|
| 1 |
|
| Ivai vateveri vangu, seni ndiri muteveri waKristu. |
|
| 2 |
|
| Zvino, ndinokurumbidzai, nokuti munondirangarira pazvinhu zvose, muchichengeta tsika, sezvandakakupai idzo. |
|
| 3 |
|
| Asi ndinoda kuti muzive kuti musoro womumwe nomumwe ndiye Kristu;vuye musoro womukadzi ndiye murume; uye musoro waKristu ndiye Mwari. |
|
| 4 |
|
| Murume mumwe nomumwe, unonyengetera kana kuporofita musoro wake wakafukidzwa, unoninipisa musoro wake. |
|
| 5 |
|
| Asi mukadzi mumwe nomumwe, unonyengetera kana kuporofita musoro wake usina kufukidzwa, unoninipisa musoro wake; nokuti ndizvo zvimwe nokuvevurwa. |
|
| 6 |
|
| Nokuti kana mukadzi asingafukidzwi, ngaachekerwe vhudzi rakevo; asi kana zvisingafaniri kuti mukadzi achekerwe vhudzi, kana avevurwe, ngaafukidzwe. |
|
| 7 |
|
| Nokuti murume haafaniri kufukidza musoro, zvaari mufananidzo nokubwinya kwaMwari; asi mukadzi ndiye kubwinya komurume. |
|
| 8 |
|
| Nokuti murume haabvi kumukadzi; asi mukadzi unobva kumurume; |
|
| 9 |
|
| uye murume haana kusikirwa mukadzi, asi mukadzi wakasikirwa murume; |
|
| 10 |
|
| nokuda kweizvozvo mukadzi unofanira kuva nechiratidzo chesimba pamusoro wake, nokuda kwavatumwa. |
|
| 11 |
|
| Kunyange zvakadaro munaShe mukadzi haazi kunze komurume,, nomurume haazi kunze komukadzi. |
|
| 12 |
|
| Nokuti mukadzi sezvaanobva kumurume, nokudarovo murume unoberekwa nomukadzi; asi zvose zvinobva kunaMwari. |
|
| 13 |
|
| Tongai imwi mumene: Zvakafanira kuti mukadzi anyengetere kunaMwari asina kufukidzwa here? |
|
| 14 |
|
| Ko hamudzidziswi naiwo musikirwe wavanhu kuti kana murume anevhudzi refu, unonyadziswa nazvo here? |
|
| 15 |
|
| Asi kana mukadzi anevhudzi refu, ndiko kubwinya kwake; nokuti wakapiwa vhudzi rake, chive chifukidzo. |
|
| 16 |
|
| Zvino kana mumwe anenge achida kuita gakava, hatinetsika yakadaro isu, kunyange kereke dzaMwari. |
|
| 17 |
|
| Zvino kana ndichikuvudzai izvi, handikurumbidziyi, nokuti hamuvunganiri zvinopfuvura nokunaka, asi zvakaipa. |
|
| 18 |
|
| Nokuti shoko rokutanga, kana muchivungana mukereke, ndinonzwa kuti kupesana kuripo pakati penyu; pamwe ndinotenda kuti ndizvo. |
|
| 19 |
|
| Nokuti dzidziso dzakatsauka dzinofanira kuva pakati penyu, kuti avo vakatendeka vavonekwe pakati penyu. |
|
| 20 |
|
| Zvino kana muchivungana pamwe chete, hakuzi kuti mudye chirayiro chaShe; |
|
| 21 |
|
| nokuti kana modya, mumwe nomumwe unotangira vamwe kudya chirayiro chake; mumwe unenzara, mumwe wakabatwa. |
|
| 22 |
|
| Ko hamunedzimba kwamungadyira nokumwira here? Munozvidza kereke yaMwari, muchinyadzisa avo vasinechinhu here? Ndichaiteiko kwamuri? Ndingakurumbidzai here? Handingakurumbidziyi. |
|
| 23 |
|
| Nokuti ini ndakagamuchira kunaShe icho chandakakupaivo, kuti Ishe Jesu novusiku bwaakapandukirwa, wakatora chingwa; |
|
| 24 |
|
| akati avonga, akachimedura, akati: torai mudye. Ichi ndiwo muviri wangu unomedurirwa imi; itai izvi muchindirangarira. |
|
| 25 |
|
| Saizvozvovo, vakati vapedza kurayira, akatora mukombe, akati: Mukombe uyu ndiyo sungano itsva muropa rangu;itai izvi, nguva dzose kana muchimwa, muchindirangarira. |
|
| 26 |
|
| Nokuti nguva dzose, kana muchidya chingwa ichi, kana kumwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaShe, kusvikira achivuya. |
|
| 27 |
|
| Naizvozvo mumwe nomumwe unodya chingwa ichi, kana kumwa mukombe waShe, nomutovo usina kufanira, uchava nemhosva yomuviri neropa raShe. |
|
| 28 |
|
| Zvino munhu ngaazviidze, kuti adye chingwa ichi achidaro, nokumwa mukombe uyu. |
|
| 29 |
|
| Nokuti unodya nokumwa, nomutovo usina kufanira unozvidyira nokuzvimwira kurobwa zvaasinganyatsonzwisisa muviri waShe. |
|
| 30 |
|
| Nemhaka iyi vazhinji varipo pakati penyu vasinesimba, vanorwara; vazhinji vavete. |
|
| 31 |
|
| Nokuti dai taizviidza isu timene, hatizairobwa. |
|
| 32 |
|
| Zvino kana tichitongwa, tinorangwa naShe, kuti tirege kutongerwa kurohwa pamwe chete nenyika. |
|
| 33 |
|
| Naizvozvo, hama dzangu, kana muchivunganira pakudya, miriranai. |
|
| 34 |
|
| Kana munhu anenzara, ngaadye kumusha kwake; kuti murege kuvunganira kutongwa. Zvimwe zvakasara ndichazvigadzira kana ndichisvika. |
|
|
|
|