|
| 1 |
|
| Pauro, wakadamwa nokuda kwaMwari, kuti ave muapositora waKristu Jesu, naSostene, hama yedu, |
|
| 2 |
|
| kukereke yaMwari iri paKorinde, kunavakaitwa vatsvene munaKristu Jesu, vakadamwa kuti vave vatsvene pamwe chete navose vanodana pose-pose zita raJesu Kristu, Ishe wedu, wavo nowedu: |
|
| 3 |
|
| Nyasha ngadzive nemi, norugare runobva kunaMwari, baba vedu, naShe Jesu Kristu. |
|
| 4 |
|
| Ndinogara ndichivonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyu, pamusoro penyasha dzaMwari dzamakapiwa munaKristu Jesu; |
|
| 5 |
|
| kuti makafumiswa pazvose maari, pakutaura kose, napakuziva kose; |
|
| 6 |
|
| nokudaro vuchapupu bwaKristu bwakasimbiswa mamuri; |
|
| 7 |
|
| kuti hamushaiwi chipo chimwe; muchimirira kuratidzwa kwaShe wedu, Jesu Kristu; |
|
| 8 |
|
| uchakusimbisai kusvikira pakuguma, muve vasingapomerwi pazuva raShe Jesu Kristu. |
|
| 9 |
|
| Mwari ndiye wakatendeka, wamakadamwa naye kuyanana noMwanakomana wake, Jesu Kristu, Ishe wedu. |
|
| 10 |
|
| Zvino ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, nezita raShe wedu, Jesu Kristu, kuti imwi mose mutaure chinhu chimwe, kuti pakati penyu kurege kuva nokupesana; asi kuti musonganiswe zvakanaka pamurangariro mumwe nokufunga kumwe. |
|
| 11 |
|
| Nokuti ndakavudzwa pamusoro penyu, hama dzangu, navari vokwaKroe, kuti kunegakava pakati penyu. |
|
| 12 |
|
| Zvandinoreva ndizvo, kuti mumwe nomumwe wenyu unoti: Ini ndiri waPauro, ini waAporo, ini waKefasi, ini waKristu. |
|
| 13 |
|
| Ko Pauro wakaroverwa pamuchinjikwa nokuda kwenyu here? Ko makabhabhatidzwa muzita raPauro here? |
|
| 14 |
|
| Ndinovonga Mwari, kuti handina kubhabhatidza mumwe wenyu, asi Krispo naGayo; |
|
| 15 |
|
| kuti kurege kuva nomunhu ungati, makabhabhatidzwa muzita rangu. |
|
| 16 |
|
| Ndakabhabhatidzavo veimba yaStefana; asi vamwe, handizivi kana ndakabhabhatidza mumwe. |
|
| 17 |
|
| Nokuti Kristu haana kundituma kubhabhatidza, asi kuti ndiparidze evhangeri; ndisingaiti nenjere dzamashoko, kuti muchinjikwa waKrsitu urege kukoneswa. |
|
| 18 |
|
| Nokuti shoko romuchinjikwa vupenzi kunavanoparadzwa; asi kwatiri., isu tinoponeswa, isimba raMwari. |
|
| 19 |
|
| Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Ndichaparadza vuchenjeri bwavakachenjera, Ndichakonesa kuziva kwavanoziva. |
|
| 20 |
|
| Wakachenjera uripiko? Munyori uripiko? Muiti wenharo wenyika ino uripiko? Mwari haana kuita vuchenjeri bwenyika bwuve vupenzi here? |
|
| 21 |
|
| Nokuti pashure muvuchenjeri bwaMwari, nyika novuchenjeri bwayo haina kuziva Mwari, nokuti zvakafadza Mwari novupenzi bwokuparidza kuponesa vanotenda. |
|
| 22 |
|
| Nokuti vaJudha vanokumbira chiratidzo, navaGiriki vanotsvaka vuchenjeri; |
|
| 23 |
|
| asi isu tinoparidza Kristu, wakaroverwa pamuchinjikwa, chigumbuso kuvaJudha, novupenzi kuvahedheni; |
|
| 24 |
|
| asi kunavakadamwa, vaJudha navaGiriki Kristu isimba raMwari novuchenjeri hwaMwari. |
|
| 25 |
|
| Nokuti vupenzi bwaMwari bwakachenjera kupfuvura vanhu; novutera bwaMwari bwakasimba kupfuvura vanhu. |
|
| 26 |
|
| Nokuti tarirai kudamwa kwenyu, hama dzangu, kuti havazi vazhinji vakachenjera panyama vakadamwa; havazi vazhinji vanesimba, havazi vazhinji vanokudzwa; |
|
| 27 |
|
| asi Mwari wakatsaura zvinhu zvovupenzi zvenyika, kuti anyadzise vakachenjera; Mwari wakatsaura zvinhu zvinozvidzwa zvenyika, kuti anyadzise izvo zvinesimba; |
|
| 28 |
|
| Mwari wakatsaura zvinhu zvinozidzwa zvenyika, nezvinoshovorwa, nezvinhu zvisipo, kuti ashaise zviripo simba razvo, |
|
| 29 |
|
| kuti kurege kuva nenyama ingazvikudza pamberi paMwari. |
|
| 30 |
|
| Asi naye muri munaKristu Jesu, iye wakatiitirwa isu vuchenjeri bwunobva kunaMwari, nokururama, nokuitwa vatsvene, norudzikinuro. |
|
| 31 |
|
| Kuti unozvirumbidza, ngaazvirumbidze munaShe, sezvazvakanyorwa. |
|
|
|
|