Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| Zvino, hama dzangu, ndinokuzivisai Vhangeri yandakakuparidzirai, iyo yamakagamuchirawo, neyamunomirawo mairi; |
| 2 |
| iyo yamunoponeswawo nayo, kana muchiibatisa nomutoo wandakaiparidza kwamuri, kana musina kutenda pasina. |
| 3 |
| Nokuti pakutanga ndakakupai izvo zvandakagamuchirawo, kuti Kristu akafira zvivi zvedu, sezvakanyorwa muMagwaro; |
| 4 |
| uye kuti akavigwa, akamutswa nezuva retatu, sezvakanyorwa muMagwaro; |
| 5 |
| akazviratidza kuna Kefasi, ipapo kuna vane gumi navaviri; |
| 6 |
| ipapo akazviratidza kuhama dzinopfuura mazana mashanu kamwe vazhinji vavo vapenyu kusvikira zvino, asi vamwe vakavata. |
| 7 |
| Ipapo akazviratidza kuna Jakobho; ipapo kuna vapostori vose; |
| 8 |
| pakupedzisira akazviratidza kwandiriwo, sokunoakazvarwa nguva isati yasvika. |
| 9 |
| Nokuti ini ndiri muduku kuvapostori vose, handifaniri kuti ndinzi muapostora, nokuti ndakatambudza Chechi yaMwari. |
| 10 |
| Asi nenyasha dzaMwari ndiri munhu akadai zvino; nenyasha dzake kwandiri hadzina kuva pasina; asi ndakashanda zvikuru kupfuura vose; handizini, asi inyasha dzaMwari dzaiva neni. |
| 11 |
| Naizvozvo, kana ndirini, kana vari ivo, tinoparidza kudai, nemi makatenda kudai. |
| 12 |
| Zvino kana Kristu achiparidzwa, kuti akamutswa kuvakafa, vamwe pakati penyu vanoreva seiko, kuti hakuna kumuka kwavakafa? |
| 13 |
| Zvino, dai pasina kumuka kwavakafa, naKristu angadai asina kumutswawo; |
| 14 |
| uye, dai Kristu asina kumutswa, kuparidza kwedu kungadai kuchiva pasina, nokutenda kwenyu kungadai kuchiva pasinawo. |
| 15 |
| Nesu taiwanikwa tiri zvapupu zvaMwari zvenhema; nokuti takapupura kuti Mwari akamutsa Kristu, iye waasina kumumutsa, kana zviri izvo kuti vakafa havamutswi. |
| 16 |
| Nokuti kana vakafa vasingamutswi, naKristu haana kumutswawo; |
| 17 |
| kana Kristu asina kumutswa, kutenda kwenyu hakuna maturo; muchiri muzvivi zvenyu. |
| 18 |
| Zvino naivo vakafa muna Kristu vakarasikawo. |
| 19 |
| Kana tine tariro kuna Kristu muupenyu uhwu bedzi, tinonzwisa urombo kukunda vanhu vose. |
| 20 |
| Asi zvino Kristu akamutswa kuvakafa, akava chibereko chokutanga chavavata. |
| 21 |
| Nokuti rufu zvarwakauya nomunhu, kumuka kwavakafa kwakauya nomunhuwo. |
| 22 |
| Nokuti vose sezvavanofa muna Adhamu, saizvozvowo vose vachararamiswa muna Kristu. |
| 23 |
| Asi mumwe nomumwe padzoro rake: wokutanga ndiye Kristu chibereko chokutanga; tevere, avo vari vaKristu pakuuya kwake. |
| 24 |
| Ipapo kuguma kunosvika, panguva yaachazopa Mwari, Baba, ushe, panguva yaachaparadza kubata kwose, noushe hwose, nesimba. |
| 25 |
| Nokuti anofanira kubata ushe, kusvikira aisa vavengi vake vose pasi petsoka dzake. |
| 26 |
| Muvengi wokupedzisira, achaparadzwa, ndirwo rufu. |
| 27 |
| Nokuti akaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake. Zvino kana achiti, “Zvose zvakaiswa pasi pake, zvinoonekwa pachena kuti iye, akaisa zvose pasi pake, haaiswipo.” |
| 28 |
| Zvino kana zvose zvaiswa pasi pake, ipapo noMwanakomanawo amene achaiswa pasi paiye akaisa zvose pasi pake, kuti Mwari ave zvose kuna vose. |
| 29 |
| Kana zvisina kudaro, ko avo vanobhabhatidzirwa vakafa, vachagoita seiko? Kana vakafa vasingatongomutswi, vakagobhabhatidzirweiko ivo vakafa? |
