|
| 1 |
|
| Ini Pauro ndakadaidzwa kuti ndive mupositori waKristu Jesu, chiri chido chaMwari, ndinokunyorerai ini pamwechete nehama Sositenesi, |
|
| 2 |
|
| imi vesangano raMwari riri kuKorinde, rinemi vanhu vakaitwa vatsvene muna Kristu Jesu, imi makadaidzwa kuva varurami pamwechete navose vanodaidzira kose kose muzita raTenzi wedu Jesu Kristu, Tenzi wavo neweduwo. |
|
| 3 |
|
| Chikomborero chokuitirwa nyasha nokuwaniswa rugare dai changova nemi chichibva kuna Mwari Baba vedu nokuna Tenzi Jesu Kristu. |
|
| 4 |
|
| Ndinotenda Mwari nguva dzose pamusana penyu nokuda kwenyasha dzaMwari dzamakapihwa muna Kristu Jesu, |
|
| 5 |
|
| kuti muna zvose makapfumiswa maari zvokuti munogona kutaura uye munoziva zvose. |
|
| 6 |
|
| Uchapupu hwaKristu hwakasimbisiswa mamuri, |
|
| 7 |
|
| zvokuti hapana chipo chezvomweya chamusina pamunenge makamirira kuratidzwa pachena kwaTenzi wedu Jesu Kristu. |
|
| 8 |
|
| Ndiye achakusimbaradzai kusvikira kumagumo kuti munge musina mhosva pazuva raTenzi wedu Jesu Kristu. |
|
| 9 |
|
| Mwari akatendeka. Ndiye akakukokai kuti muve noruwadzano naMwanakomana wake Jesu Kristu Tenzi wedu. |
|
| 10 |
|
| Ndinokukumbirisai hama dzangu muzita raTenzi wedu Jesu Kristu kuti mose zvenyu munzwanane uye kuti parege kuva namakakatanwa pakati penyu, kuti mose munzwanane mupfungwa nemwoyo mumwechete. |
|
| 11 |
|
| Ndinodaro nokuti ndakataurirwa nevemhuri yokwaKurowe kuti pane kupopotedzana pakati penyu, hama dzangu. |
|
| 12 |
|
| Zvandinoreva ndezvizvi zvokuti, mose mavakuti ini ndiri waPauro mumwe achiti ndiri waAporosi mumwewo achiti ndiri waKefasi mumwewo achiti ndiri waKristu. Ko iye Kristu akadanzuranwa here? |
|
| 13 |
|
| Ko Pauro akakurovererwai pamuchinjikwa here? Kana kuti zvimwe makaombekwa muzita raPauro here? |
|
| 14 |
|
| Ndinotenda Mwari kuti handina mumwe wenyu wandakaombeka kusiya Krisiposi naGayosi |
|
| 15 |
|
| kuti pashaye anoti makaombekwa muzita rangu. |
|
| 16 |
|
| Ehe, ndakaombekawo vemhuri yaStefanosi. Kunze kwaivava, hameno kana pano mumwezve wandakaombeka. |
|
| 17 |
|
| Chikonzero chacho ndechokuti Kristu haana kundituma kuzoombeka asi kuzoparidza Shoko Rakanaka uye kwete namazwi oungwaru kuti muchinjikwa waKristu urege kutorerwa simba rawo. |
|
| 18 |
|
| Zvinoreva muchinjikwa, ndezvoupenzi kuna vakananga kundoparadzwa asi kunesu vari kundoponeswa, isimba raMwari |
|
| 19 |
|
| nokuti zvakanyorwa zvichinzi, “Ndichaparadza ungwaru hwavakachenjera uye ndichashaisa maturo ruzivo rwavazivi.” |
|
| 20 |
|
| Mungwaru achazova papi ipapa? Zvino iyo nyanzvi yomutemo ichavapapi? Nyanzvi dzokufunga dzomukore uno dzichazova papi ipapo? Mwari haana kuita kuti ungwaru hwapasi pano, huve upenzi here? |
|
| 21 |
|
| Nokuti ungwaru hwaMwari ihoho hwakaita kuti vanhu vasazive Mwari noungwaru hwavo. Uye zvakafadza Mwari kuponesa vanotenda, vachibatsirwa nezvoupenzi zvatinoparidza. |
|
| 22 |
|
| VaJudha vanoda zvishamiso vaGiriki vanotsvaga ungwaru. |
|
| 23 |
|
| Asi isu tinoparidza Kristu akarovererwa pamuchinjikwa. Izvi chigumburo kunavaJudha uye upenzi zvahwo kune vechirudzi. |
|
| 24 |
|
| Kuna vakadaidzwa zvavo, vangave vaJudha kana vaGiriki, tinoparidza Kristu, iye simba raMwari noungwaru hwaMwari. |
|
| 25 |
|
| Upenzi hwaMwari ungwaru kupinda ungwaru hwavanhu uye utera hwaMwari hune simba kupinda ravanhu. |
|
| 26 |
|
| Yeukai kuti pamakadaidzwa hama dzangu, havasi vangani venyu vakanga vakangwara sokuona kunoita nyika. Havazi vangani venyu vaiva noukuru kana vaiva vokumba huru. |
|
| 27 |
|
| Asi Mwari akasarudza vanoonekwa nenyika samazungairwa kuti anyadzise vangwaru. Mwari akasarudza vanoonekwa nenyika savasina simba kunyadzisa vakasimba. |
|
| 28 |
|
| Mwari akasarudza vanoonekwa savapasi pasi navanhu vakazvidzika panyika kuti zvinonzi ndizvo zvinhu kwazvo zvive zvenhando |
|
| 29 |
|
| kuitirawo kuti pashaye munhu anozvikudza pamberi paMwari. |
|
| 30 |
|
| Kuna Mwari ndiko kunobva upenyu hwenyu muna Kristu Jesu waakaita kuti ave ndiye ungwaru hwedu, uye kuti ave ndiye anotiruramisa, anotiita vatsvene nokuva rudzikinuro rwedu. |
|
| 31 |
|
| Saizvozvo, sokunyorwa kwazvakaitwa, “Anozvirumbidza ngaazvirumbidze naTenzi.” |
|
|
|
|