|
| 1 |
|
| Zvino, kana zviri zvipo zvakaunganidzirwa vatsvene, sezvandakaraira Chechi yeGaratia, itai nemiwo saizvozvo. |
|
| 2 |
|
| Nomusi wokutanga wevhiki, mumwe nomumwe wenyu ngaakamure zvimwe kumba kwake, aunganidze, paakawana napo, kuti zvipo zvirege kuunganidzwa, kana ndichisvika. |
|
| 3 |
|
| Kana ndasvika, ndichatuma avo vamunotenda netsamba, vagondoisa zvipo zvenyu Jerusaremu. |
|
| 4 |
|
| Kana zvakafanira kuti ini ndiendewo, vangaenda neni. |
|
| 5 |
|
| Zvino ndichauya kwamuri, kana ndagura neMasedhonia; nokuti ndinogura neMasedhonia. |
|
| 6 |
|
| Zvimwe ndichagara nemi, kunyangwe ndipedze chando, kuti mugondiperekedza pose pandinoenda. |
|
| 7 |
|
| Nokuti handidi kukuonai zvino ndiri parwendo; nokuti ndinoti ndichazogara nemi chinguva, kana Ishe achinditendera. |
|
| 8 |
|
| Asi ndichagara paEfeso kusvikira paPendekositi. |
|
| 9 |
|
| Nokuti ndazarurirwa musuwo mukuru, une basa guru; navadzivisi vazhinji varipo. |
|
| 10 |
|
| Zvino kana Timoti achisvika, chenjerai kuti agare nemi asingatyi; nokuti anobata basa raIshe, sezvandinoita neniwo. |
|
| 11 |
|
| Naizvozvo ngakurege kuva nomunhu anomuzvidza. Asi muperekedzei norugare, kuti auye kwandiri; nokuti ndakamutarira pamwechete nehama. |
|
| 12 |
|
| Zvino kana ari Aporo, hama yedu, ndakakumbira kwaari zvikuru, kuti auye kwamuri pamwechete nedzimwe hama; asi akanga asingatongodi kuuya zvino, achauya hake kana awana nguva yakanaka. |
|
| 13 |
|
| Rindai, mirai nesimba pakutenda, itai savarume, musimbiswe. |
|
| 14 |
|
| Zvose zvamunoita ngazviitwe norudo. |
|
| 15 |
|
| Ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, munoziva mhuri yaSitefani, kuti ndicho chibereko chokutanga paAkia, vakazviisa kuti vashumire vatsvene. |
|
| 16 |
|
| Kuti nemiwo muzviise pasi pavakadaro, napasi pavose vanotibatsira navanobata basa iri. |
|
| 17 |
|
| Ndinofara nokuuya kwaSitefani, naFochunatosi, naAkayikosi; nokuti ivo vakandiitira zvamakanga musingagoni kuita imi. |
|
| 18 |
|
| Nokuti vakazorodza mweya wangu nowenyu; naizvozvo kudzai vakadaro. |
|
| 19 |
|
| Chechi dzapaEzhia dzinokukwazisai. Akwira naPirisira vanokukwazisai zvikuru muna Ishe, pamwechete nechechi iri mumba mavo. |
|
| 20 |
|
| Hama dzose dzinokukwazisai. Kwazisanai nokutsvoda kutsvene. |
|
| 21 |
|
| Ndiko kukwazisa kwangu, ini Pauro, noruoko rwangu. |
|
| 22 |
|
| Kana munhu asingadi Ishe, ngaave akatukwa. Ishe anouya! |
|
| 23 |
|
| Nyasha dzaIshe Jesu ngadzive nemi. |
|
| 24 |
|
| Rudo rwangu ngaruve nemi mose muna Kristu Jesu. |
|
|
|
|