| 30 |
| Nesu tiri panjodzi nguva dzose neiko? |
| 31 |
| Ndinopika, hama dzangu, nokuzvirumbidza kwandinako pamusoro penyu muna Kristu Jesu, Ishe wedu, kuti ndinofa zuva rimwe nerimwe. |
| 32 |
| Kana ndakarwa nezvikara paEfeso somunhu zvaindibatsireiko? Kana vakafa vasingamutswi, ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tinofa. |
| 33 |
| Musanyengerwa; ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka. |
| 34 |
| Pengenukai zvakarurama, “Murege kutadza, nokuti vamwe havazivi Mwari; ndinotaura izvi kuti munyadziswe.” |
| 35 |
| Asi mumwe angati, “Vakafa vanogomutswa seiko? Vachauya nomuviri wakaita sei?” |
| 36 |
| Iwe benzi, icho chaunodyara hachimeri, kana chisingafi. |
| 37 |
| Chaunodyara, haudyari muviri uchavapo, asi tsanga bedzi, kana yamapfunde, kana yezvimwe; |
| 38 |
| asi Mwari anoipa muviri paanoda napo, nembeu imwe neimwe muviri wayo. |
| 39 |
| Nyama yose haizi nyama imwe; asi imwe ndeyavanhu, imwe inyama yemhuka, imwe inyama yeshiri, imwe ndeyehove. |
| 40 |
| Kune miviri yokudenga, nemiviri yenyika; asi kubwinya kweyokudenga ndokumwe, nokwenyika ndokumwe. |
| 41 |
| Kubwinya kwezuva ndokumwe, nokubwinya kwomwedzi ndokumwe, nokubwinya kwenyenyedzi ndokumwe; nokuti nyenyedzi imwe haifanani neimwe nyenyedzi pakubwinya. |
| 42 |
| Ndizvo zvakaitawo kumuka kwavakafa. Muviri unodyarwa pakuora; unomutswa pakusaora; |
| 43 |
| unodyarwa pakuzvidzwa, unomutswa pakubwinya; unodyarwa pautera, unomutswa pasimba. |
| 44 |
| Unodyarwa uri muviri wokuberekwa, unomutswa uri muviri womweya. Muviri wokuberekwa uripo, nomuviri womweya uripo. |
| 45 |
| Zvakanyorwawo saizvozvo, zvichinzi, “Munhu wokutanga, Adhamu, akaitwa munhu mupenyu;” Adhamu wokupedzisira akaitwa mweya, unopa upenyu. |
| 46 |
| Asi zvomweya hazvizi zvokutanga, asi zvokuberekwa; tevere zvomweya. |
| 47 |
| Munhu wokutanga ndowenyika, wevhu; munhu wechipiri akabva kudenga. |
| 48 |
| Saiye wevhu, ndizvo zvakaitawo avo vevhu; saiye wokudenga, ndizvo zvakaitawo ivo vokudenga. |
| 49 |
| Uye, sezvatakanga tinomufananidzo womunhu wevhu, tichavawo nomufananidzo waiye wokudenga. |
| 50 |
| Zvino, hama dzangu, ndinoreva ndichiti, nyama neropa hazvingagari nhaka youshe hwaMwari; nokuora hakungagari nhaka yokusaora. |
| 51 |
| Tarirai, ndinokuudzai chakavanzika, Hatingavati tose, asi tichashandurwa tose; |
| 52 |
| pakarepo, nokubwaira kweziso, nehwamanda yokupedzisira; nokuti hwamanda icharira, ipapo vakafa vachamutswa nokusaora; nesu tichashandurwa; |
| 53 |
| nokuti ichi chinoora chinofanira kufuka kusafa. |
| 54 |
| Zvino kana ichi chinoora chafuka kusaora, nechichi chinofa chafuka kusafa, ipapo shoko rakanyorwa richaitika, rinoti, “Rufu rwakamedzwa nokukunda.” |
| 55 |
| “Iwe rufu, kukunda kwako kuripiko? Iwe rufu, rumborera rwako ruripiko?” |
| 56 |
| Rumborera rworufu ndizvo zvivi; nesimba rezvivi ndiwo murairo. |
| 57 |
| Zvino Mwari ngaavongwe, uyo anotipa kukunda naIshe wedu, Jesu Kristu. |
| 58 |
| Saka, hama dzangu dzinodikanwa, mirai makasimba, murege kuzununguswa, mushandire Ishe zvikuru nguva dzose, muchiziva kuti kubata basa kwenyu hakungavi pasina muna Ishe. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/1corinthians/015.mp3
16
15