|
| 1 |
|
| Panyaya yezvipo zvaMweya, hama dzangu, handingadi kuti munge musingazivi. |
|
| 2 |
|
| Munonyatsoziva kuti pamakanga muchiri vahedheni makateteretswa kunavamwari vasingatauri zvisinei kuti makaendeswa ikoko sei. |
|
| 3 |
|
| Naizvozvo ndinoda kuti munzwisise kuti hapana munhu anotaura ainaMweya waMwari kuti Jesu ngaave norushambwa. Hapanawo angati Jesu ndiTenzi iye asina Mweya Mutsvene. |
|
| 4 |
|
| Kune mhando dzakasiyana — siyana dzezvipo asi anozvipa ndiye Mweya mumwecheteyo. |
|
| 5 |
|
| Kune mhando dzamabasa dzakasiyana — siyana asi Tenzi ndiye mumwechete. |
|
| 6 |
|
| Kune mhando dzokushanda kwakasiyana — siyana asi Mwari ndiye mumwechete anozvifemera muna vose. |
|
| 7 |
|
| Mune mumwe nomumwe munoonekwa kuti muna Mweya Mutsvene anoshanda maari kuti zvibatsire ruzhinji. |
|
| 8 |
|
| Mumwe anopiwa, nomuna Mweya Mutsvene, kutaura noungwaru; mumwewo achipiwa kutaura noruzivo zvichibva kuna Mweya mumwecheteyo; |
|
| 9 |
|
| mumwewo chipo chechitendero chinobva kuna Mweya mumwecheteyo. Mumwewo chipo chokurapa chinopiwa naMweya mumwecheteyo. |
|
| 10 |
|
| Kuno mumwe chipo chokuita zvishamiso; kuno mumwewo chipo chokuporofita; mumwewo achipiwa chipo chokusiyanisa mweya yakaipa neyakanaka; kuno mumwewo chipo chokutaura nendimi dzakasiyana — siyana; mumwewo chipo chokududzira ndimi. |
|
| 11 |
|
| Zvose izvozvi zvinofemerwa naMweya mumwecheteyo anogovera munhu nomunhu sokuda kwake. |
|
| 12 |
|
| Sezvakangoita muviri kuti mumwechete, asi uine nhengo dzakawanda uye kuti nenhengo dzose idzodzo dzomuviri, kunyange dzakawanda kudaro, muviri mumwechete, ndizvo zvimwechetezvo naKristu. |
|
| 13 |
|
| Chikonzero ndechokuti nokuombekwa kwatakaitwa naMweya mumwechete, tose takaombekwa mumuviri mumwechete, vangave vaJudha kana kuti vaGiriki, vangave varanda kana vasununguki tose takanwa Mweya mumwechete. |
|
| 14 |
|
| Muviri hausi mutezo mumwechete asi mizhinji. |
|
| 15 |
|
| Dai kuri kuti tsoka inoti nokuti handisi ruoko, saka handisi womuviri; hazviiti kuti isave yomuviri. |
|
| 16 |
|
| Dai kuri kutiwo nzeve inoti nokuti handisi ziso, handisi womuviri; hazviiti kuti isave yomuviri. |
|
| 17 |
|
| Dai muviri wose waingova ziso roga kunzwa, waizonzwa nei? Dai muviri wose waingova nzeve yoga kunhuwidza, waizonhuwidza nei? |
|
| 18 |
|
| Asi sezvazviri, iye zvino, Mwari akaronganisa mitezo yomuviri, mumwe nomumwe wayo sokuda kwake. |
|
| 19 |
|
| Dai kuri kuti muviri wose waingova mutezo mumwechete, muviri waizova papi. |
|
| 20 |
|
| Sezvazviri, iye zvino, kune mitezo yakawanda asi muviri uri mumwechete. |
|
| 21 |
|
| Ziso harigoni kuti kuruoko, “Handina basa newe;” kanawo musoro kuti uti kumakumbo, “Handina basa nemi.” |
|
| 22 |
|
| Asi zvinotovapo ndezvizvi zvokuti mitezo yomuviri inoita seisina kusimba ndiyo isingafaniri kushaika. |
|
| 23 |
|
| Uye, mitezo yomuviri yatinoona seisingakudzikani, ndiyo yatinonyatsoremekedza. Mitezo inonyadzisa inoremekedzwa zvakatoti, |
|
| 24 |
|
| zvisingadiwe nemitezo yedu isinganyadzisi. Asi Mwari akanyatsogadzira muviri, achipa rukudzo kune mutezo usina basa guru; |
|
| 25 |
|
| izvi kuri kuti parege kuva nokupesana mumuviri asi kuti mitezo ienzane pakuchengetana. |
|
| 26 |
|
| Kana mumwe mutezo ukarwadziwa yose inorwadziwa pamwechete. Kana mumwe mutezo ukakudzwa yose inofara pamwechete. |
|
| 27 |
|
| Zvino imi ndimi muviri waKristu uye mumwe nomumwe wenyu mutezo womuviri iwoyo. |
|
| 28 |
|
| Mwari akapa vanhu mabasa musangano sezvizvi, vokutanga vapositori, vechipiri vaporofita, vetatu vadzidzisi kouya vaiti vezvishamiso koti varapi kozoti vabatsiri navafambisi vamabasa navatauri vendimi dzakasiyana — siyana. |
|
| 29 |
|
| Ko vose vapositori here? Ko vose vaporofita here? Ko vose vadzidzisi here? Ko vose vanoita zvishamiso here? |
|
| 30 |
|
| Ko vanhu vose here vane zvipo zvokurapa? Ko vanhu vose here vane chipo chendimi? Ko vanhu vose here vanodudzira? |
|
| 31 |
|
| Asi disisai kuva nezvipo zvikuru. Ini ndichakuratidzai nzira yakatonyanyonakisisa. |
|
|
|
|