumwechete tateguru wedu Isaki; |
|
| 11 |
|
| kunyange paakanga asati aberekwa asati amboita chakanaka kana chakaipa uye kuri kuti kusarudza kwaidiwa naMwari kuenderere mberi, kwete pamusana pamabasa asi pamusana pokudaidza kwake akataurirwa kuti, |
|
| 12 |
|
| “Mukoma achashandira munun'una.” |
|
| 13 |
|
| Ndiko kunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Jakobho ndiye waiva wapamwoyo pangu asi Esau akanga asiri wapamwoyo pangu.” |
|
| 14 |
|
| Zvino totiiko, zvinoreva kuti Mwari ano rusaruro here? Kwete handizvo |
|
| 15 |
|
| nokuti anoti kuna Mosesi, “Ndichaitira tsitsi wandinenge ndada kuitira tsitsi nokunzwira urombo wandinenge ndada kunzwira urombo.” |
|
| 16 |
|
| Saizvozvo hazvinei nezvinodiwa nomunhu kana zvinoedzwa kuitwa nomunhu asi chinebasa itsitsi dzaMwari. |
|
| 17 |
|
| Magwaro Matsvene anoti kuna Faro, “Chandakakuitira mambo ndechokuti ndiratidze simba rangu nemauri, kuti zita rangu riparidzwe pasi pose.” |
|
| 18 |
|
| Naizvozvo anoitira tsitsi kune wose waanenge ada achiita kuti waanenge ada zvake amuaomese mwoyo. |
|
| 19 |
|
| Saka muchanditi, ko zvino anozopirei munhu mhosva nokuti ndiani angapikisane nezvaanoda. |
|
| 20 |
|
| Asi iwe uri aniwo zvako munhuwo zvako kupindura Mwari. Chiumbwa chingati here kumuumbi wacho: “Wakandiumbirei zvakadai.” |
|
| 21 |
|
| Muumbi haana mvumo here yokuita zvaanoda nomunyakwe achiita nechidimbu chawo chimwechetecho mudziyo wokushongedza nawo nomumwe wokushandisawo zvawo. |
|
| 22 |
|
| Ndizvozvowo zvina Mwari, ko dai kuri kuti anoda zvake kuratidza hasha dzake nokuranga achiratidza simba rake iye achizvidzora zvake achiitira mwoyo murefu kwazvo midziyo inofanira kuparadzwa |
|
| 23 |
|
| pamusana pokuda kuratidza kukura kwembiri yake kumidziyo inofanira kuitirwa tsitsi yaakafanogadzirira mbiri. |
|
| 24 |
|
| Kunyange iyesu takadaidzwa tichibva kwete kuvaJudha voga asi tichibvawo mukati mevechirudzi? |
|
| 25 |
|
| Sokutaura kwaanoita muna Hosea achiti: “Avo vakanga vasiri vanhu vangu ndava kuvati vanhu vangu, vandaiti havasi vapamwoyo ndava kuvati vapamwoyo.” |
|
| 26 |
|
| Panzvimbo imwecheteyo pavakambonzi, “Hamusi vanhu vangu, vachanzi vana vaMwari mupenyu.” |
|
| 27 |
|
| Isaya anodaidzirawo nezvavaIsiraeri achiti, “Kunyange zvazvo vaIsiraeri vowanda sejecha rogungwa asi katsama kavo ndiko chete kachaponeswa |
|
| 28 |
|
| nokuti Tenzi achatoranga nyika uye nokukurumidza.” |
|
| 29 |
|
| Sokufanotaura kwakaita Isaya achiti, “Dai Tenzi wehondo nehondo asina kutisiira vana tingadai takaita seSodhomu kana kuita seGomora.” |
|
| 30 |
|
| Zvino toti kudiniko? Toti here vechirudzi vasina kutevedza ururami vakahuwana? Zvichireva ururami hunowanikwa nechitendero? |
|
| 31 |
|
| Tochitiwo vaIsiraeri vakatevedza urarami hunowanikwa nokuchengeta mutemo vakakundika kudzidzisa mutemo iwoyo here? |
|
| 32 |
|
| Pamusana pei? Nokuti havana kuutevedza nechitendero asi vaiita sokunge hunowanikwa namabasa. Vakagumburwa nedombo rinogumbura |
|
| 33 |
|
| sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi: “Hezvo ndaisa dombo muZioni richaita kuti vazhinji vagumburwe ibwe richaita kuti vaputsike. Anotenda maari haazonyadziswi.” |
|
|
|
|