Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| Pauro, akadanwa nokuda kwaMwari, kuti ave mupostori waKristu Jesu, naSositene, hama yedu, |
| 2 |
| kuchechi yaMwari iri muKorinde, kuna vakaitwa vatsvene muna Kristu Jesu, vakadanwa kuti vave vatsvene pamwechete navose vanodana pose pose zita raJesu Kristu Ishe wedu, wavo nowedu. |
| 3 |
| Nyasha ngadzive nemi, norugare runobva kuna Mwari, Baba vedu, naIshe Jesu Kristu. |
| 4 |
| Ndinogara ndichivonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyu, pamusoro penyasha dzaMwari dzamakapiwa muna Kristu Jesu; |
| 5 |
| kuti makapfumiswa pazvose maari, pakutaura kwose, napakuziva kwose; |
| 6 |
| nokudaro uchapupu hwaKristu hwakasimbiswa mamuri; |
| 7 |
| kuti hamushayiwi chipo chimwe; muchimirira kuratidzwa kwaIshe wedu, Jesu Kristu; |
| 8 |
| achakusimbisai kusvikira pakuguma, muve vasingapomerwi mhosva pazuva raIshe Jesu Kristu. |
| 9 |
| Mwari ndiye akatendeka, wamakadanwa naye kuyanana noMwanakomana wake, Jesu Kristu, Ishe wedu. |
| 10 |
| Zvino ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, nezita raIshe wedu, Jesu Kristu, kuti imi mose mutaure chinhu chimwe, kuti pakati penyu kurege kuva nokupesana; asi kuti musanganiswe zvakanaka pamurangariro mumwe nokufunga kumwe. |
| 11 |
| Nokuti ndakaudzwa pamusoro penyu, hama dzangu, navarwi vokwaKirowe, kuti kune gakava pakati penyu. |
| 12 |
| Zvandinoreva ndizvokuti, mumwe nomumwe wenyu anoti, “Ini ndiri waPauro,” “Ini waAporo,” “Ini waKefasi,” “Ini waKristu.” |
| 13 |
| Ko Kristu akaparadzaniswa here? Ko Pauro akaroverwa pamuchinjikwa nokuda kwenyu here? Ko makabhabhatidzwa muzita raPauro here? |
| 14 |
| Ndinovonga Mwari, kuti handina kubhabhatidza mumwe wenyu, asi Kirisipo naGayo; |
| 15 |
| kuti kurege kuva nomunhu angati, makabhabhatidzwa muzita rangu. |
| 16 |
| Ndakabhabhatidzawo veimba yaSitefana; asi vamwe, handizivi kana ndakabhabhatidza mumwe. |
| 17 |
| Nokuti Kristu haana kundituma kubhabhatidza, asi kuti ndiparidze Vhangeri; ndisingaiti nenjere dzamashoko, kuti muchinjikwa waKristu urege kukoneswa. |
| 18 |
| Nokuti shoko romuchinjikwa upenzi kuna vanoparadzwa; asi kwatiri, isu tinoponeswa, isimba raMwari. |
| 19 |
| Nokuti kwakanyorwa kuchinzi, “Ndichaparadza uchenjeri hwavakachenjera, Ndichakonesa kuziva kwavanoziva.” |
| 20 |
| Akachenjera aripiko? Munyori aripiko? Muiti wenharo wenyika ino aripiko? Mwari haana kuita uchenjeri hwenyika huve upenzi here? |
| 21 |
| Nokuti nouchenjeri hwaMwari, nyika nouchenjeri hwayo zvaisina kuziva Mwari, Mwari akafadzwa nazvo kuti vanotenda avaponese noupenzi hwokuparidza. |
| 22 |
| Nokuti vaJudha vanokumbira zviratidzo, navaGiriki vanotsvaka uchenjeri; |
| 23 |
| asi isu tinoparidza Kristu, akaroverwa pamuchinjikwa, chigumbuso kuVaJudha, noupenzi kuvahedheni; |
| 24 |
| asi kuna vakadanwa, vaJudha navaGiriki, Kristu isimba raMwari, nouchenjeri hwaMwari. |
| 25 |
| Nokuti upenzi hwaMwari hunopfuura vanhu nouchenjeri; noutera hwaMwari hunopfuura vanhu pasimba. |
| 26 |
| Nokuti tarirai kudanwa kwenyu, hama dzangu, kuti havazi vazhinji vakachenjera panyama vakadanwa; havazi vazhinji vane simba, havazi vazhinji vanokudzwa; |
| 27 |
| asi Mwari akatsaura zvinhu zvisina simba zvenyika, kuti anyadzise izvo zvine simba; |
| 28 |
| Mwari akatsaura zvinhu zvinozvidzwa zvenyika, nezvinoshorwa, nezvinhu zvisipo, kuti ashayise zviripo simba razvo, |
| 29 |
| kuti kurege kuva nomunhu angazvikudza pamberi paMwari. |
| 30 |
| Asi naye muri muna Kristu Jesu, iye akatiitirwa isu uchenjeri hunobva kuna Mwari, nokururama, noutsvene, norudzikinuro. |
| 31 |
| Kuti anozvirumbidza, ngaazvirumbidze muna Ishe, sezvazvakanyorwa. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/1corinthians/001.mp3
16
1