Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| Nokuti handidi, hama dzangu, kuti murege kuziva kuti madzibaba edu ose akanga ari pasi pegore, uye kuti vose vakayambuka gungwa; |
| 2 |
| vose vakabhabhatidzwa muna Mosesi mugore nomugungwa; |
| 3 |
| vose vakadya zvokudya zvimwe zvomweya; |
| 4 |
| vose vakanwa zvokunwa zvimwe zvomweya; nokuti vakanwa padombo romweya rakavatevera; dombo iro rakanga riri Kristu. |
| 5 |
| Asi Mwari haana kufadzwa navazhinji vavo; nokuti vakaparadzwa murenje. |
| 6 |
| Zvino, zvinhu izvi zvakanga zviri zviratidzo kwatiri, kuti isu tirege kuchiva zvakaipa, sezvavakachiva ivo. |
| 7 |
| Imi regai kunamata zvifananidzo, savamwe vavo; sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Vanhu vakagara pasi pakudya nokunwa, vakamuka kuti vatambe.” |
| 8 |
| Zvino ngatirege kuita upombwe, savamwe vavo vakaita upombwe, vakafa nezuva rimwe vane zviuru zvina makumi maviri nezvitatu. |
| 9 |
| Ngatirege kuedza Ishe, savamwe vavo vakamuedza, vakaparadzwa nenyoka. |
| 10 |
| Murege kugunun'una savamwe vavo vakagun'una, vakaparadzwa nomuparadzi. |
| 11 |
| Zvino, izvi zvakavawira, kuti vave zviratidzo; zvakanyorwa kuti tinyeverwe isu, tikasvikirwa nokuguma kwenyika. |
| 12 |
| Naizvozvo, anoti ndinomira, ngaachenjere kuti arege kuwa. |
| 13 |
| Hakuna muedzo wakakubatai imi, asi wavanhu vose; asi Mwari, akatendeka, haangatenderi kuti muedzwe kupfuura pamunogona napo; asi pamwechete nomuedzo, iye achakupaiwo nzira yokubuda nayo, muve nesimba rokutsunga. |
| 14 |
| Naizvozvo, vadikanwi vangu, tizai kunamata zvifananidzo. |
| 15 |
| Ndinotaura sokuna vakachenjera; fungai zvandinotaura. |
| 16 |
| Mukombe wokuvonga watinovonga, hakuzi kusangana neropa raKristu here? Chingwa chatinomedura, hakuzi kusangana nomuviri waKristu here? |
| 17 |
| Zvachiri chingwa chimwechete, isu vazhinji tiri muviri mumwe; nokuti tinogovana tose pachingwa chimwe. |
| 18 |
| Tarirai VaIsiraeri panyama; avo vanodya zvibairo havagovani neatari here? |
| 19 |
| Zvino ndotiiko? Kuti chinobayirwa zvifananidzo chinhu here, kana chifananidzo chinhu here? |
| 20 |
| Kwete, asi ndinoti izvo zvinobayirwa navahedheni, havazvibayiri Mwari, asi mweya yakaipa; zvino handidi kuti muyanane nemweya yakaipa. |
| 21 |
| Hamunganwiri mumukombe waIshe, nomumukombe wemweya yakaipa; hamungadyiri patafura yaIshe napatafura yemweya yakaipa. |
| 22 |
| Ko tinoda kumutsa godo raIshe here? Tinomukunda nesimba here? |
| 23 |
| “Ndakatenderwa zvinhu zvose; asi zvose hazvindibatsiri.” “Ndakatenderwa zvinhu zvose; asi zvose hazvisimbisi.” |
| 24 |
| Munhu ngaarege kuzvitsvakira zvake, asi zvomumwe. |
| 25 |
| Idyai zvose zvinotengwa panotengeswa nyama, musingabvunzi chinhu nokuda kwehana; |
| 26 |
| nokuti nyika ndeyaIshe nokuzara kwayo. |
| 27 |
| Kana mumwe wavasingatendi akakukokerai kuzodya, kana mukada kuenda, idyai zvose zvinoiswa pamberi penyu, musingabvunzi chinhu nokuda kwehana. |
| 28 |
| Asi kana mumwe akati kwamuri, “Ichi chakabayirwa zvifananidzo,” regai kudya nokuda kwaiye akakuratidzai, uye nokuda kwehana; |
| 29 |
| handirevi hana yako, asi yomumwe; nokuti kusununguka kwangu kunotongerweiko nehana yomumwe? |
| 30 |
| Kana ini ndichidya ndichivonga, ndingagotukirweiko nokuda kwechinhu chandinovonga pamusoro pacho? |
| 31 |
| Naizvozvo, kana muchidya, kana muchinwa, kana muchiita chinhu chipi nechipi, itai zvose kuti Mwari akudzwe. |
| 32 |
| Regai kugumbusa kana vaJudha, kana vaGiriki, kana chechi yaMwari. |
| 33 |
| Seniwo ndinofadza vanhu vose pazvinhu zvose, ndisingatsvaki zvingandibatsira ini, asi zvingabatsira vazhinji, kuti vaponeswe. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/1corinthians/010.mp3
16
10